Shingairira Kuita Zvakanaka!
1 Sezvatinopinda mumwaka weChirangaridzo cha2003, tine zvikonzero zvakawanda zvoku“shingairira zvakanaka.” (1 Pet. 3:13) Chinokosha pane izvi chibayiro chorudzikinuro chaJesu Kristu. (Mat. 20:28; Joh. 3:16) Nezvacho, muapostora Petro akanyora kuti: “Hamuna kununurwa nezvinhu zvinoora, nesirivha kana ndarama, pamufambiro wenyu usina zvibereko. . . . Asi neropa rinokosha, rakafanana neregwayana risina gwapa uye risina ruvara, iro raKristu.” (1 Pet. 1:18, 19) Kuonga kuratidzwa kworudo uku kunoshamisa kunoita kuti tishingairire kuita zvakanaka, tichiziva kuti Jesu “akazvipa nokuda kwedu kuti atinunure mukusateerera mutemo kworudzi rwose nokuzvichenesera vanhu vari vake bedzi, vanoshingairira mabasa akanaka kwazvo.”—Tito 2:14; 2 VaK. 5:14, 15.
2 Patinoita zvinofadza mumaziso aMwari, tinova noukama hwakanaka naye uye anotitarisira norudo. Petro akatizve: “Iye angada upenyu nokuona mazuva akanaka, . . . ngaarege zvakaipa aite zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere. Nokuti maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo.” (1 Pet. 3:10-12) Munguva ino ine ngozi, chikomborero chakakura kuziva kuti Jehovha ari kuramba achititarisira uye anoda kutiitira chimwe chinhu, kuti“chengeta semboni yeziso rake.”—Dheut. 32:10; 2 Mak. 16:9.
3 Pasinei nokutarisana nemiedzo, vaKristu vepakutanga vakanyorerwa naPetro vaipisa nokushingaira kwaisagona kudzimurwa, uye vakazivisa mashoko akanaka kure sekwavaigona. (1 Pet. 1:6; 4:12) Nhasi ndizvo zviri kuitwawo nevanhu vaMwari. Kunyange tichirarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo,” kuonga kunaka kwaJehovha kunotikurudzira kuita zvaanoda nokushingaira. (2 Tim. 3:1; Pis. 145:7) Ngatikurukurei mamwe emabasa akanaka ayo tingashingairira mumwaka uno weChirangaridzo.
4 Kokera Vamwe kuChirangaridzo: Imwe nzira yatingaratidza nayo kuonga kwedu chipo chinoshamisa chorudzikinuro ndeyokuvapo pakuchengetwa kwegore negore kworufu rwaJesu, kuchaitwa gore rino musi weChitatu, April 16, zuva ranyura. (Ruka 22:19, 20) Gore rapera, ungano dzepasi pose 94 600 padzakashuma, takava nevakapinda 15 597 746! Vaidarika ne220 000 vakanga vapinda gore rakanga rapfuura.
5 Vangani vachapinda gore rino? Zvakawanda zvichabva pakushingaira kwedu kukurudzira vamwe kuti vaungane nesu. Tanga nokunyora vose vaya vaungada kukoka. Unofanira kutanga kunyora vomumhuri mako. Kana uine murume kana mukadzi asingatendi, ratidza chido chomwoyo wose chokuti upinde naye. Mumwe murume asingatendi akati akapinda Chirangaridzo gore rapera pamusana pokuti aigona kuona kuti kuvapo kwake kwaireva zvakawanda kumudzimai wake. Ungatevera kunyora voukama, vavakidzani, vaunoshanda navo, kana kuti vaunodzidza navo kuchikoro. Iva nechokwadi chokukoka vaunodzidza navo Bhaibheri.
6 Wapedza kunyora, ronga nguva yokuti ukoke mumwe nomumwe. Shandisa masiripi okukokera Chirangaridzo akadhindwa. Kuti ubatsire vanhu kuyeuka nguva nenzvimbo yokuchengeta kwacho, taipa kana kuti nyora zvakatsvinda nguva nenzvimbo ichaitirwa Chirangaridzo nechepasi pesiripi yacho. Sezvo musi waApril 16 unoswedera pedyo, yeuchidza vaya vawakanyora, ungavashanyira kana kuti kuvaridzira runhare. Ngatibatsirei vanhu vakawanda sevatingagona kuti vave pachiitiko ichi chitsvene kupfuura zvose.
7 Batsira Vaya Vanopinda Chirangaridzo: Manheru eChirangaridzo inguva yagara ichifadza. Tine mukana wokugamuchira vanhu vasingawanzopindi misangano yedu. Ronga kukurumidza kusvika uye kunonoka kubva, kana mamiriro ezvinhu omunharaunda yacho achibvumira. Tanga iwe kuda kuzivana nevatsva vauya. Iva anoushamwari neanogamuchira vaeni.—VaR. 12:13.
8 Vamwe vanopinda Chirangaridzo vangabatsirwa kufambira mberi mune zvokunamata here nokudzidza Bhaibheri? Edza kuwana mazita nekero zvevaeni vapi nevapi vasiri kushanyirwa panguva ino kuitira kuti ugoenderera mberi uchivabatsira. Nokuvabatsira norudo, vamwe veivava vangafambira mberi kusvika pakukwanisa kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa Chirangaridzo chegore rinouya chisati chasvika. Pakutevera kunoona vakapinda Chirangaridzo, vakoke kuhurukuro inokosha ichapiwa musi waApril 27.
9 Ungaita Upiyona Hwebetsero Mwaka Uno weChirangaridzo Here? Gore rimwe nerimwe kushingairira kwedu Jehovha kunotikurudzira kushanda zvakaoma muushumiri mumwedzi yebasa rechiKristu rinokosha. Mabasa eungano yose yakabatana okuparidza mashoko akanaka nokushingaira mumwaka weChirangaridzo angava nemigumisiro yakanaka.
10 Imwe ungano ine vaparidzi 107 nemapiyona enguva dzose 9 yakashuma kuti vakava no“mwedzi unoshamisa” April wegore rapera, 53 vachishanda semapiyona ebetsero, kusanganisira vakuru vose nevashumiri vanoshumira. Vakuru vakakudziridza sei chido chokuita upiyona hwebetsero mwedzi iwoyo? Vakatanga kukurudzira vakawanda sevavaigona kuti vanyorese pachine nguva mberi. Misangano yebasa romumunda yaiitwa nguva dzakasiyana-siyana pazuva kuti vabatsire vose vari muungano. Kupupura norunhare kwakasimbiswa, zvikurukuru kune ndonda.
11 Imwe hanzvadzi ine makore 86, isingakwanisi kufamba pamusana pezvinetso zvoutano, yakanyoresa kuita upiyona hwebetsero. Kutanga mangwanani, yaiita maawa akati ichipupura norunhare yakagara patafura yomukicheni, yozorora kwemaawa mashomanana, uye yaidzoka yosimudzirazve kupupura kwacho. Mumwe munhu wayakataura naye akanga afirwa nomurume nevanakomana vaviri vakanga vachiri kuyaruka makore maviri akanga adarika uye akanga asinganzwisisi kuti nei Mwari achibvu- mira zvinhu zvakaipa kudaro kuti zviitike. Uchapupu hwakanaka hwakapiwa, uye vakatanga kudzidza Bhaibheri. Kupupura norunhare manheru uye pane imwe nguva inzira inobudirira yokutaura nevanhu vanogara muzvivako kana nzvimbo dzisiri nyore kusvika. Kunoitawo kuti vaparidzi vakwanise kutaura nevanhu vanenge vasiri pamba masikati.
12 Vakuru vacho vakagumisa mushumo wavo nokuti: “Takava nenguva yakanaka kwazvo uye tinoonga ropafadzo nezvikomborero izvo Jehovha akaita kuti zviwanikwe kune mumwe nomumwe wedu.” Nokuronga zvakanaka, ungano yenyu ingavawo nezvikomborero zvakadaro.
13 Edza Kushanda Zvakazara Muushumiri: Kuda kwatinoita Mwari nomuvakidzani kunoita kuti titenge nguva mwedzi mumwe nomumwe yokuudza vamwe mashoko akanaka. (Mat. 22:37-39) Vatariri veChidzidzo Chebhuku Cheungano nevabatsiri vavo vanofanira kuedza kubatsira vaya vari muboka ravo kuita ushumiri mwedzi woga woga. Nzira yakanaka yokuita izvi ndeyokufanoronga kushanda muushumiri nevanhu vakati vari muboka racho. Pane kumirira kuita izvi pakupera kwomwedzi, kurumidzai kutanga. Izvi zvichakupai mikana yakawanda yokubatsira nenzira yorudo.
14 Muboka renyu rechidzidzo chebhuku mune vaparidzi ndonda here vanoomerwa zvikuru nokushanda muushumiri? Kana vamwe vari mumisha inochengetwa vakwegura kana kuti vasingagoni kubva padzimba dzavo, zvinonzwisisika kuti mikana yavo yokupupura ichava mishoma. Asi nokushandisa mikana yavo mishoma kuita kuti chiedza chavo chipenye, vangakurudzira vaya vanoona mabasa avo akanaka kwazvo kuti vanyatsofarira chokwadi. (Mat. 5:16) Vatariri vechidzidzo chebhuku vanofanira kuva nechokwadi chokuti vakadaro vanoziva kuti vanogona kushuma maminitsi ari muuwandu hwe15 ebasa romumunda. Kukwanisa kushuma nguva yavanopedza vachipupura kunokurudzira vaparidzi ava vakatendeka, uye kunovaunzira kugutsikana kunofadza. Zvinobatsirawo kuva nechokwadi chokuti mushumo wepasi pose webasa revanhu vaMwari wakarurama.
15 Pwere Dzinoshingairira Kuita Zvakanaka! Zvinokurudzira kwazvo kuona pwere dzechiKristu dzichishandisa simba radzo mubasa raJehovha! (Zvir. 20:29) Kana uri muduku, ungaratidza sei kushingairira Jehovha mumwedzi iyi yebasa rinokosha?
16 Kana usati wava muparidzi asina kubhabhatidzwa muungano, ungasvasvavirira ropafadzo iyoyo here? Zvibvunze mibvunzo inotevera: ‘Ndine zivo yokutanga yechokwadi cheBhaibheri here? Ndinoda kuitawo basa roUmambo here? Ndine mufambiro wakanaka here? Ndinokwanisa kuratidza kutenda kwangu nokutaurira vamwe mashoko akanaka here? Ndinokurudzirwa zvinobva pamwoyo wangu kuita izvozvo here?’ Kana uchigona kupindura mibvunzo iyoyo kuti hungu, ipapo taurira vabereki vako nezvechido chako chokuva muparidzi. Vabereki vako vangataurira mumwe wevakuru vedare rebasa.
17 Kana uchitova muparidzi wemashoko akanaka, ungashandisa nguva yezororo rechikoro kuwedzera kushanda kwaunoita muushumiri here? Pwere dzakawanda dzakabhabhatidzwa dzave dzichikwanisa kuita upiyona hwebetsero, nokuti dzine purogiramu yakanaka uye dzinobatsirwa nevabereki nevamwe. Kana izvozvo zvisingabviri, ipapo iva akatsunga kuwedzera kushanda kwaunoita mubasa romumunda. Zviitire chinangwa. Kuwedzera pachinangwa chokuva nemaawa akati, iva nechimwe chinoenderana nemanakiro akaita ushumiri hwako. Zvimwe ungaedza kuverenga rugwaro paimba imwe neimwe, kunatsiridza manakiro akaita kudzokerazve kwaunoita, kutanga chidzidzo cheBhaibheri, kana kuti kuwedzera ushumiri hwako kuti hubatanidze kupupura norunhare kana kuti dzimwe mhando dzebasa. Zvakadini nechinangwa chokuita kuti muvakidzani, waunodzidza naye kuchikoro, kana kuti woukama aende newe kuChirangaridzo gore rino? Kushanda zvizere mumabasa echiKristu kuchava nomubayiro uye kuchanyatsokurudzira vamwe vari muungano.—1 VaT. 5:11.
18 Batsira Vatsva Kufambira Mberi: Mugore rebasa rapfuura, zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha 43 150 paavhareji zvakaitiswa mwedzi mumwe nomumwe muZimbabwe. Nokufamba kwenguva, vakawanda vevadzidzi ava vachafambira mberi kusvika pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Zvisinei, vasati vasvika chinangwa ichocho, tinoda kuvabatsira kuti vakwanise kuva vaparidzi vemashoko akanaka. Iri idanho rinokosha mukudzidzisa vatsva kuva vateveri vaJesu Kristu. (Mat. 9:9; Ruka 6:40) Une munhu waunodzidza naye Bhaibheri ava kuda kutora danho iroro here?
19 Kana usina chokwadi nokufambira mberi kwewaunodzidza naye, tsvaka rubatsiro rwomutariri wako wechidzidzo chebhuku kana mutariri webasa. Zvichida ungamukoka kuti avepo pamunenge muchidzidza. Hama idzi dzine zivo inokosha ingagona kushandiswa kuyera kufambira mberi mune zvokunamata kwomudzidzi wacho. Vangava nemazano achabatsira mudzidzi wacho kuramba achifambira mberi.
20 Waunodzidza naye paanotaura kuti ava kuda kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa newewo uchifunga kuti anokodzera, taurira mutariri anotungamirira. Acharonga kuti vakuru vaviri vaonane newe nowaunodzidza naye kuti vaone kana achikwanisa, vachishandisa mashoko ari papeji 98-9 ebhuku raHushumiri Hwedu. (Ona Nharireyomurindi yaNovember 15, 1988, papeji 17.) Kana mudzidzi wacho akatenderwa kuva muparidzi, unofanira kutanga kumudzidzisa kuparidza pakarepo. Angoendesa mushumo wake webasa romumunda chete, ungano ichaziviswa kuti ava muparidzi asina kubhabhatidzwa. Tinotarisira kuti zviuru zvevaparidzi vatsva, vaduku nevakuru, vangasvika padanho iri mumwedzi iyi yebasa rinokosha.
21 Kuronga Kunobatsira Kuita Zvakanakisisa: Kufanoronga kuchabatsira kubudirira kwemabasa edu echiKristu mumwaka uno weChirangaridzo. (Zvir. 21:5) Pane zvinhu zvakawanda zvinofanira kutarisirwa nevakuru.
22 Kuti vabatsire ungano kuita zvakanakisisa muushumiri hwomumunda, vakuru vanofanira kuita zvirongwa zvinoshanda zvokuita misangano yebasa romumunda vhiki yose uye pakupera kwevhiki. Mutariri webasa anofanira kutungamirira pakuita zvirongwa izvi. Misangano yokuwedzera ingarongwa here kuti iitwe mangwanani-ngwanani, zuva rovira, kana kuti panguva yorubvunzavaeni? Ungano inofanira kuziviswa nezvezvirongwa zvacho. Zvingabatsira kana purogiramu yacho ikaiswa pachikwangwani chemashoko.
23 Vakuru vanofanira kuona kuti zvirongwa zveChirangaridzo zvafanoitwa musi waApril 16 usati wasvika. Izvi zvinosanganisira kutarisira kushandiswa kweImba yoUmambo nedzimwe ungano dzingapindira ipapo, kuchenesa Imba yoUmambo, kusarudza varindiri nevafambisi vezviratidzo, uye kuwana zviratidzo zvacho. Ungano inofanira kuudzwa nguva nenzvimbo ichaitirwa Chirangaridzo uye kuchinja kupi nokupi kwepurogiramu yemisangano yevhiki yacho. Kushingaira kutarisira zvinhu izvi kuchaita kuti kuchengeta kwacho ku“itike nenzira yakafanira uye nokurongeka.”—1 VaK. 14:40.
24 Misoro yemhuri ingada kushandisa imwe yenguva yavo yavanodzidza semhuri kukurukura kushandawo kungaita mhuri yacho mubasa rakawedzerwa mumwaka weChirangaridzo. Mhuri yenyu yose ingaita upiyona hwebetsero here? Kana kuti mhuri ingatsigira nhengo imwe kana mbiri kuita kudaro here? Kana izvozvo zvisingaiti, zviitirei zvinangwa chaizvo zvokupedzera nguva yakawanda muushumiri. Pane nhengo duku yemhuri ingakwanisa kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa here, kana ikakurudzirwa uye ikabatsirwa zvishoma? Mhuri yenyu ingakoka vakawanda sei kuChirangaridzo gore rino? Kuronga zvakanaka kuchaunza zvikomborero zvakawanda uye mufaro kumhuri yenyu.
25 Shandisa Zvakazara Nguva Yasara: Achinyore- ra vaKristu vezana remakore rokutanga, muapostora Petro akavayeuchidza nezvokuti yaiva nguva yokukurumidzira nokuti kuguma kwegadziriro yezvinhu yechiJudha kwakanga kwaswedera pedyo. (1 Pet. 4:7) Nhasi uchapupu hwose hu- noratidza kuti kuguma kwenyika yose iripo iye zvino kwaswedera. Zuva rimwe nerimwe, mararamiro edu anofanira kuratidza chokwadi ichocho. Sevashumiri vaJehovha vanoshingaira, tinofanira kuisa pfungwa dzedu pabasa rokukurumidzira rokuzivisa mashoko akanaka.—Tito 2:13, 14.
26 Zvino inguva yokushingaira nokushanda nesimba! Fungisisa izvo Jehovha akakuitira, zvaakaitira mhuri yako, uye zva- akaitira ungano. Kunyange tisingambokwa- nisi kumubhadhara zvakawanda zvaakatiitira, tinogona kunamata Jehovha nomwoyo wose. (Pis. 116:12-14) Kushingaira kwedu kuchakomborerwa kubva kumusoro. (Zvir. 10:22) Tose zvedu ‘ngatishingairirei zvakanaka’ munguva iyi inokosha yebasa rakawedzerwa, “kuti muzvinhu zvose Mwari apiwe mbiri nomuna Jesu Kristu.”—1 Pet. 3:13; 4:11.
[Bhokisi riri papeji 3]
Vakapinda Chirangaridzo Pasi Pose
1999 14 088 751
2000 14 872 086
2001 15 374 986
2002 15 597 746
[Bhokisi riri papeji 4]
Uchakoka Vanaani kuChirangaridzo?
□ Vomumhuri uye voukama
□ Vavakidzani nevaunozivana navo
□ Vaunoshanda navo nevaunodzidza navo kuchikoro
□ Shanyo dzokudzoka uye vaunodzidza navo Bhaibheri
[Bhokisi riri papeji 5]
Batsira Vaya Vanopinda Chirangaridzo
□ Vagamuchire noushamwari
□ Tevera kunovaona
□ Vakumbire kudzidza Bhaibheri
□ Vakoke kuhurukuro inokosha
[Bhokisi riri papeji 6]
Zvinangwa Zvako Ndezvei Mumwaka weChirangaridzo?
□ Kuita kuti mumwe munhu wawakakoka apinde Chirangaridzo
□ Kukwanisa kuva muparidzi wemashoko akanaka
□ Kupedzera nhamba yakati yemaawa muushumiri
□ Kuvandudzika mune chimwe chikamu choushumiri
□ Kushanda sapiyona webetsero