April—Nguva Yokuti ‘Tishande Nesimba Neyokubishaira’
1 Vhiki dziri pedyo neChirangaridzo inguva yokufungisisa kwevanhu vaJehovha. Ndiyo nguva yokufunga zvakaitwa norufu rwaKristu uye yokufungisisa tariro yatakapiwa naMwari yakaitwa kuti ibvire neropa raJesu rakadeurwa. Sezvaunoyeuka April 19 wegore rapera, unofungei? Ungayeuka zviso zvawakaona usiku ihwohwo here? mamiriro ezvinhu zvomudzimu akakwirira, anofadza paChirangaridzo here? kukurukurwa kweBhaibheri kwakakomba uye minyengetero inobva pamwoyo here? Zvichida wakatsunga kuratidza zvakazara zvikuru kuonga kwaunoita rudo rwawakaratidzwa naJehovha naJesu. Kufungisisa kwakadaro kunoitei pauri iye zvino?
2 Zvakajeka kuti vanhu vaJehovha vanoratidza kuonga kunopfuura kungotenda nemashoko. (VaK. 3:15, 17) Zvikurukuru April apfuura, takaedza kuratidza kuonga kwedu zvatinopiwa naJehovha kuti atiponese nokushanda muushumiri hwechiKristu. Mapiyona ebetsero akasvika zviuru, achidarika nhamba yepamusoro-soro yakapfuura ne38 muzana muZimbabwe. Zvaakaita, pamwe chete nezvakaitwa nevamwe vazivisi vose voUmambo, zvakaguma nenhamba dzepamusoro itsva mune dzimwe nzira dzoushumiri. Mufaro wedu wakawedzerwa nokuona zviuru zvevakatanga kudzidzwa navo Bhaibheri uye nhamba itsva yepamusoro ichipinda Chirangaridzo!
3 Pasina mubvunzo, chokwadi chetariro yedu chinotikurudzira kuita chimwe chinhu. Zvakangoita sezvakanyorwa nomuapostora Pauro kuti: “Ndizvo zvatinoshandira nesimba nokubishairira, nokuti takaisa tariro yedu pana Mwari mupenyu, uyo ari Muponesi wevanhu vose, zvikurukuru wevakatendeka.”—1 Tim. 4:10.
4 Ucharatidza sei kutenda kwaunoita zvatinopiwa naJehovha kuti tiwane upenyu mwaka uno weChirangaridzo? April apfuura takaona nhamba yepamusoro-soro yechipiri yevazivisi voUmambo yati yambowanikwa muZimbabwe. Tingapfuura nhamba iyoyo here muna April? Tinokwanisa kuzviita. Asi muparidzi wose, akabhabhatidzwa neasina, anofanira kuita basa. Vatsva vakawanda vangakwanisawo kushanda. Saka, sezvaunoronga kushanda nesimba uye kubishaira muna April, funga nezvenzira dzaungakurudzira nadzo vamwe, kusanganisira vatsva nevaya vasina ruzivo rwakawanda, kuti vashande newe.
5 Kubatsira Vamwe Kumutsidzira Basa Ravo: Kana uchiziva vamwe vasina kumbobuda mubasa romumunda kwemwedzi mumwe kana miviri, zvichida ungavakurudzira ndokuvakoka kuti vaende newe mubasa romumunda. Kana vamwe vari muungano vasingachaiti basa, vakuru vachaedza nepavanogona napo kuvashanyira ndokuvakurudzira kuti vatangezve muna April.
6 Tose zvedu tinofanira kuramba tichikumbira mudzimu waJehovha kuti utisimbise mubasa rake. (Ruka 11:13) Tinofanira kuitei kuti tiwane mudzimu iwoyo? Kuverenga Shoko raMwari rakafuridzirwa. (2 Tim. 3:16, 17) Tinofanirawo kunzwa “zvinotaurwa nomudzimu kuungano” nokupinda misangano yose mishanu yevhiki nevhiki. (Zvak. 3:6) Zvino ndiyo nguva yakafanira yokubatsira vasiri venguva dzose nevasingachaiti basa kuti vavandudze miitiro yavo yokudzidza ndokuvamba kuva venguva dzose mukupinda kwavanoita misangano. (Pis. 50:23) Tinoita izvi, ukuwo tichizvichenjererawo mumudzimu. Asi chimwe chinhu chinodiwa.
7 Muapostora Petro akatsanangura kuti Mwari anopa mudzimu mutsvene wake “avo vanomuteerera somutongi.” (Mab. 5:32) Kuteerera kwakadaro kunosanganisira kuteerera murayiro wo“kuparidzira vanhu nokupupurira kwazvo.” (Mab. 1:8; 10:42) Saka, kunyange zvazvo chiri chokwadi kuti tinoda mudzimu waMwari kuti utisimbise kuti tiparidze, ichokwadiwo kuti sezvatinotanga kuratidza chido chedu chokufadza Jehovha, anotibatsira kupfuura ipapo. Ngatisamborerutsa kukosha kwokutora matanho okutanga iwayo okuteerera!
8 Kubatsira Vaduku: Vabereki, makaona uchapupu hwokuti vana venyu vanoda kutaurira vamwe chokwadi here? Vave vachienda nemi mubasa romumunda here? Mufambiro wavo wakanaka here? Kana wakanaka, nei muchizengurira? Taurai neimwe yenhengo dzeDare Rebasa Reungano, moona kana mwana wenyu achikwanisa kuva muparidzi muna April. (Ona bhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 99-100.) Zivai kuti vana venyu vangabatsira munzira ine simba pakudanidzira kwokurumbidza Jehovha mwaka uno weChirangaridzo.—Mat. 21:15, 16.
9 Vamwe amai vechiKristu muGeorgia, U.S.A., vaigarokurudzira mwanasikana wavo muduku kuudza vamwe nezvaJehovha. Gore rapera, musikana wacho paaiva muushumiri naamai vake, akagovera mumwe murume bhurocha rinonzi Anodei ndokumutsanangurira zvishoma peji yezviri mukati mebhurocha racho. Murume wacho akamubvunza kuti: “Une makore mangani?” Akati: “Manomwe.” Murume wacho akashamisika kuona musikana wacho achipa mharidzo ine musoro zvakadaro. Zvakaitika kuti akanga akura achisonganira neZvapupu asi haana kunge ambozvikoshesa senzira youpenyu. Nenguva isipi, murume wacho, mudzimai wake, uye mwanasikana wake vakanga vava kudzidziswa Bhaibheri.
10 Vaduku vakawanda vanotova vaparidzi, uye tinofara kuva navo sezvavanoshanda nesu mubasa. Pwere idzi dzingakurudzira vamwe vezera radzo. Asi April inguva yakakodzerawo yokuti mhuri dzisimbise zvisungo zvadzo ndokuwedzera mune zvokunamata nokuita basa dzvene pamwe chete. Misoro yemhuri inofanira kutungamirira mune izvi.—Zvir. 24:27.
11 Kubatsira Vatsva: Zvakadini nevatsva vauri kudzidza navo Bhaibheri? Vangaitawo basa rinokosha muna April here? Zvichida vakaratidza chido chokuudza vamwe zvavaidzidza pamakadzidza chitsauko 2, ndima 22, kana kuti chitsauko 11, ndima 14, mubhuku rinonzi Zivo. Kana mava kuda kupedza bhuku racho, gadzirira kukurukura zvakajeka nhau iyi pamunopedza chitsauko 18, ndima 8, iyo inoti: “Zvimwe unodisa kuudza hama dzako dzokunyama, shamwari, uye vamwe zvauri kudzidza. Kutaura idi, ungave wave uchitoita ikoku, kunyange sezvo Jesu akagoverana mashoko akanaka navamwe mumamiriro ezvinhu asina kurongwa. (Ruka 10:38, 39; Joh. 4:6-15) Zvino ungada kuita zvakawanda.” Izvi ndizvo zviri kuita vaunodzidza navo here?
12 Waunodzidza naye anodavira Shoko raMwari here? Ave achishandisa nheyo dzeBhaibheri here? Achinja upenyu hwake kuti huwirirane nezvinodiwa naMwari here? Ave achipinda misangano yeungano here? Anoda kushumira Jehovha Mwari here? Saka nei usingamukurudziri kuti ataure nevakuru kuti vaone kana achikwanisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa ndokushanda newe muna April? (Ona bhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 97-9.) Nokuita izvi angatanga kuona zvakananga kuti sangano raJehovha richamutsigira sei mune zvaanoita kuti ashumire Jehovha.
13 Chokwadi, vamwe vadzidzi vanokurumidza kufambira mberi kupinda vamwe. Saka, maererano nenhungamiro iri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2000, peji 4, ndima 5-6, vakawanda vave vachidzidza bhuku rechipiri nevanhu vakaratidza kufarira pakutanga asi vanoda kubatsirwazve kuti vashingaire kusonganira neungano. Hatimboregi kutarisira kuti ava vane mwoyo yakatendeseka vachava vadzidzi vaKristu vechokwadi, “zvingava nenguva pfupi kana nguva refu.” (Mab. 26:29) Asi kana mwedzi yawakapedza uchidzidza nevanhu vakadaro ichirondedzerwa zvakanakisisa se“nguva refu,” mwaka uno weChirangaridzo ungava mukana wakanaka here wokuti waunodzidza naye atange kuratidza kuonga kwaanoita rudzikinuro rwaKristu?
14 Mabatsirirwe Avangaitwa Kuti Vashande: Tinodzidza zvakawanda nezvokubatsira vanokwanisa kuti vatange kuita ushumiri nokuongorora marovedzere ayo Jesu akaita vamwe. Haana kungowana boka revanhu ndokuudza vaapostora vake kuti vatange kutaura navo. Akatanga kusimbisa kudiwa kwebasa rokuparidza, kukurudzira pfungwa yokunyengetera, ndokubva avapa zvinhu zvitatu zvinokosha zvinoti: wokufamba naye, ndima, uye shoko racho. (Mat. 9:35-38; 10:5-7; Mako 6:7; Ruka 9:2, 6) Unogona kuitawo saizvozvo. Ungave uchibatsira mwana wako, mudzidzi mutsva, kana kuti mumwe munhu asina kushuma basa ripi neripi kwenguva yakati, zvaizova zvakakodzera kuti uedze nepaunogona napo kuramba une vavariro dzinotevera.
15 Simbisa Zvinodiwa: Ita kuti munhu wacho aone kukosha kwebasa rokuparidza. Rifarire. Rondedzera zviitiko zvinoratidza zviri kuitwa neungano muushumiri. Ratidza pfungwa yakaratidzwa naJesu pana Mateu 9:36-38. Kurudzira anoda kuva muparidzi kana kuti asingachaiti basa kunyengeterera nezvokushanda kwaachaita muushumiri uyewo nezvokubudirira kwebasa racho pasi pose.
16 Ita Kuti Munhu Wacho Afunge Nezvemikana Yakawanda Inobva Mukupupura: Taura kuti anokwanisa kusangana neboka revanhu vepachidzidzo chebhuku kuti vapupure paimba neimba. Taura nezvokuti anogona kukurukura nehama uye vaanozivana navo kana kutaura nevaanoshanda navo kana vaanodzidza navo panguva yokumbozorora kwemasikati. Pakufamba nechifambiso chavose, kazhinji munhu angagona kutanga kukurukura nokungofarira vaari kufamba navo. Isu patinotanga, izvi zvinowanzopa mukana wokupupura zvakaisvonaka. Chokwadi pane mikana yakawanda yokuti tiudze vamwe tariro yedu “zuva rimwe nerimwe.”—Pis. 96:2, 3.
17 Kunyange zvakadaro, zvingava zvakanaka kuti iwe nomuparidzi mutsva mushande pamwe chete paimba neimba nokukurumidza sezvamungagona. Kana uchivavarira kuwedzera basa rako muna April, bvunza mutariri wendima kana ndima yakakodzera iripo. Kana iripo, izvi zvingakupa mikana yokunyatsoishanda. Somuenzaniso, sezvaunopedza basa kana paunoenda kumisangano kana kune dzimwe nzvimbo, ungacherechedza kuti mumwe munhu ari pamba pawakashayiwa munhu nguva yapfuura kana kuti pane munhu akaratidza kufarira. Kana zvakakodzera, shanya kwenguva pfupi paungaona zvichibudirira zvikuru. Izvi zvichabatsirawo kuva nepfungwa yokuti waita chimwe chinhu uye yokufara muushumiri.
18 Gadzirira Shoko Rinofadza: Kuti mumwe munhu ade kuparidza shoko roUmambo kwakasiyana nokuva kwake nechivimbo mumataurire aanoriita, zvikurukuru kana ari mutsva kana kuti apedza nguva refu asati abuda mubasa. Kubatsira vatsva nevasingachaiti basa kugadzirira inguva inoshandiswa zvakanaka. Misangano Yebasa nemisangano yebasa romumunda ingapa pfungwa dzinobatsira, asi hapana chinotsiva kugadzirira uri woga.
19 Ungabatsira sei vatsva kugadzirira basa? Tanga nemharidzo yemagazini, uye iite kuti irambe iri nyore uye iri pfupi! Vakumbire kufunga nezvezvakaitika zviri kutaurwa munhau zvingava zviri kunetsa vaya vari mundima, vobva vatsvaka pfungwa iri mune imwe yemagazini azvino uno inoenderana nazvo. Dzidzirai mharidzo yacho pamwe chete, uye ishandisei muushumiri nokukurumidza sezvamungagona.
20 Ngativandudze Mukana Wedu Wokuwedzera Munguva Yemberi: Gore rapera vakapinda Chirangaridzo pasi pose vaipfuura mamiriyoni 14,8. Nhamba yevaparidzi vakashuma yaingoti pfuurei mamiriyoni matanhatu. Izvi zvinoreva kuti vanhu vanenge mamiriyoni 8,8 vakafara zvikuru kuuya kupurogiramu iyi inokosha kwavakanzwa imwe yedzidziso huru dzeBhaibheri ichitsanangurwa. Vakasvika pakuziva mumwe nomumwe wedu, zvingangove zvakavafadza zvikuru. Vakawanda vavo vanotaura zvakanaka nezvedu, vanobvisa mupiro nokuda kwebasa redu romunyika yose, uye vanotireverera pane vamwe. Boka guru revanhu iri rinoratidza mukana wokuwedzera munguva yemberi. Tingaita sei kuti tivabatsire kurambazve vachifambira mberi?
21 Ruzhinji rwevatsva vanopinda Chirangaridzo runoita izvi nemhaka yokuti mumwe wedu avakoka. Kazhinji, izvi zvinoreva kuti vane anenge munhu mumwe wavanoziva muvateereri. Kana mumwe munhu akapinda nemhaka yokuti tisu tamukoka, tine mutoro wokuita kuti anzwe achigamuchirwa uye kumuyamura kuti abatsirwe zvakazara nepurogiramu yacho. Sezvo horo ichange yakazara, mubatsire kuwana pokugara. Mupe Bhaibheri, uye ona naye bhuku rako renziyo. Pindura mibvunzo ipi neipi yaangabvunza. Kumufarira kwako kwoushamwari kungava chikonzero chikuru chokukudziridza kufarira kwake. Chokwadi, tose zvedu tine mutoro uyu—kana tikaona munhu watisingazivi, ngatimugamuchirei noushamwari tobva takurukura zvishoma kuti tizivane.
22 Kupinda Chirangaridzo kungachinja chaizvo kufunga kwomunhu. Kuuya kwaaita kumusangano kungareva kuti haasati awana zvaari kutsvaka kumwewo uye kuti tinopa chimwe chinhu chaanofunga kuti anofanira kunyatsoongorora. Kutsanangurwa kwechipo chinoshamisa chorudzikinuro kungava kujekeserwa kukuru kumunhu asingazivi nezvorudo rukuru rwaJehovha. Angaona nyore nyore kuti takasiyana nevamwe—tiri pachokwadi, tine ushamwari, tine rudo, uye tine ruremekedzo. Horo yedu ine zvakasiyana nezvaangadai akaona mumachechi ane mifananidzo uye tsika dzisina zvadzinoreva. Zvechokwadi vatsva vachacherechedza kuti muvateereri mune vanhu vemarudzi ose uye kuti hapana mari inokumbirwa. Kuva kwavo mumamiriro ezvinhu akadai kungava chikonzero chakasimba chokuti vadzokezve.
23 Chirangaridzo chapera, mumwe munhu anofanira kuva akagadzirira kunobatsira munhu wose mutsva akapinda. Kana wakakoka vatsva, une mutoro chaiwo. Vasati vaenda, iva nechokwadi chokuti vanoziva nezvemimwe misangano inoitirwa paHoro yoUmambo ipapo. Taura musoro wehurukuro yavose inotevera. Ita kuti vazive nzvimbo nenguva zvokunoitirwa Chidzidzo Chebhuku Cheungano pedyo nomusha wavo. Gare gare, vape bhuku rinonzi Mufarwa Wemhuri, uye vaudze kuti vhiki inotanga naApril 30 tichakurukura musoro unoti “Mhuri Dzine Mubereki Mumwe Dzinogona Kubudirira!” Tsanangura kuti nei ungano yose iri kuronga kupinda kokorodzano yoruwa iri pedyo ichavako munguva pfupi iri kutevera.
24 Ronga kushanya kwoushamwari kumba kwavo. Iva nechokwadi chokuti vane bhurocha rinonzi Anodei nebhuku rinonzi Zivo, mabhuku aya anoita kuti vazive dzidziso dzinokosha dzeBhaibheri. Kana vasati vava kudzidza, vakumbire kudzidza Bhaibheri. Vakurudzire kuti vaverenge bhurocha rinonzi Zvapupu zvaJehovha, rinoita kuti vanyatsoona mashandire atinoita sesangano. Vakoke kuti vaone mavhidhiyo edu, akadai seinonzi Our Whole Association of Brothers. Ronga kuti vaonane nevamwe muungano. Mumwedzi inotevera, ramba uchikurukura nevatsva; vakoke kuti vapinde misangano mutariri wedunhu paanoshanya kana kuti pamunenge mune gungano redunhu kana gungano rezuva chairo. Vape mukana uri wose wokuratidza kuti “va[no]da upenyu husingaperi”!—Mab. 13:48.
25 Zvingaitwa Nevakuru: Kubudirira kwebasa rakawedzerwa muushumiri muna April kuchatsamira zvikurukuru pavakuru. Kana uri muitisi wechidzidzo chebhuku, ronga zvinhu zvaungaita kuti ubatsire munhu wose ari muboka rako rechidzidzo chebhuku kushanda mumabasa anokosha. Muboka rako mune vaduku vapi nevapi, vatsva, vasiri venguva dzose, kana kuti vasingachaiti basa here? Ongorora kuti uone kana vabereki, mapiyona, kana kuti vamwe vaparidzi vakatanga kuvabatsira. Batsira nenzira dzose dzaungagona. Imwe hanzvadzi yakanga isingabudi mubasa romumunda nguva dzose kwemakore maviri yakapedzera anopfuura maawa 50 muushumiri April apfuura. Chii chakaita kuti ichinje? Yakati kwaiva kufudza kunovaka kwaiitwa nevakuru.
26 Vakuru nevashumiri vanoshumira vanofanira kushandira pamwe kuti vave nechokwadi chokuti pane ndima yakakwana, magazini, uye mabhuku zvokushandisa mwedzi unouya. Misangano yokuwedzera yebasa romumunda ingarongwa here? Kana ikarongwa, itai kuti zvirongwa zvacho zvizivikanwe. Kupfuura zvose, muminyengetero yamunoita paungano neyamunoita moga, kumbirai chikomborero chaJehovha pamwedzi wedu webasa roUmambo rakawedzerwa.—VaR. 15:30, 31; 2 VaT. 3:1.
27 April apfuura mune imwe ungano yomuHarare, vakuru vakanyatsokurudzira basa rakawedzerwa muushumiri. Pamisangano vhiki imwe neimwe, vaikumbira vaparidzi kufunga nenzira yokunyengetera kana vaigona kunyoresa semapiyona ebetsero. Pamukana uri wose, vakuru nevashumiri vanoshumira vose vakataura zvine upenyu nezvokuita April mwedzi unopfuura mimwe yose. Somugumisiro, 69 muzana yevaparidzi, kusanganisira vakuru vose nevashumiri vanoshumira, vakapayona mwedzi iwoyo!
28 Mufaro Wokushanda Zvakazara: Zvikomboreroi zvinobva paku‘shanda nesimba uye kubishaira’ muushumiri? (1 Tim. 4:10) Nezvebasa rokushingaira rakaitwa neungano yavo April apfuura, vakuru vomune imwe ungano vakanyora kuti: “Hama nehanzvadzi dzinogarotaura nezvokudanana kukuru nokuva pedyo napedyo kwadzinonzwa kubvira padzakatanga kushanda zvakawedzerwa muushumiri hwomumunda.”
29 Hama yechiduku isingagoni kufamba zvakanaka yaishuva kushandawo mubasa chairo April apfuura. Yanyatsoronga uye ichibatsirwa naamai vayo uye dzimwe hama nehanzvadzi dzomudzimu, yakava nezvibereko zvakawanda mumwedzi wacho sezvo yaiva piyona webetsero. Yakanzwa sei nezvakaitika? Yakati: “Kokutanga muupenyu hwangu, ndakanzwa somurume akasimba.”
30 Hapana mubvunzo kuti Jehovha anokomborera kwazvo vaya vanokoshesa zvikuru ropafadzo yavo yokutaura nezvoumambo hwake. (Pis. 145:11, 12) Sezvatinoyeuka rufu rwaIshe wedu, tinonzwisisa kuti zvikomborero zvokuzvipira kuna Mwari zvichatowanda munguva yemberi. Muapostora Pauro ainyatsopanga mubayiro woupenyu husingagumi. Asi, aiziva kuti ichi chaisangova chinhu chaaigona kutarisira kungowana akagara. Akanyora kuti: “Zvechokwadi ndiri kushanda nesimba nokuda kwaizvozvi, ndichizvishandisa nesimba maererano nokushanda kwake uye kuri kushanda mandiri nesimba.” (VaK. 1:29) Jehovha, achishandisa Jesu, akasimbisa Pauro kuti aite ushumiri hunoponesa upenyu, uye Anogona kutiitira saizvozvo nhasi. Ndozvauchaita here muna April?
[Bhokisi riri papeji 3]
Ndiani Waungakurudzira Kuti Aparidze Muna April?
Mwana Wako Here?
Mudzidzi weBhaibheri Here?
Mumwe munhu asingachaiti basa here?