RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/01 pp. 3-4
  • Tsamba Inobva Kudare Rinodzora

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsamba Inobva Kudare Rinodzora
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 5/01 pp. 3-4

Tsamba Inobva Kudare Rinodzora

1 Tinozodiwa! SeZvapupu zvaJehovha, tine ropafadzo kwete yokungoziva Jehovha, Mwari wechokwadi bedzi uye mupenyu, Musiki wezvose, asiwo yokuva nezita rake neyokumushumira. Chikomborero chakakura zvikuru chiripo!—Isa. 43:12; VaH. 8:11.

2 Tine tariro yokuponeswa uye basa rokuparidza mashoko akanaka oUmambo kuitira kuti vamwe vanamatewo Jehovha ndokugoverana tariro yedu. (Mat. 24:14; VaR. 10:13, 14; 1 VaT. 5:8) Tinofarawo nokuva noukama hwemarudzi akawanda evanamati vanodanana uye vanobatsirana nokushingaira. Izvi zvose zvine mubayiro kwazvo!

3 Bhaibheri rinotikurudzira zvakakodzera richiti: “Shumirai Jehovha nomufaro. . . . Pindai pamasuo ake muchionga, napavazhe dzake muchirumbidza; chimuongai, murumbidze zita rake. Nokuti Jehovha wakanaka; ngoni dzake dziripo nokusingaperi; nokutendeka kwake kumarudzi namarudzi.” (Pis. 100:2-5) Kushumira Jehovha nomufaro kunonyatsoenderana nokuva noukama hwakasimba naye. Anoita kuti ukama ihwohwo hubvire, uye tine ropafadzo yokuhukudziridza. Patinova noukama hwakadaro, tinoziva kuti Jehovha nguva dzose aripo kutibatsira nokutisimbisa munguva dzokushayiwa. Tine chivimbo chokuti achagovera simba romudzimu nenhungamiro zvinodiwa kuti tikunde zvinetso zvokurarama mumazuva okupedzisira enyika ino. Pasinei nezvinetso zvatinosangana nazvo, tinowana mufaro muushumiri hwedu, uye tinoonga Jehovha mazuva ose nokuti, sezvatinoyeuchidzwa neShoko rake, ‘ane hanya nesu.’—1 Pet. 5:7.

4 Gore rakapera, zvechokwadi Jehovha akatikomborera zvikuru. PaKokorodzano Yoruwa ye“Vaiti veShoko raMwari,” takafara kuva nezviuru zvevamwe vakawanda vane kutenda kunokosha kwakafanana, vaiimba nokudya pamwe chete patafura yomudzimu yaJehovha. Pachidzidzo Chebhuku Cheungano chedu, takava nechinoitika chinosimbisa kutenda chokudzidza pamwe chete bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! Uyezve, takazofara kugamuchira Vhoriyamu I yebhuku idzva rinonzi Uprofita hwaIsaya—Chiedza Chavanhu Vose! ‘Mukombe wedu unopfachuka.’—Pis. 23:5.

5 Zvinozofadza kuziva kuti isu mamiriyoni ehama nehanzvadzi dzomudzimu, takabatana mukushumira Jehovha! Zvinokurudzira kwazvo kuverenga nezvenhamba itsva dzepamusoro dzakasvikwa mubasa romumunda! Tinofadzwa nemamiriyoni akawanda akapinda Chirangaridzo chorufu rwaIshe wedu—uye akazviita pasinei nemamiriro ezvinhu zvenyika. Sezvatinotarira munda wepasi pose, zvakajeka kuti “zvechokwadi, kukohwa kukuru.” (Ruka 10:2) Paavhareji, gore rakapera vadzidzi veBhaibheri 5 555 vhiki yoga yoga, vakafambira mberi kusvika pakuratidza kuzvitsaurira kwavo nokubhabhatidzwa mumvura. Nepo kukohwa kwakati kurei mune dzimwe nzvimbo dzepasi pane mune dzimwe, tose tinofarira zviri kuitwa naJehovha. Tinoona uchapupu hwakajeka hwokukomborera kwaanoita kushingaira kwevashumiri vake vakabatana.

6 Kuvakwa kweHoro dzoUmambo itsva kwave kuri chimwezve chikonzero chokufara zvikuru! Tinofara kwazvo kuona kutsigirwa kwebasa iri nomwoyo wose kunoitwa nehama nehanzvadzi dzedu dziri munyika dzichiri kubudirira. Mazana eHoro dzoUmambo akatovakwa neMapoka Okuvaka Horo dzoUmambo ayo akarovedzwa zvakakwana. Hama idzi dzinobva kuungano imwe dzichienda kune imwe munyika dzadzo kuti dzitungamirire muzvirongwa zvokuvaka Horo dzoUmambo. Sezvo pachine zviuru zveHoro dzoUmambo dzichiri kuda kuvakwa, vakawanda vanokumbirwa munyika dzichiri kubudirira kuti vazvipire kubatsira mubasa iri rinokosha. Kana uchigara munyika yakadaro, ungada kuzviita here? Haiwa, hama nehanzvadzi dzedu dzinodiwa dzinoonga zvikuru kuva neHoro yoUmambo yadzo pachadzo yokuti dzinamatire! Uye dzinoonga kwazvo hama dzepasi pose dzinobatsira nemari yokuti zvikwanisike!

7 Nhau dzokukunda mumatare edzimhosva dzinotifadza. Asi, munzvimbo dzakawanda munewo vanhu vane simba zvikuru vangada kudzivisa kunamatwa kwaJehovha. Sezvatinobata nezvinetso izvi, tine chokwadi chokuti Jehovha haanei nokuti vashori vakawanda zvakadini kana kuti vashumiri vake vanoita sevari nyore kudenha zvakadini. (2 Mak. 14:11) Tinokurumbidzai noushamwari imi mose hama nehanzvadzi munoramba makamira makasimba mukunamata kwechokwadi.

8 Rambai muchisimbisa kutenda kwenyu uye muchivimba zvakasimba naJehovha nokuda kwenhungamiro sezvamunoita mitoro yenyu yechiKristu nomufaro. (Zvir. 3:5, 6) Hapana chikonzero chokuora mwoyo, pasinei zvapo nokuti muvengi angabvumirwa kuitei. Yeuka kukurudzira kwakaita Erisha muranda wake ainetseka achiti: “Usatya hako, nokuti vari kwatiri vanopfuura vari kwavari pakuwanda.” (2 Madz. 6:15-17) Nhasi, hondo yaJehovha yokudenga yagadzirira kudzivirira zvinhu zvine chokuita nokunamata kwakachena sezvazvakanga zvakaita muzuva raErisha. Tinotarira nguva yemberi tiine chivimbo. Jehovha ndiye anodzora. Vanhu havagoni kubudirira kumurwisa. Akagadza pachigaro Mwanakomana wake ane simba rakakwana rokutonga. “Vakakomborerwa vose vanovimba naye.”—Pis. 2:1-6, 12.

9 Tapota yeukai kuti imi mose hama nehanzvadzi dzinodiwa tinokudai zvikuru nguva dzose. Munyengetero wedu womwoyo wose ndewokuti mumwe nomumwe wenyu ngaa‘mire akakwana achitendiswa zvakasimba mukuda kwaMwari kwose.’—VaK. 4:12.

Hama dzenyu,

Dare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe