Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi kana kuti Mwari Anodei Kwatiri? October: Magazini eNharireyomurindi neMukai! Kunenge kwawanikwa kufarira pakudzokerazve, kuzvinyoresa kungagoverwa. Kuvambira panenge pava kunopera mwedzi wacho, Mashoko oUmambo turakiti Nha. 36, rinonzi “Mireniyumu Itsva—Nguva Yemberi Yakakuchengeterei?,” richagoverwa. November: Kugoverwa kwaMashoko oUmambo turakiti Nha. 36 kuchapfuurira. Ungano dzinopedza ndima yadzo nokukurukura navagari vapamusha mumwe nomumwe kana imba nekopi yaMashoko oUmambo turakiti Nha. 36 dzingagovera bhurocha rinonzi Anodei kana kuti bhuku rinonzi Zivo. December: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi neShanduro Yenyika Itsva.
◼ Vakuru vanoyeuchidzwa kudzokorora mirayiridzo iri pamapeji 21-3 eNharireyomurindi yaApril 15, 1991, ine chokuita navapi navapi vakadzingwa kana kuti vakazvibvisa musonganiro vangava vachifunga kudzorerwazve.
◼ Sosaiti haiiti odha dzamabhuku dzomuparidzi mumwe nomumwe. Mutariri anotungamirira anofanira kuronga kuti chiziviso chiitwe mwedzi mumwe nomumwe odha yamabhuku eungano yomwedzi nomwedzi isati yatumirwa kuSosaiti kuitira kuti vose vanoda kuwana mabhuku avo pachavo vazivise hama inotarisira mabhuku. Tapota yeukai kuti mabhuku api ari zvinhu zveodha chaiyo.
◼ Tingada kuyeuchidza vakuru navaparidzi vanotungamirira mapoka ari oga kuti hapana anofanira kukokwa kuzoshanda muushumiri hwomumunda kusvikira vakuru vaviri vamubvunzurudza sezvakarongwa muNharireyomurindi yaNovember 15, 1988, papeji 17, ndima 9.
◼ Zvakashumwa kuti vamwe vaparidzi vasina kubhabhatidzwa havana kopi yebhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu. Maererano nokukurukurirana kunoita vakuru nomuparidzi anotarisirwa, Nharireyomurindi yaNovember 15, 1988, peji 17, ndima 9, inoti “Kurukurirano yacho inofanira kufukidzawo zano reBhaibheri, rakadai serinooneswa pamapeji 98 ne99 aTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu. Nokudaro, iyi yaizova nguva yakafanira kuti mudzidzi awane kopi yake pachake yebhuku iroro.” Tinokurudzira vakuru kutevera murayiridzo uyu.
◼ Munyori: Tapota iva nechokwadi chokuti watumira kadhi roMushumo Weungano (S-1) kuhofisi yedu musi wechitanhatu womwedzi unotevera kana kuti usati wasvika. Mishumo yeungano iri kutumirwa kuSosaiti iri kuramba ichinonokesa zvokusakwanisa kubatanidzwa nomushumo watinotumira kuBrooklyn.
◼ Une chiitiko chebasa romumunda chinofadza chaungada kugoverana navamwe here? Tapota chinyore ndokuita kuti mumwe wavakuru vako achiverenge. Achachiongorora kuti ave nechokwadi chokuti zvose zvinokosha zvakaita samazita, nzvimbo uye mamwe mashoko akadaro zvabatanidzwa uye achatumira kuSosaiti kopi yokupedzisira yakagadziridzwa. Zviitiko zvakadaro zvingashandiswa kukurudzira vamwe.