Tingaita Kuti April 2000 uve Mwedzi Wedu Wakanakisisa Here?
1 Chitatu manheru, 19 April, richava zuva guru regore redu rebasa. Zuva iroro, sezvo zuva rinonyura zvishoma nezvishoma pasi rose, ungano dzose uye mapoka ose eZvapupu zvaJehovha munyika yose achaita Chirangaridzo chorufu rwaKristu. Chero kwatinogara, kuyeuka chibayiro chaJesu Kristu kuchava chiitiko chinokosha zvikuru chegore. Musi weChirangaridzo wakaratidzwa pamwedzi waApril paKarenda ya2000 yeZvapupu zvaJehovha.
2 Mwedzi wose waApril unotipa mukana unoshamisa wokuratidza nomwoyo wose kuonga kwatinoita mutsa usina kufanirwa waJehovha wakaratidzwa nechibayiro choMwanakomana wake. Unodaro sei? Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rudo urwo Kristu anarwo runotigombedzera, nokuti izvi ndizvo zvatakaziva, kuti munhu mumwe akafira vose; naizvozvo, vose vakanga vafa; zvino akafira vose kuti vanorarama varege kuchazviraramirazve, asi vararamire iye akavafira akamutswa.” (2 VaK. 5:14, 15) Hungu, muna April tingaratidza kuti hatisi kuzviraramira, asi tiri kuraramira iye akatifira, tichiita kuti uyu uve mwedzi wedu wakanakisisa sevashumiri voUmambo!
3 Nyoresa Kuti Uite Upiyona Hwebetsero Muna April: Muapostora Pauro akatigadzira muenzaniso unokurudzira paakati: “Handirangariri mweya wangu sounokosha kwandiri, kudai bedzi ndikapedza basa rangu noushumiri hwandakagamuchira hwaShe Jesu, kuti ndipupurire kwazvo mashoko akanaka omutsa usina kufanirwa waMwari.” (Mabasa 20:24) Tine ropafadzo yakafanana yokupupurira kwazvo nezvaJehovha Mwari. Kuti tiite izvozvo, tingada kuita kuti April uve mwedzi wedu wakanakisisa mubasa roupiyona hwebetsero!
4 Nokupera kwevhiki kwawo kushanu kwakazara, April 2000 uchava mwedzi wakanakisisa kune vakawanda kuti vapayone. Kare muna April 1992, patakava nenhamba yedu yemapiyona ebetsero yapamusoro-soro yomunguva yakapfuura, 4 196 vakapayona vakamirira 21 muzana yevaparidzi vose. Makore manomwe gare gare, nhamba yevaparidzi vose vakashuma muna April 1999 yakawedzera neinenge 40 muzana. Izvi zvinoreva kuti tine mukana wakakura zvikuru wokupfuura nhamba yapamusoro-soro yatinayo iye zvino yemapiyona ebetsero 4 764. Uyezve, maawa anodiwa anguve akaderedzwa, zvichiita kuti basa iri rikwanise kuitwa nevamwe vakawanda muungano. Muparidzi mumwe nomumwe akabhabhatidzwa anofanira kufunga nokunyengetera kuti anokwanisa here kuva piyona webetsero April uno.
5 Uchishandisa mwedzi waApril uri paKarenda ya2000, ronga purogiramu yako yomwedzi unouya iye zvino. Sarudza kuti mazuva api auchakwanisa kushanda mubasa romumunda, uye sanganisa maawa ose aunofunga kuti ungaapedzera mubasa rokuparidza mumwedzi wacho. Batanidza nguva yaungapedza uchipupurira vamwe zvakarongwa kana zvisina kurongwa. Yose inoda kusvika kumaawa 50 anodiwa kumapiyona ebetsero here? Kana usingasvitsi maawa anodiwa, pane paungagadzirisa here mupurogiramu yako kuti utenge nguva yokuita upiyona hwebetsero? Unongoda avhareji yeawa imwe nemaminiti 40 zuva roga roga kuti usvitse maawa 50 emwedzi.
6 Sezvo maawa anodiwa nemapiyona enguva dzose akaderedzwawo, wanga uchifungisisa nezvokupinda muushumiri hwenguva yakazara here? Nei uri kumirira chirimo chinotevera kuti utange? April ungava mwedzi wakanaka kuti utange! Kana usina chokwadi nezvokukwanisa kwako kusvitsa maawa 70 anodiwa kumapiyona enguva dzose, wadii waita upiyona hwebetsero muna April ndokuvavarira kuita maawa 70? Kana wangoona kuti unogona kuzviita, unganzwa zvikuru wava kuda kukumbira kuti upinde muchikwata chemapiyona enguva dzose nokukurumidza sezvinobvira.—Ona bhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 113-14.
7 Shanda Zvakazara Somuparidzi Wemashoko Akanaka: Nokuda kwedu tose, vaparidzi nemapiyona zvakafanana, kuda kwechokwadi kwatinoita Mwari nomuvakidzani kunotiita kuti tive vemwoyo wose mukuita zvose zvatingagona mubasa raJehovha maererano nemamiriro edu ezvinhu somunhu oga. (Ruka 10:27) Saka tinoratidza kuti tinoshanda “nesimba nokubishairira, nokuti takaisa tariro yedu pana Mwari mupenyu, uyo ari Muponesi wevanhu vose, zvikurukuru wevakatendeka.” (1 Tim. 4:10) Ndicho chikonzero nei tichifanira kutarisira kuona kutsigira kwakakwana muna April, munhu wose achishanda zvakazara mubasa roUmambo.
8 Ngatisakanganwa kurayira kwaJesu kwokuti: “Kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” Achangopedza kutaura izvozvo, Jesu akadana vaapostora vake 12 ndokuvatuma kunoparidza. (Mat. 9:37, 38; 10:1, 5, 7) Rinenge gore pashure pacho, 12 vaye vanyatsorovedzwa basa rokuparidza, Jesu ‘akasarudza vamwe vane makumi manomwe akavatuma,’ achivapa mirayiridzo yakafanana yokuti: “Zvechokwadi, kukohwa kukuru . . . Naizvozvo kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.” (Ruka 10:1, 2) Bhuku reBhaibheri raMabasa rinoshuma mapindurire akaita Jehovha minyengetero iyoyo. Pakasvika Pendekosti ya33 C.E., vadzidzi vakanga vawedzera kusvika kuvanenge 120. Ipapo, nhamba dzapamusoro dzakatevedzana dzevadzidzi 3 000 uye 5 000 dzakasvikwa. (Mabasa 1:15; 2:41; 4:4) Pashure pacho, “vadzidzi vakaramba vachiwedzera.” (Mabasa 6:7) Saizvozvowo, mazuva ano, tinofanira kuramba tichikumbira Tenzi nokuda kwevamwezve vaparidzi voUmambo! Maererano neminyengetero yedu, muparidzi woga woga weungano anofanira kuita gadziriro chaidzo dzokupinda muushumiri mwedzi yose.
9 Tapota nyatsotarira pana April paKarenda ya2000. Sezvo mazuva maviri okutanga emwedzi wacho ari Mugovera neSvondo, ungaronga kushanda mubasa kupera kwevhiki ikoko here, uchitanga nokukurumidza mumwedzi wacho? Ungatsigira “Zuva Remagazini” roga roga mumwedzi wacho neboka rako reFundo Yebhuku Yeungano here? Zvakadini nokupedza awa imwe kana kupfuura muushumiri musi weSvondo woga woga? Ungaronga kupupurira kwamanheru here? Uye usakanganwa kushandisa mikana yose yaunayo kupupurira zvisina kurongwa pabasa, kuchikoro, kana kuti paunenge uchiita mamwe mabasa ezuva nezuva. Isa chiratidzo pamazuva aungapedzera nguva yakati muushumiri, uye shandisa karenda kunyora nguva yebasa rako romwedzi wacho.
10 April ichava nguva yakafanira kune vose vanokwanisa uye vanenge vatenderwa nevakuru kutanga kushanda sevaparidzi vasina kubhabhatidzwa. Kana uchidzidza Bhaibheri nomumwe munhu, munhu wacho afambira mberi zvakakwana here kuti ataure nomutariri anotungamirira kuti akumbire kuti ave muparidzi wemashoko akanaka? Kana une vana vasina kubhabhatidzwa, wakakurukura kufambira mberi kwavo mumudzimu nevakuru here? Iyi haingavi nguva yakavanakira here kuti vatange kuparidza?—Ona bhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, mapeji 97-100.
11 Mukuedza kwedu kuita kuti April 2000 uve mwedzi wedu wakanakisisa, tose zvedu tinoda kushanda muushumiri tobva tasiya mushumo wedu webasa romumunda panopera mwedzi. (Enzanisa naMako 6:30.) Vaparidzi vatsva vasina kubhabhatidzwa vanoshanda mubasa romumunda kwenguva yokutanga vanofanira kukurudzirwa kushuma basa ravo nokukurumidza. Nokuita zvatinofanira kuita, tingave nezvakaisvonaka zvatingaita pamushumo waApril uye pakudanidzira kukuru kwokurumbidza kuchapiwa Jehovha nezvatinoedza kuita kuti tipupurire.
12 Uya Nevamwe kuChirangaridzo: Hatingafari here kuona nhamba itsva yapamusoro-soro ichipinda Chirangaridzo chorufu rwaKristu cha2000? Hungu! Zvingareva kuti vanhu vakawanda zvikuru kupfuura kare vaungane kuti varatidze kuonga kwavanoita kuratidzwa kwakakura zvikuru kworudo kwatakaitirwa naJehovha Mwari naJesu Kristu! (Joh. 3:16; 15:13) Ita gadziriro dzipi nedzipi dzinodiwa kuti pasava nechinhu chinodzivisa iwe nemhuri yako kupinda Chirangaridzo.
13 Zvino ndiyowo nguva yokutanga kukoka vamwe kuChirangaridzo. Nyora mazita evanhu vose vaungada kuti vapinde. Batanidza vapi nevapi vakadzidza Bhaibheri munguva yakapfuura, vaya vari kudzidza zvino, uye shanyo dzako dzedzokerero dzose. Wedzera pane ivavo vaunozivana navo kubasa, kuchikoro, uye munharaunda, uyewo upi noupi waunoita zvebhizimisi naye. Usakanganwa kubatanidza vamwe vaunozivana navo uye hama dzako. Wapedza kunyora mazita acho, chitanga kukoka mumwe nomumwe nomwoyo wose, iwe pachako. Jekesa kuti Chirangaridzo chacho chichaitirwa kupi uye rini. Sezvo 19 April anoswedera pedyo, yeuchidza vaya vawakaronga, iwe pachako kana kuti norunhare. Vaudze kuti uchaenda navo kuChirangaridzo usiku ihwohwo.
14 Maererano nomurayiridzo weSosaiti wakapiwa munguva yakapfuura, dare revakuru richave richiedza kuita zvinopfuura zvarinosiita kukurudzira vaparidzi vose vasingachaiti basa vari mundima kuti vapinde Chirangaridzo. (Mat. 18:12-14) Munyori weungano achanyora mazita evaparidzi vose vasingachaiti basa, uye mutariri webasa achagovera vakuru kuti vavashanyire ndokuvakoka kuChirangaridzo. Zvichida nokuwana shanyo yokufudza inokurudzira nokukurumidza sezvinobvira, ava vasingachaiti basa vangabetserwa kuti vaitezve basa muushumiri hwomumunda, kunyange muna April. Zvingavavaka kuti vakokwe ndokushanda nomuparidzi ane unyanzvi mubasa romumunda.
15 Kurudzirai Kutsigira Kwakanaka Muna April! Zvichada kushandira pamwe kwakanaka kwevakuru vose, vashumiri vanoshumira, uye misoro yemhuri kuti April 2000 uve mwedzi wedu wakanakisisa. Vakuru vachashingaira kuita kuti zvinhu zvose zvive zvakanyatsorongeka uye mukutungamirira. (VaH. 13:7) Gadziriro dzinoshanda dzinofanira kuitwa nokuda kwemisangano yebasa romumunda pakati pevhiki uye pakupera kwevhiki. Misangano yebasa yokuwedzera ingarongwa zuva rava kuda kuvira kana kuti kutanga kwemanheru nokuda kwebasa. Purogiramu yakakwana yezvose zvakarongerwa April inofanira kuiswa pachikwangwani. Mumwe munhu achafanira kurongwa kuti aitise musangano webasa mumwe nomumwe wakarongwa. Ndima yakaringana inofanira kugoverwa kuitira kuti zvinodiwa zveboka rimwe nerimwe zvitarisirwe.
16 Muna April magazini eNharireyomurindi neMukai! achagoverwa. Mukuedza kutanga fundo dzeBhaibheri dzapamusha, bhurocha rinonzi Anodei rinofanira kugoverwa vose vanoratidza kufarira. Saka, magazini nemabhurocha zvakakwana zvinofanira kuvapo.
17 Pakupera kwemwedzi, vaitisi vose vefundo yebhuku yeungano nevabetseri vavo vachada kukurudzira mumwe nomumwe ari muboka ravo kuti aise mushumo webasa nokukurumidza mwedzi uchangopera. Zvichida izvi zvingaitwa kunyange musi weSvondo, 30 April. Ipapo, munyori paanonyora mishumo, kana akacherechedza kuti vamwe vaparidzi havana kuisa yavo, anogona kuvayeuchidza nomutsa kuti vaite kudaro 6 May asati asvika, paanofanira kuendesa mushumo weungano kuSosaiti. Ipapo angakumbira vaitisi vefundo yebhuku kuti vamubetsere kuonana nomuparidzi mumwe nomumwe.
18 Mwaka weChirangaridzo ndiyo nguva yegore inonyanya kukosha kuvanhu vaMwari. Unofanira kuva nguva yokubatikana zvikuru kwatiri tose mubasa raJehovha. Uchadaro kana munhu wose akashanda zvakazara sezvinobvira somuparidzi wemashoko akanaka, kana vaya vanogona kunyoresa kuti vaite upiyona hwebetsero vakadaro, uye kana tikashingaira kuuya nevamwe kuChirangaridzo chorufu rwaKristu. Ngatinyengetererei chikomborero chikuru chaJehovha nomwoyo wose sezvatinoedza kuita kuti April 2000 uve mwedzi wedu wakanakisisa, zvose kuti Mwari arumbidzwe uye apiwe mbiri!—VaH. 13:15.
[Bhokisi riri papeji 3]
Mapiyona Ebetsero
Nhamba Yedu Yapamusoro-soro: 4764
(October 1999)
[Bhokisi riri papeji 4]
Vaparidzi Vose
Nhamba Yedu Yapamusoro-soro: 28068
(October 1999)
[Bhokisi riri papeji 5]
Vakapinda Chirangaridzo
Nhamba Yedu Yapamusoro-soro: 70038
(1997)