Purogiramu Yomusangano Webasa
Vhiki Inotanga naDecember 11
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kana ungano ine mabhuku anonzi Munhu Mukurusa kana kuti Mudzidzisi Mukuru, ratidza kuti angashandiswa sei zvakanaka muushumiri mumwaka wezororo. Kurudzira munhu wose kuti aone vhidhiyo inonzi The Bible—Accurate History, Reliable Prophecy, kana zvichibvira, pakugadzirira kukurukurirana paMusangano Webasa wevhiki yaDecember 25. Vaya vane vhidhiyo yacho vangaipawo vamwe vasina, kana kuti zvichida vangaona pamwe chete.
15 min: “Itya Jehovha Zuva Rose.”a Batanidza kutsanangurwa kwokutya Mwari kuri papeji 26 yeMukai! yaJanuary 8, 1998. Simbisa zvakanakira kutya Jehovha.
20 min: “Kuda Kufanana Nevezera Rako uye Ropafadzo Yako Yokuparidza.” Hurukuro nokubvunzurudza. Kumbira vanhu vakambonzwa kuda kufanana nevezera ravo kuti varondedzere kukwanisa kwavakaita kuramba vachishingaira mubasa rokuparidza pasinei nako.
Rwiyo 78 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 18
15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Zivisa gadziriro chaidzo dzebasa romumunda dzomusi waDecember 25 naJanuary 1. Pindura mubvunzo unoti: Chiripo here chingarambidza kuitawo mhemberero dzisina mavambo echiKristu chero dzisingaitirwi zvikonzero zvechitendero?—Ona bhuku rinonzi Kurangarira, mapeji 201-3.
12 min: “Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari Cha2001.” Hurukuro inopiwa nomutariri wechikoro. Kurudzira vose kuti varambe vachiverenga Bhaibheri vhiki nevhiki uye kuti vashingaire kuita migove yavo muchikoro.
18 min: “Unoparidza Usingatyi Here?”b Taura tsanangudzo dzamagwaro ari munyaya yacho. Uchishandisa bhuku rinonzi Hushumiri Hwedu, papeji 85, ratidza mawanire atingaita kusatya kwakakura uye kuva vanobudirira zvikuru mubasa romumunda.
Rwiyo 124 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naDecember 25
10 min: Zviziviso zveungano. Kumbira vateereri kuti varondedzere zviitiko zvipi nezvipi zvichangoitika zvavakava nazvo mubasa ravo rokupupurira. Taura mabhuku achagoverwa muna January.
10 min: Zvinodiwa zveungano.
25 min: “Kudzidza Kubva Muvhidhiyo Inonzi The Bible—Accurate History, Reliable Prophecy.” Kurukura navateereri. Ipa mazano emashandisirwe angaitwa vhidhiyo iyi kukurudzira vamwe. (1999 Yearbook, mapeji 51-2) Muna February tichaongorora vhidhiyo yechipiri munhevedzano iyi, The Bible—Mankind’s Oldest Modern Book. (Kana izvi zvisingashandi muungano yenyu, itai kuti mukuru anokwanisa akurukure nyaya inoti “Nei Vasina Vana?” iri muNharireyomurindi yaAugust 1, 2000, peji 20.)
Rwiyo 151 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naJanuary 1
8 min: Zviziviso zveungano. Kana ungano yenyu ichizochinja nguva yemisangano yegore idzva, kurudzira nomutsa munhu wose kuti arambe achipinda misangano nguva dzose panguva itsva. Taurira vanodzidza Bhaibheri navamwe vanofarira nezvokuchinja kupi nokupi, uye tanga kushandisa mahendibhiri anoratidza purogiramu itsva. Taura nezvomushumo webasa romumunda waSeptember wenyika noweungano yenyu. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yebasa romumunda yaDecember.
17 min: Kugadzirirwa Kungaitwa Kudzokerazve. Baba vanokurukura nemhuri yavo kuti vangabereka sei zvibereko zvakawanda muushumiri hwavo. Vanosimbisa zvikonzero zvaMagwaro zvokudzokerera kufarira kwose kunenge kwawanikwa. Vachishandisa nhungamiro dziri muNharireyomurindi yaJuly 1, 1999, peji 22, ndima 18, vanogadzirira kudzokerazve. Vose vanobvuma kuti vakaona vanhu vanofanira kushanyirwazve. Mumwe nomumwe anorondedzera kudavidza kwaakawana paakashanya kokutanga, uye vamwe vanotaura pfungwa uye rugwaro zvokushandisa pakudzokerazve. Vanowana pfungwa mubhurocha rinonzi Anodei dzingashandiswa zvinobudirira. Vabereki vacho vanoita kuti mumwe wavana adzidzire zvaachataura paachashanya. Vanoronga nguva chaiyo yokushanyazve vhiki inotevera yacho.
20 min: “Zviri Kudiwa—Zvidzidzo zveBhaibheri Zvakawanda.” Hurukuro nokukurukura navateereri kunoitwa nomutariri webasa. Taura basa rezvidzidzo zveBhaibheri reungano. Rumbidza ungano payakaita zvakanaka. Taura zvimwe zvingaitwa kutanga nokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, kusanganisira zvidzidzo zvemhuri. Enzanisira ndima 5 nokubvunzurudza mubereki anoita zvakanaka mukuitisa chidzidzo chemhuri. Verenga ndima 8, uye simbisa pfungwa sere dzakarongwa. Tsanangura ndima 13 nokukumbira mumwe muparidzi ari kubudirira mukuitisa zvidzidzo zveBhaibheri kuti arondedzere kuti zvinobvira sei kupedza kudzidza pasina kunonoka kusingadiwi. Batanidza muenzaniso unoratidza matangirwe angaitwa chidzidzo cheBhaibheri nyore nyore, sezvinoratidzwa mundima 12 ne13.
Rwiyo 212 nomunyengetero wokugumisa.
[Mashoko Omuzasi]
a Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.
b Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.