RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/00 p. 2
  • Purogiramu Yomusangano Webasa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Purogiramu Yomusangano Webasa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naSeptember 11
  • Vhiki Inotanga naSeptember 18
  • Vhiki Inotanga naSeptember 25
  • Vhiki Inotanga naOctober 2
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 9/00 p. 2

Purogiramu Yomusangano Webasa

Vhiki Inotanga naSeptember 11

Rwiyo 139

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Chikomborero chaJehovha Chinotipfumisa.” Ita kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, wobva wakurukura nemibvunzo nemhinduro.—Ona Insight, Vhoriyamu 2, peji 804, ndima 6-7.

20 min: “Shandisa Zviitiko Zvazvino uno Kumutsa Kufarira.” Kukurukurirana navateereri nemienzaniso. Taura zviitiko zvazvino uno zvinoverengeka zvakakonzera kufarira munharaunda imomo. Izvi zvinei chokuita nenguva yemberi? Uchishandisa bhuku rinonzi Kurangarira, peji 14, ipa mamwe mazano okugadzirira kungaitwa sumo kuchaita kuti pave nokukurukura Bhaibheri. Iva nemienzaniso miviri inoshanda, yakanyatsogadzirirwa.

Rwiyo 224 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 18

Rwiyo 2

10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi.

15 min: Takaita Sei Gore Rapera? Hurukuro inopiwa nomutariri webasa. Ongorora pfungwa huru dziri mumushumo weungano wegore rebasa ra2000. Rumbidza zvinhu zvakanaka zvakaitwa. Taura pangada kuvandudzwa. Taura nezvokuti ungano yakaita sei pakupinda misangano, kutanga nokuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uye kuva venguva dzose mubasa romumunda. Taura vavariro dzinoshanda nokuda kwegore rinotevera.

20 min: “Upenyu Huri Mungozi!” Kukurukurirana navateereri. Simbisa magwaro akaiswa munyaya yacho.

Rwiyo 30 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naSeptember 25

Rwiyo 93

15 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidza vaparidzi kuisa mishumo yavo yebasa romumunda yaSeptember. Kurukura Bhokisi Remibvunzo.

15 min: Zvinodiwa zveungano.

15 min: Magazini Edu Haarasikirwi Nokukosha Kwawo. Chii chaunoita kana magazini ekare eNharireyomurindi neMukai! aungana? Vamwe vaparidzi vanoarasa, vachifunga kuti nhau dzacho hadzisisiri dzazvino uno. Asi Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaSeptember 1993, peji 7, hwakatikurudzira kutakura magazini ekare ndokuagovera pazvinenge zvakakodzera. Unogona kusarudza nyaya dzakakodzera nguva dzingafadza varume, vakadzi, nyanzvi dzezvimwe zvinhu, vakwegura, uye vari kuyaruka; saka iva namagazini akagadzirirwa kugovera panomuka mukana. Enzanisira kuti nyaya dzingasarudzwa sei ndokukurukurwa. Rondedzera zvakaitika zvinobudirira izvo vaparidzi vakava nazvo pavaigovera magazini ekare.

Rwiyo 115 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naOctober 2

Rwiyo 169

15 min: Zviziviso zveungano. Udza ungano nezvokugovera chaiko kwakarongerwa Mashoko oUmambo turakiti Nha. 36, kuchatanga noMuvhuro, October 16, uye kuchapfuurira kusvika neChishanu, November 17. Kurudzira vose, kusanganisira pwere navatsva, kuti vasvasvavirire kushanda zvakazara. Vaitisi veChidzidzo Chebhuku vanofanira kutanga iye zvino kukurudzira nokuronga vose vari muboka ravo kuti vashande nokushingaira sezvinobvira. Batanidza zvakaitika zvinovaka pakugovera Mashoko oUmambo kwakapfuura.

15 min: “Ndinofanira Kutama Here?” Hurukuro inopiwa nomukuru. Tsanangura nei nzwisiso ichidiwa mukuita chisarudzo chokutamira kune imwe nzvimbo. Kurukura mashandisirwe ezano rinowanikwa pana Zvirevo 22:3. Batanidza mashoko okunyevera anowanikwa muNharireyomurindi yaAugust 15, 1988, peji 22.

15 min: Zvakaitika Mukutanga Kukurukurirana. Mupurogiramu Yomusangano Webasa yevhiki inotanga naSeptember 11, zvakakurudzirwa kuti tinotanga sumo dzezviitiko zvazvino uno kuti timutse kufarira ndokutanga kukurukurirana muushumiri. Kumbira vateereri kuti varondedzere migumisiro yakanaka yavakava nayo nokushandisa mazano aya.

Rwiyo 205 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe