“Shoko raMwari . . . Rine Simba”
1 “Shoko raMwari ibenyu uye rine simba,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaH. 4:12) Airevei? Shoko raMwari rinowanikwa muBhaibheri rinogona kuchinja vanhu zvikuru. Uchenjeri huri muBhaibheri hune simba rokuchinja upenyu hwomunhu kuti huve nani. Nyaradzo netariro zvarinopa zvinokwevera vanhu kuMupi Woupenyu, Jehovha Mwari. Shoko raro ringaita kuti vanhu vane mwoyo yakatendeseka vapinde munzira inotungamirira kuupenyu husingaperi. Zvisinei, kuti tione izvi zvichiitika, tinofanira kushandisa Bhaibheri patinopupurira vamwe.
2 Verenga Rugwaro Pamikana Yose: Zvinoita sokuti vaparidzi vakawanda vakasiya tsika yokuverenga Bhaibheri pasuo. Ndozvawakaita here? Nokuti vanhu vakawanda vanoita sevasina nguva yokukurukura yakareba, zvimwe wakawira mumuitiro wokungogovera mabhuku kana kuti kungotaura rugwaro nemamwe mashoko. Tinokurudzira vaparidzi vose kuedza zvepachokwadi kuverenga inenge ndima imwe kubva muBhaibheri pavanenge vachiparidza mashoko akanaka, nokudaro vachibvumira munhu wacho kuona kuti shoko redu chaizvoizvo rinowanikwa muShoko raMwari.
3 Kunyange zvazvo vanhu vashomanana vaine muitiro wokuverenga Bhaibheri, richiri kungoremekedzwa. Kunyange vanhu vakabatikana vanowanzotsaura miniti imwe kana maviri kuti vateerere shoko rinoverengwa zvakananga kubva muShoko raMwari. Rugwaro rwakakodzera parunoverengwa noushamwari ndokutsanangurwa zvishoma, simba reshoko raJehovha ringava nomugumisiro wakanaka pane muteereri wacho. Asi ungabatanidza sei mashoko ako okutanga nokuverenga rugwaro muBhaibheri?
4 Edza Izvi Mubasa Remagazini: Mumwe mutariri anofambira anoshandisa Magwaro zvinobudirira paanoita basa remagazini. Anotakura Bhaibheri duku mubhegi rake. Pashure pokuratidza magazini uye kurondedzera zvishoma nyaya yacho, anovhura Bhaibheri asingazenguriri obva averenga ndima inopindirana nenyaya yacho. Izvi zvinogona kuitwa nokungobvunza kuti, “Munofungei nezvechipikirwa ichi chinokurudzira?” wobva wapfuurira nokuverenga rugwaro rwakasarudzwa.
5 Vavarira kuverenga ndima imwe kana kuti mbiri kubva muBhaibheri nevateereri vose. Simba rayo rinokurudzira ringavhura nzira yokuti vanhu vakawanda vakweverwe kuna Mwari.—Joh. 6:44.