RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 3/00 p. 8
  • Kudzidza Uprofita hwaDhanieri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kudzidza Uprofita hwaDhanieri
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku raDhanieri Newe
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Jehovha Anopikira Dhanieri Mubayiro Wakanaka Kwazvo
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
  • Tichafunda Bhuku raMufarwa Wemhuri
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Akasimbiswa noMutumwa Akabva Kuna Mwari
    Fungisisa Uprofita hwaDhanieri!
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
km 3/00 p. 8

Kudzidza Uprofita hwaDhanieri

1 Kutanga nevhiki ya17 April, tichadzidza bhuku rinonzi Fungisisa Uprofita hwaDhanieri! paFundo Yebhuku Yeungano. Vakawanda vakatorava iri bhuku rinonakidza, asi zvino tine mukana wokubetserwa nokukurukura bhuku racho seboka. Vaparidzi vose, vanofarira, uye vana vanokokwa, hungu, vanokurudzirwa, kuvapo vhiki yoga yoga kuzonyatsodzidza bhuku reBhaibheri raDhanieri.—Dheut. 31:12, 13.

2 Purogiramu Yokudzidza uye Mirayiridzo: Purogiramu yokudzidza yakakwana yebhuku rinonzi Uprofita hwaDhanieri yaiswa muUshumiri Hwedu hwoUmambo huno. Iva nechokwadi chokuchengeta kopi mubhuku rako rokudzidza. Purogiramu yacho inoratidza chitsauko nendima zviri mubhuku racho uyewo ndima dziri muna Dhanieri dzichakurukurwa mupurogiramu yevhiki yoga yoga. Mashoko omuzasi anotsanangura kuti zvimwe zvinhu zviri mubhuku racho zvichadzidzwa sei uye rini. Panopera fundo yevhiki nevhiki, muitisi anokurudzirwa kukurukura neboka ndima chaidzo dziri muna Dhanieri dzakarongwa papurogiramu yevhiki iyoyo. Kana nguva ichibvumira, ndima dzacho dzingaraviwa ndokutsinhirwa. Dzimwe ndima dzichapfuurira kubva kune imwe vhiki kuenda kune imwe nemhaka yokuti dzinenge dzichiri kukurukurwa padzinoshanda.

3 Gadzirira Fundo Yakadzama: Takaedza kuti pave nenguva yakaringana vhiki yoga yoga yokukurukura mashoko akagoverwa pasina kumhanya. Zvidzidzo zvina zvinenge zvipfupi. Saka, panopera fundo yevhiki ya5 June, muitisi angabatanidza kudzokororwa kwaDhanieri 2:1-40. Muvhiki ya26 June, angadzokorora Dhanieri 3:1-30. Vhiki ya4 September inofanira kubatanidza kunyatsokurukurwa kwemifananidzo nemagwaro zviri papeji 139. Chati iri pamapeji 188 ne189 inofanira kukurukurwa pafundo yevhiki ya2 October.

4 Nyatsogadzirira fundo yacho vhiki yoga yoga, uye nakidzwa nokutsinhira mairi. Koshesa ropafadzo yako yokusonganirana nesangano raJehovha rinooneka uye uchibetserwa nenjere uye kunzwisisa kunogoverwa nevakatendeka vake vakazodzwa. (Dhan. 12:3, 4) Kurudzira vamwe nomutsa kuti vapinde fundo yebhuku nguva dzose. Tose zvedu ngatifungisisei shoko raMwari rouprofita rakaziviswa mubhuku rinonzi Dhanieri rinoita kuti titye Mwari.—VaH. 10:23-25; 2 Pet. 1:19.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe