RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/00 p. 1
  • Unoparidza Usingatyi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoparidza Usingatyi Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Tevedzera Jesu—Paridza Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • ‘Taura Shoko raMwari Noushingi’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Ramba Uchitaura Shoko raMwari Noushingi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2005
  • Wana Mhinduro Dzemibvunzo Iyi
    Purogiramu Yegungano Redunhu ya2018-2019—Nemutariri Wedunhu
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 12/00 p. 1

Unoparidza Usingatyi Here?

1 Pasinei zvapo nokusungwa uye kutyisidzirwa navashori, Petro naJohani vakaramba vachizivisa shoko roUmambo vasingatyi. (Mab. 4:17, 21, 31) Zvinorevei kwatiri nhasi kuparidza tisingatyi?

2 Kupupura Tisingatyi: Shoko rinoreva zvakafanana na“kusatya” ndi“ushingi,” rinoreva “kusatya kwakasimba, kushinga, uye kutsungirira.” Nokuda kwavaKristu vechokwadi, kuparidza vasingatyi kunoreva kusatya kutaura vakasununguka pose pane mukana wokutaurira vamwe mashoko akanaka. (Mab. 4:20; 1 Pet. 3:15) Zvinoreva kuti hatinyari namashoko akanaka. (Pis. 119:46; VaR. 1:16; 2 Tim. 1:8) Saka, kusatya unhu hunodiwa kuti tiite basa redu rokuparidza mashoko akanaka oUmambo munguva ino yomugumo. Kunotiita kuti tiudze vanhu mashoko akanaka kwose kwavangawanikwa.—Mab. 4:29; 1 VaK. 9:23.

3 Kusatya Kuchikoro: Pfungwa yokutya kana kuti ruzazu inoita kuti zviome kuparidzira vaunodzidza navo here? Dzimwe nguva hazvisi nyore; kutaura zvazviri, chingava chinetso chaicho. Zvisinei, Jehovha achakusimbisa kana ukanyengeterera kuti usatya kuparidzira vamwe. (Pis. 138:3) Kusatya kuchakubatsira kuzvizivisa somumwe weZvapupu zvaJehovha uye kukurira kusekwa. Somugumisiro, kuparidza kwaunoita kuchikoro kuchaponesa vaya vanokuteerera.—1 Tim. 4:16.

4 Kusatya Kubasa: Unozivikanwa somumwe weZvapupu zvaJehovha here kubasa? Nzira bedzi iyo vaunoshanda navo vanganzwa mashoko akanaka ingava yokuti iwe uvaparidzire. Kusatya kwako kungakubatsirawo kuwana nguva yokusava pabasa kuti uende kumisangano yako yechiKristu uye kukokorodzano.

5 Kusatya Paunenge Uri Mumuedzo: Kusatya kunokosha patinotarisana nokushorwa. (1 VaT. 2:1, 2) Kunotibatsira kubatisisa kutenda kwedu patinotyisidzirwa, patinosekwa, kana kuti patinotambudzwa zvakananga. (VaF. 1:27, 28) Kunotisimbisa kuti timire takasimba patinomanikidzwa kuita zvinopesana nokuomerera kwedu pane zvinodiwa naMwari wedu, Jehovha. Kunotisimbisa kuti tirambe tine rugare rwedu vamwe pavanomutsa nharo.—VaR. 12:18.

6 Ngatirambei tichiparidza mashoko akanaka tisingatyi pasinei zvapo nezvinetso zvipi nezvipi zvatinosangana nazvo isu pachedu.—VaEf. 6:18-20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe