Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naMay 14
6 min: Zviziviso zveungano uye Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
13 min: Kugadzirira Mharidzo Dzinofadza. Mutariri webasa kana kuti mumwe mukuru anokurukura nevaparidzi vaviri kana vatatu zvakanakira kuva nemharidzo dzepaimba neimba dzinotaura nezvechimwe chinhu chinofarirwa muno. Somuenzaniso, mishumo yenhau dzomuno yezvokuedza kuri kuitwa kuvandudza mararamiro evanhu; kuwedzera kwezvinetso zvemhuri, misikanzwa yevana, kana kuti zvinetso zvokushayiwa mabasa; kana nhau dzinoratidza chikonzero nei vanhu vasina chokwadi zvachose nezvezvigadzikiso zvinopiwa nevezvematongerwe enyika uye vafundisi. Taura nhau dziri muno maunogara iye zvino, uye kurukura mashandisirwo adzingaitwa kutanga kukurukurirana.
10 min: “Tsamba Inobva kuDare Rinodzora.” Kukurukura nemibvunzo nemhinduro ndima ina dzokutanga dzetsamba yacho. Ita kuti hama inokwanisa iverenge ndima idzi. Verenga uye kurukura magwaro akawanda akaiswa kana nguva ichibvumira.
16 min: “Kuteerera—Chidzidzo Chinokosha Here Kuvaduku?” Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaApril 1, 2001, mapeji 30-1, ingasarudzwa kuti ipiwe nomukuru ari mubereki. Kurudzira vabereki kuti vadzidzise vana kukosha kwokuteerera. Nharireyomurindi yacho inoti: “Munguva ino yokuti munhu ngaazvionere, hazvishamisi kuti vanhu vakawanda vanoti hapana chakanaka chinobuda nokuteerera uye kudzidzisa vana.” SevaKristu, hatidi kugamuchira maonero enyika panhau iyi inokosha zvikuru. Simbisa zvinokoshera kudzidzisa vana kuteerera.
Rwiyo 31 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 21
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.
15 min: “Tsamba Inobva kuDare Rinodzora.” Kukurukura nemibvunzo nemhinduro kubva pandima 5 kusvika panoperera tsamba yacho. Ita kuti hama inokwanisa iverenge ndima idzi. Verenga uye kurukura magwaro akawanda akaiswa kana nguva ichibvumira.
20 min: “Chengeta Mirayiro Yangu, Urarame.” Hurukuro inobva muNharireyomurindi yaNovember 15, 2000, mapeji 28-31. Bhuku raZvirevo rine zano nouchenjeri zvinoshanda zvakafanana kuvaduku uyewo kuvakuru. Hama dzakawanda dzakataura maonero adzakaita nyaya dzinotevedzana dzomubhuku raZvirevo dzomunguva ichangopfuura kuva dzinobatsira. Kurudzira vose kuti vaverenge uye kuti vashandise nyaya idzi.
Rwiyo 105 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naMay 28
8 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaMay.
10 min: Zvinodiwa muungano.
12 min: “Kudyara Mbeu yoUmambo Muvanhu Vatinogaroendesera Magazini.” Kurukura nevateereri. Ungaita kuti vamwe vatsanangure kutanga kwavakaita uye kuramba vachiendesa magazini. Funga mataurirwo angaitwa chirongwa chomupiro nokungwarira panoendeswa magazini.
15 min: “Shoko raMwari . . . Rine Simba.”a Iva nemienzaniso miviri yakanyatsogadzirirwa, inoratidza kuti mharidzo pfupi dzingasimbisa sei Shoko raMwari.
Rwiyo 79 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJune 4
12 min: Zviziviso zveungano nezvakaitika mubasa romumunda.
15 min: “Ita Zvakazara Basa Rokukohwa.”b Pakukurukura ndima 4, taura muenzaniso uri muNharireyomurindi yaSeptember 15, 1996, peji 19, ndima 10, unoratidza zviri kuitwa nevamwe kuti vawedzere ushumiri hwavo.
18 min: “Tashanda Ndima Yedu Kakawanda!”c Inofanira kupiwa nomutariri webasa. (Ungano dzine ndima isingawanzoshandwa dzingadzokorora nyaya inoti “Magazini Anozivisa Umambo,” iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaApril 1998.) Kurukura zvingaitwa muungano kunyatsoshanda zvakaoma pakushanda mundima. Rondedzera zvakaitika zviri mu1997 Yearbook, peji 204, uye muNharireyomurindi yaFebruary 15, 1996, peji 26. Simbisa kukosha kwokuchengeta zvakanaka zvinyorwa zvepaimba neimba, kutevera vasiri pamusha, uye kudzokerazve nokukurumidza.
Rwiyo 142 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
c Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.