RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/01 p. 1
  • Ramba Uchi“ita Zvakanaka Kwazvo”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ramba Uchi“ita Zvakanaka Kwazvo”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Usarega Kuita Zvakanaka Kwazvo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Ramba Uri Pedyo neSangano raJehovha
    Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Fara naMwari Anofara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ramba Uchifamba Nenzira Inofambira Mberi Mumuitiro Une Nhevedzano
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 6/01 p. 1

Ramba Uchi“ita Zvakanaka Kwazvo”

1 Wakaita zvakanaka pawakava mushumiri waJehovha Mwari. Zvisinei, iye zvino chinetso ndechokuramba uchi“ita zvakanaka kwazvo” munguva dzino dzinonetsa. (VaG. 6:9) Kunyange zvazvo izvi zvichida kunyatsoshanda nesimba, unogona kuzviita. Sei?

2 Kudziridza Mafungire aJesu: SaJesu, unogona kutsungirira miedzo kana ukaramba uchiisa pfungwa patariro yoUmambo. (VaH. 12:2, 3) Iva nechokwadi chokuti Jehovha anokuda uye kuti anoda kuti ubudirire. (2 Pet. 3:9) Vimba naye zvakazara, une chokwadi chokuti achakubatsira. (1 VaK. 10:13) Ramba uchinyengetera, uchikumbira Jehovha kuti akubatsire kutsungirira. (VaR. 12:12) Fara nechivimbo chokuti kutsungirira kwako kuchaita kuti utenderwe mumaziso aMwari. (VaR. 5:3-5) Kutendeka kwako mukukudziridza “mafungire akafanana neaiva naKristu Jesu” kuchaita kuti iwe pachako ugutsikane ndokufadza mwoyo waJehovha.—VaR. 15:5; Zvir. 27:11.

3 Ramba Uchiita Zvinhu Zvakarurama: Shandisa zvakazara zvinhu izvo Jehovha akapa vanhu vake kuti avabatsire kuramba vachiita zvakanaka kwazvo. Ramba une muitiro wako wakanaka wokuverenga Shoko raMwari nokudzidza mabhuku eBhaibheri eboka romuranda akatendeka, akangwara. Gadzirira, pinda, uye batanidzwa nokutendeka mumisangano yose yeungano. Misangano yechiKristu isati yatanga uye yapera, pedza nguva yakawanda uine hama nehanzvadzi dzako dzaunonamata nadzo. Iva nezvaunoda kuita chaizvo muushumiri hwako uye zvinogona kuitika kuti uitewo zvose zvaunokwanisa mubasa romumunda uye kuti uvandudze unyanzvi hwako hwokuudza vamwe mashoko akanaka.

4 Ndizvo zvaungaita kuti urambe uchiita zvakanaka kwazvo uye panguva imwe chete wowana mufaro mukuru. Tichitaura nezveizvi, imwe hama yokuItaly yakati: “Manheru paanosvika, uye ndodzokera kumba ndaswera ndichiita basa raJehovha, chokwadi ndinonzwa ndaneta. Asi ndinofara, uye ndinoonga Jehovha nokundipa mufaro usingagoni kutorwa nomumwe munhu.” Saka, ramba uchiita zvakanaka kwazvo, uyewo uchawana mufaro mukuru.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe