Upenyu Huri Mungozi!
1 Bhaibheri rinojekesa kuda kwaJehovha kwo“kuti vanhu vose vaponeswe.” Zvisinei, ichokwadiwo kuti mikana yamabhiriyoni apasi yokuwana upenyu inoenderana nokuti anoona sei Jehovha Mwari noUmambo hwake hunotongwa naJesu Kristu. Maonero akarurama angavakirwa “pazivo yakarurama yechokwadi” chete. (1 Tim. 2:3, 4) Nepo tichizivisa kuti munguva pfupi inotevera uipi hwose huchabviswa pasi pano kuitira kuvhurira nzira nyika itsva yaMwari yokururama, takapiwawo basa rinokosha rokuponesa upenyu.—Mat. 24:14; 28:19, 20; VaR. 10:13-15.
2 Nei Zviri Zvokukurumidza Zvakadaro? Jesu akanyevera nezvo“kutambudzika kukuru kwakadaro sokusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika.” (Mat. 24:21) Kutambudzika ikoko kuchaguma paAmagedhoni. (Zvak. 16:16) Mhomho yavanhu yakatarisana nokuparadzwa kana ikakundikana kubvuma mashoko akanaka inosanganisira hama dzedu dzisingatendi, vavakidzani, vatinoshanda navo, vatinodzidza navo kuchikoro, uye vatinozivana navo. Asi chatiine hanya nacho kuzivisa “vanhu vose” mukutevedzera Mwari, uyo akaratidza nyika yose yavanhu rudo rwake nokupa Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kuti ave rudzikinuro rwavose. (Joh. 3:16) Tinofanira kuedza kukoka vose nokushingaira kuti vatizire kunzvimbo yaMwari yokuchengeteka. Nokunyatsoita basa rokuparidza, tingadzivisa kuva nemhaka yeropa.—Ezek. 33:1-7; 1 VaK. 9:16.
3 Chinangwa Chedu Ndechei? Kukosha kwebasa rokuparidza kwakasimbiswa muShoko raMwari rose. Sezvakataurwa nomuapostora Pauro, “rudo urwo Kristu anarwo runotigombedzera” kurarama maererano nenzira dzaMwari. (2 VaK. 5:14) Uyezve, Nharireyomurindi inowanzosimbisa mutoro wedu wokuparidza. Ushumiri Hwedu hwoUmambo hunoramba huchipa mirayiridzo yamaitirwe ebasa rokuparidza. Vakuru vanoronga basa racho uye vanotikurudzira kuriita. Vamwe vaparidzi vanotikoka kuti tishande navo muushumiri. Tinonzwa zvakawanda nezvokugadzirira mharidzo dzedu, kugovera magazini namamwe mabhuku, kudzokerazve, kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, uye kushandisa mukana wose wokupupura. Zvose izvi zvinotibatsira mukuita chinangwa chokuponesa upenyu.—1 VaK. 9:22, 23; VaEf. 1:13.