RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/01 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
km 3/01 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Tichaedza kupfuura zvatinosimboita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvepamusha. April naMay: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunenge kwawanikwa kufarira pakudzokerazve, govera bhuku rinonzi Zivo kana kuti bhurocha rinonzi Anodei, nepfungwa yokuva nevadzidzi veBhaibheri. June: Mwari Anodei Kwatiri? kana kuti Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi. Vavarira kuva nevadzidzi veBhaibheri vatsva.

◼ Vaparidzi vanoda kushanda semapiyona ebetsero muna April vanofanira kuita zvirongwa zvavo iye zvino ndokuunza mafomu avo nokukurumidza. Izvi zvichabatsira vakuru kuronga basa romumunda zvinodiwa uye kugara vane magazini nemamwe mabhuku akakwana. Ungano inofanira kuziviswa mazita evose vanotenderwa kuva mapiyona ebetsero.

◼ Vaparidzi vaduku vanokurudzirwa kufunga nezvokuita upiyona hwebetsero pazororo rechikoro muna April. Sezvo pane mazororo enyika anoverengeka mumwedzi uyu, vaparidzi vakura vangafunga nezvokushanda pamwe chete nevaduku.

◼ Chirangaridzo chichaitwa musi weSvondo, April 8, 2001. Hapana misangano ichaitwa zuva iroro kunze kweiya yebasa romumunda. Vakuru vangaronga kuti Chidzidzo cheNharireyomurindi chiitwe pane imwe nguva yakakodzera.

◼ Sosaiti haiiti odha dzemabhuku dzomuparidzi mumwe. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chiitwe mwedzi mumwe nomumwe odha yemabhuku eungano isati yatumirwa kuSosaiti kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku avo pachavo vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota yeukai kuti mabhuku api ari zvinhu zveodha chaiyo.

◼ Usati washanyira zvivako zveSosaiti, tapota dzokorora Bhokisi Remibvunzo riri muUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1998 maererano nemapfekero akakodzera uye kutsvinda pakushanyira misha yeBheteri.

◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu waanosarudza anofanira kuongorora akaunzi dzeungano musi waMarch 1 kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Kana izvi zvaitwa, zivisai ungano kana mushumo weakaunzi unotevera waverengwa.

◼ Sosaiti iri kuyeuchidza matare ebasa kuti ave nechokwadi chokuti Fomu Rokukumbira Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205) razadziswa zvakazara uye zvakarurama nevaya vanoda ropafadzo iyi yebasa. Kana mubvunzo usingashandi kune ari kukumbira wacho, tapota onai kuti anyora kuti “hazvishandi kwandiri” kana kuti atara mutsetse panzvimbo yakaratidzwa. Izvi zvinoratidza kuti mubvunzo wacho waonekwa. Mibvunzo miduku iri pasi pomubvunzo wechi5 haiwanzi kupindurwa zvakazara. Ongororai zvakanaka chikamu ichi musati masaina uye musati matumira fomu racho kuhofisi yedu.

◼ Vatariri Veguta: Zvapupu zvaJehovha zvinofanira kurongwa sei mubhuku renhamba dzenhare romunharaunda? Mumaguta ane ungano dzinopfuura imwe, tinorumbidza zvinotevera: Zvapupu zvaJehovha, (Guta), kuchitevera mazita akarongwa nearufabheti, kero yeHoro yoUmambo, uye nhamba dzorunhare dzeungano dzacho.

Mishumo inoratidza kuti ungano dzinoverengeka hadzina kunyoresa Horo dzadzo dzoUmambo. Mashoko aya anokosha kune upi noupi anoda kuridzira runhare kuungano yenyu kana kuti anoda kusvika kuHoro yenyu yoUmambo. Tiri kukumbira kuti vatariri veguta vatange kuongorora mazita ose akanyorwa mumabhuku enhamba dzenhare anobudiswa munharaunda. Kana mazita acho asina kurongwa zvakarurama kana kuti asimo zvachose, mutariri weguta anofanira kuona vabudisi vebhuku renhamba dzenhare kuti awedzere kana kururamisa zvipi nezvipi zvinodiwa.

◼ Mabhuku Matsva Aripo:

Unogona Kuva Shamwari yaMwari!—Chichewa, chiShona

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe