“Rambai Muchiita Izvi Muchindiyeuka”
Rufu rwaJesu Ruchachengetwa Musi waApril 2
1. Nei April 2, 2007, uri musi unokosha?
1 Musi waApril 2, 2007, mamiriyoni evanhu pasi pose achaungana kuti achengete rufu rwaJesu rwokuzvibayira. Jesu akafa nokuti aitsigira kuva changamire kwaBaba vake vokudenga, achipa uchapupu hwokuti Satani Dhiyabhorosi aiva apomera vanhu nhema dzokuti vanoshumira Mwari bedzi nevavariro dzoudyire. (Job. 2:1-5) Kudya kwaShe Kwemanheru kunotiyeuchidzawo kuti paakafa somunhu akakwana, asina chivi, Jesu ‘akapa mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.’ (Mat. 20:28) Saka Jesu akarayira vadzidzi vake kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Kuonga kwaunoita chipo chinokosha ichi chaMwari kwakaita kuti utange kugadzirira kuti uzochengeta uku kuratidzwa kukuru kworudo here?—Joh. 3:16.
2. Tingagadzirira sei mwoyo wedu nokuda kweChirangaridzo?
2 Gadzirira Mwoyo Wako: Kana tikafunga zva- kaitika mumazuva okupedzisira oupenyu hwaJesu paaiva munhu, tinogona kugadzirira mwoyo yedu kuti tichengete Chirangaridzo ichi. (Ezra 7:10) Kuti tibatsirwe kuita izvi, purogiramu yokuverenga Bhaibheri ingawanika mukabhuku keKunzvera Magwaro—2007 uye paKarenda ya2007. Iyi purogiramu yokuverenga inonyatsofambirana nemazuva ezviitiko zvine chokuita nokufa kwaJesu zvichienderana nekarenda ratinoshandisa mazuva ano. Mazuva nemisi zvinotaurwa muBhaibheri zvinobva pakarenda rechiJudha, rinoti zuva rinotangira pakudeuka kwezuva kusvikira pakudeuka kwezuva musi unotevera. Kusiyana uku kwakafungwa nezvakwo uye kunoratidzwa papurogiramu yokuverenga Bhaibheri yeChirangaridzo. Kudzokorora mashoko akadaro uye kufungisisa nezvokudzama kworudo rwaMwari tichinyengetera kuchatibatsira kuti tiyamurwe zvizere nokuchengeta Chirangaridzo.
3. Tingabatsira sei vanofarira uye vasingachaiti basa kuti vayamurwe neChirangaridzo?
3 Koka Vamwe Kuti Vapinde: Wedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaFebruary yakazivisa nezvomushandirapamwe wokukoka vanhu kuchiitiko chinokosha ichi. Wati waita urongwa hwokuti uitewo mushandirapamwe uyu zvizere here? Wati wanyora vanhu vose vaunoziva vaunoda kukoka uye wati watanga kuvakoka here? Gadzirira kuti uzokurumidza kuvapo manheru eChirangaridzo kuti ugamuchire vaya vawakakoka uye vamwe vanofarira. Ungada kugara navo, uchiva nechokwadi chokuti vane Bhaibheri nebhuku renziyo. Vasume kune vamwe vomuungano. Purogiramu yacho yapera, wana nguva yokupindura mibvunzo yavo. Vakoke kuti vazonzwa hurukuro chaiyo ichapiwa musi waApril 15. Vakuru vachanyanya kufarira kuti vaya vakambowadzana neungano asi vasingachaiti basa vakokwe kuChirangaridzo uye kuhurukuro chaiyo.
4. Tingabatsira sei vanhu kuti varambe vachifambira mberi mune zvokunamata kana tapedza kuchengeta Chirangaridzo?
4 Batsira Vatsva Vanofarira uye Vasingachaiti Basa Kuti Vafambire Mberi: Mukurukuri wehurukuro yeChirangaridzo achatsanangura muchidimbu urongwa hwatinahwo hwokudzidza Bhaibheri nevanhu uye achakurudzira vatsva vanofarira kuti varambe vachidzidza nezvaJehovha. Unogona kushandisa zvaanenge ataura kuti uwedzere kubatsira mune zvokunamata vaya vaunenge wakoka. Kana vasiri kutodzidza Bhaibheri, iva nechokwadi chokuvashanyira Chirangaridzo chapera wovaratidza urongwa hwokudzidza Bhaibheri vasingabhadhari. Kuti vafambire mberi mune zvokunamata, vachadawo kupinda misangano yeungano. (VaH. 10:24, 25) Uchifunga izvi, vakurudzire kuti vatange kupinda nguva dzose. Vakuru vachada kushanyira vaKristu vasingachaiti basa vakapinda Chirangaridzo vovabatsira kufunga nezvezvakakurukurwa muhurukuro. Izvi zvingavakurudzira kuti vatangezve kuita basa muungano.
5. Kuchengeta Chirangaridzo kungatibatsira sei?
5 Kuchengeta Chirangaridzo kunotipa mukana wokunyatsofungisisa zvatakaitirwa naJehovha naJesu. Kufungisisa kwakadaro kunodzamisa kuvada kwatinoita uye kunoita kuti tive nomufambiro wakanaka. (2 VaK. 5:14, 15; 1 Joh. 4:11) Ino ndiyo nguva yokuti isu uye vanofarira titange kugadzirira nguva iyi inokosha ‘yatinozivisa rufu rwaShe.’—1 VaK. 11:26.