Uri Kubvuma Rudo rwaKristu Here?
1 Achifunga mararamiro aTenzi wake, muapostora Johani akanyora kuti: “Jesu, zvaakanga ada vake vakanga vari munyika, akavada kusvika kumugumo.” (Joh. 13:1) Mumwaka uno weChirangaridzo, pfungwa dzedu dzinofunga kuratidzwa kukuru zvikuru kworudo rwaKristu. Tinogona kubvuma rudo irworwo nokutenda rudzikinuro, nokushingaira mubasa rokuparidza uye, saJesu, nokutsungirira “kusvikira kumugumo.”—Mat. 24:13; 28:19, 20; Joh. 3:16.
2 Kubvuma Rudo rwaKristu: Jesu aishingaira kwazvo muvhiki yokupedzisira youpenyu hwake hwapasi pano. (Mat. 21:23; 23:1; 24:3) Sevatevedzeri vaKristu, isuwo tinokurudzirwa norudo kuti ‘tizvishandise nesimba’ mubasa raJehovha. (Ruka 13:24) Ungashandisa here gadziriro dzokuwedzera basa rokupupurira muna April nokuwedzera nguva yaunopedzera muushumiri?
3 Gore rino Kudya kwaShe Kwemanheru kuriko musi weChitatu manheru, April 19. Vangani vachavapo pachiitiko ichi chinokosha? Kumwero mukuru, izvozvo zvinotsamira patiri. Wakanyora here vaya vaunoronga kukoka—fundo dzako dzeBhaibheri uye vamwe vanofarira, hama, vaunozivana navo mune zvebhizimisi, uye vaunodzidza navo? Wakataura navo ndokukudziridza ndokuvakoka nomwoyo wose here? Uchavayeuchidza mazuva mashoma Chirangaridzo chisati chasvika here? Vanoda kuti uvabetsere here kuenda ikoko? Vakuru vari kukokawo vapi nevapi vasingachaiti basa muushumiri. Chirangaridzo zvachichaitwa manheru epakati pevhiki pane pakupera kwevhiki, izvi hazviiti kuti chikoshe zvishoma nokuda kwavose kuti vapinde.
4 Uya Wakagadzirira: Zvinokosha kuti tive vakagadzirira uye kuti tive nemafungire akanaka patinopinda Chirangaridzo. Pauro akarayira vaaitenda navo kuti varambe vachifunga kukosha kwechiitiko chacho. (1 VaK. 11:20-26) Mungarava zvitsauko 13 kusvika ku17 zveEvhangeri yaJohani pafundo yenyu yeBhaibheri yemhuri mobva maita kuti nhengo yoga yoga yemhuri irondedzere zvinoreva chibayiro chaJesu kwairi. Musakanganwawo kurava Bhaibheri zuva nezuva kwevhiki yeChirangaridzo!
5 Kuda kwedu Kristu kukuru, uye kunokudziridzika zvakanyanya musi waApril 19. Takatsunga kuratidza kumuda kwedu nokusingaperi! Kuchengeta Chirangaridzo kwegore rino kuchatibatsira kusimbisa kutsunga ikoko.