RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/00 pp. 3-4
  • Zviri Kudiwa—Zvidzidzo zveBhaibheri Zvakawanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviri Kudiwa—Zvidzidzo zveBhaibheri Zvakawanda
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 12/00 pp. 3-4

Zviri Kudiwa—Zvidzidzo zveBhaibheri Zvakawanda

1 Jehovha Mwari ari kukomborera sangano rake rapasi nokuwedzera kunopfuurira. Mugore rebasa ra1999, 1 741 vakabhabhatidzwa muZimbabwe—avhareji yevanenge vadzidzi vatsva vashanu zuva rimwe nerimwe! Pasinei zvapo namakumi amakore enhamo ayo hama dzedu dzingave dzakatarisana nawo mumativi akasiyana-siyana enyika, basa roUmambo riri kubudirira uye kuwedzera kukuru zvikuru kuri kuonekwa. Zvinofadza sei kuverenga nezvokufambira mberi kuri kuitwa mukuparadzira mashoko akanaka!

2 Vakawanda vedu takaratidza chido chokuva nechidzidzo cheBhaibheri, uye nokuda kwechikonzero chakanaka. Mubasa rokudzidzisa Bhaibheri ndimo matinowana vavariro yedu yokuita vadzidzi vatsva. (Mat. 28:19, 20) Asi vakawanda vedu vava nemwedzi, zvichida makore, vasina kumbova nomufaro chaiwo unobva mukudzidzisa mumwe munhu chokwadi. Tingaita sei nezveizvi muna January? Sezvo tichikurudzirwa kuva namabhuku anonzi Zivo uye bhurocha rinonzi Anodei nguva dzose, tinogona kuedza kuashandisa kupfuura zvatinosiita kutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvitsva.

3 Simbisa Chido Chokuitisa Chidzidzo: Isu pachedu tinofanira kuisa pfungwa pakuva vakasimba mumudzimu uye vanoshingaira. Vateveri vechokwadi vaKristu “vanoshingairira mabasa akanaka kwazvo.” (Tito 2:14) Patinoongorora ushumiri hwedu, tingataura here kuti tinoda zvikuru kudzokera kwose kwakagoverwa mabhuku mumunda? Tinofarira zvikuru kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri kuna vose vanoratidza kufarira here? (VaR. 12:11) Kana kuti tinofanira kukudziridza chido chikuru chokudzokerazve ndokutanga zvidzidzo zveBhaibheri zvapamusha here?

4 Kuverenga Bhaibheri uri woga, kupinda misangano nguva dzose, uye kudzidza mabhuku zvichatichengetedza tiri vapenyu mumudzimu uye tichisimbiswa nomudzimu waMwari. (VaEf. 3:16-19) Izvi zvichasimbisa kutenda kwedu nechivimbo muna Jehovha uye kuda kwatinoita vamwe vanhu. Tichakurudzirwa kudzidzisa chokwadi mumwewo munhu, nenzira iyoyo tichiita kuti ushumiri hwedu hufadze, hubudirire, uye hukurudzire. Hungu, tinofanira kuda zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda!

5 Dzidza Nemhuri Pakutanga: Vabereki vechiKristu avo vane vana vanogara pamusha vanofanira kuva nehanya nepurogiramu yavo yokudzidza Bhaibheri nemhuri nguva dzose. (Dheut. 31:12; Pis. 148:12, 13; Zvir. 22:6) Zvaizobatsira zvikuru kuti vabereki vadzidze bhurocha rinonzi Anodei uye ipapo bhuku rinonzi Zivo navana vavo kuti vavagadzirire kuti vakwanise kuva vaparidzi vasina kubhabhatidzwa uye kuti vazvitsaurire uye vabhabhatidzwe. Chokwadi, mashoko okuwedzera angadzidzwa, zvichitsamira pane zvinodiwa uye zera romwana wacho. Mubereki anodzidza nomwana asina kubhabhatidzwa angaverenga chidzidzo chacho, nguva, uye kudzokerazve, sezvakaratidzwa muBhokisi Remibvunzo roUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMay 1987.

6 Vandudza Kurongeka Kwako Pachako: Tichifunga nhamba yamagazini, mabhurocha, uye mabhuku akagoverwa, hapana mubvunzo kuti chitsama chikuru chembeu chiri kuparadzirwa. Idzi mbeu dzechokwadi dzakadyarwa dzine mukana mukuru zvikuru wokubereka vadzidzi vatsva. Asi murimi kana kuti mutarisiri webindu anganyatsogutsikana here kana achingoramba achisima uye, pashure pokutamburira kwake kwose, asingambowani nguva yokukohwa? Kana. Saizvozvowo, ushumiri hwokudzokerazve hunodiwa.

7 Unogara uchironga nguva yokudzokerazve here? Dzokera nokukurumidza kune vose vakawanikwa vanofarira. Dzokerazve nevavariro yokutanga chidzidzo cheBhaibheri. Unochengeta chinyorwa chakatsvinda, chinowirirana nomusi, uye chakarongwa zvakanaka chokudzokerazve kwaunoita here? Pamwe chete nezita nekero zvasaimba wacho, iva nechokwadi chokunyora musi wawakatanga kushanya, zvakagoverwa zvipi nezvipi, rondedzero pfupi yezvakakurukurwa, uye pfungwa ingakurukurwa pauchashanyazve. Siya nzvimbo pachinyorwa chako yamamwezve mashoko achawedzerwa pashure pokudzokerazve kumwe nokumwe.

8 Ongorora Nzira Yokudzokerazve: Ndedzipi dzimwe pfungwa dzokufunga nezvadzo pakudzokerazve kumunhu anofarira? (1) Iva anofara, ane ushamwari, anoshingaira, uye akasununguka. (2) Kurukura nhau kana kuti mibvunzo inomufadza. (3) Chengeta kukurukurirana kwacho kuri nyore uye kuri kwaMagwaro. (4) Pakushanya kumwe nokumwe, edza kudzidzisa saimba chimwe chinhu chaachaziva kuti chinokosha kwaari pachake. (5) Ita kuti atarisire nhau ichakurukurwa pauchashanyazve. (6) Usanyanya kugara. (7) Usabvunza mibvunzo inonyadzisa saimba kana kuti kumuvhiringidza. (8) Shandisa nzwisiso kuti usashora pfungwa dzisina kururama kana kuti miitiro yakashata yasaimba asati ava kukoshesa zvinhu zvomudzimu.—Ona wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch 1997 kuti ubatsirwezve kuti ungabudirira sei mukudzokerazve uye kutanga zvidzidzo zveBhaibheri.

9 Ongorora Zvose Zvingaita: Mune imwe ungano, zvaiita kuwana mazita nenhamba dzamafurati dzavagari vose vomuchivako chinochengetedzwa zvikuru. Mumwe nomumwe aigarapo akanyorerwa tsamba yake, uye maturakiti maviri akapfigirwa. Paiperera tsamba yacho, akaudzwa kuti anogona kudzidziswa Bhaibheri pamusha pake uye nhamba yorunhare yomunharaunda imomo yakaiswa kuitira kuti mugamuchiri agone kupindura. Mumazuva mashomanana, mumwe murume wechiduku akaridza runhare achikumbira kudzidza. Akadzokerazve zuva rakatevera racho, uye chidzidzo chakatangwa mubhuku rinonzi Zivo. Usiku ihwohwo chaihwo akapinda Chidzidzo Chebhuku Cheungano, uye akapfuurira kupinda misangano yose. Panenge pakarepo, akatanga kuverenga Bhaibheri zuva nezuva uye akafambira mberi zvinopfuurira akananga kurubhabhatidzo.

10 Vaparidzi mune rimwe boka remotokari vakaronga kudzokerazve pamwe chete. Apo imwe hanzvadzi yakaita kumwe kwokushanya kwayo, munhu wayakanga ichitsvaka akanga asiri pamusha, asi mumwe mukadzi wechiduku akavhura suo racho, achiti: “Ndave ndakakumirirai.” Saimba wacho akanga awana bhuku rinonzi Zivo kune mumwe munhu waaiziva izvi zvisati zvaitika. Panguva apo hanzvadzi dzacho dzakashanya pasuo rake, akanga apedza kuverenga bhuku racho kaviri uye akaororwa zvikuru namashoko arinawo. Akati haana kushamiswa kuona Zvapupu zvacho zvichimushanyira pazuva iroro nemhaka yokuti akanga achinyengetera kuti zviuye ndokudzidza Bhaibheri naye. Chidzidzo chakatangwa, akatanga kupinda misangano yeungano, uye akafambira mberi nokukurumidza.

11 Imwe hanzvadzi yakabhabhatidzwa kweanoda kusvika makore 25, nguva pfupi yapfuura yakapa amai vayo bhuku rinonzi Zivo. Amai vayo, nhengo yechechi, vakatanga kuverenga bhuku racho. Vapedza zvitsauko zviviri, vakadana mwanasikana wavo uye, zvakashamisa mwanasikana wacho, vakati: “Ndinoda kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha!” Amai vacho vakatanga kudzidza uye zvino vakabhabhatidzwa.

12 Edza Mazano Aya: Wati wamboshandisa mutoo wakananga wokutanga zvidzidzo here? Ungangoti: “Kana mungada kuva nechidzidzo cheBhaibheri chapamusha chapachena, ndinogona kukuratidzai mumaminiti mashomanana bedzi maitirwe acho. Kana mukachifarira, munogona kupfuurira.” Vanhu vakawanda havazenguriri kugamuchira zvakadaro, uye vanocherechedza nyore nyore kuenzanisirwa kwechidzidzo cheBhaibheri.

13 Kumavambo kwechidzidzo chacho, ratidza mudzidzi nzira yokufanogadzirira nayo nokuverenga magwaro akaiswa uye kutara mashoko makuru mumhinduro kumibvunzo yakadhindwa. Isa pfungwa papfungwa huru chete. Kunyange zvazvo tingada kuva vanochinja zviri nyore muzvikamu zvokutanga zvepurogiramu zvishomanana, zvinokosha kuti chidzidzo cheBhaibheri chiitwe nguva dzose. Funga nzira yauchasuma nayo munyengetero sechimwe chinhu chinokosha chechidzidzo chacho uye nzira yauchagadzirira nayo mudzidzi naMagwaro kuitira paanozoshorwa. Napose paunogona, ita kuti chidzidzo chacho chive chipenyu!

14 Chokwadi, havasi vadzidzi vose veBhaibheri vanofambira mberi pamwero wakafanana. Vamwe havafariri zvinhu zvomudzimu sezvinoita vamwe kana kuti havakurumidzi kubata zviri kudzidziswa. Vamwe vanorarama upenyu hwakabatikana zvikuru uye vangasakwanisa kupa nguva inodiwa kupedza chitsauko chakazara vhiki imwe neimwe. Nokudaro, muzvimwe zviitiko zvingava zvichidiwa kuita chinopfuura chidzidzo chimwe kuti mupedze zvimwe zvitsauko uye mimwe mwedzi yokuwedzera kuti mupedze bhuku racho. Mune zvimwe zviitiko tingadzidza bhurocha rinonzi Anodei pakutanga ipapo ndokupfuurira nebhuku rinonzi Zivo. Kana zvichidiwa, pfuudzira chidzidzo chacho mubhuku rinonzi Rugare, Vakabatana, kana kuti Shoko raMwari. Izvi, zvichiwedzerwa nokupinda kwavanoita misangano yeungano, zvichabatsira mudzidzi mumwe nomumwe kuwana hwaro hwakasimba muchokwadi.

15 Kupfuura zvose, nyengeterera chidzidzo cheBhaibheri! (1 Joh. 3:22) Chimwe chezviitiko zvinopa mubayiro zvikuru kumuKristu ndiko kushandiswa naJehovha kubatsira mumwe munhu kuva mudzidzi waJesu Kristu. (Mab. 20:35; 1 VaK. 3:6-9; 1 VaT. 2:8) Zvino inguva yokushingaira zvikuru mubasa rokudzidzisa Bhaibheri, tiine chivimbo chakazara chokuti Jehovha achakomborera zvikuru zvatinoita kuti titange zvidzidzo zvakawanda!

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 3]

Uri kunyengeterera kutanga chidzidzo cheBhaibheri chitsva here?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe