Purogiramu Yomusangano Webasa
CHERECHEDZAI: Kutanga noUshumiri Hwedu hwoUmambo huno, Purogiramu yoMusangano Webasa ichave noMusangano Webasa wokutanga wemwedzi unotevera wacho. Kuchinja uku kuri kuitwa kutsiva kunonoka kutumirwa kwoUshumiri Hwedu hwoUmambo kungangoitika nemhaka yegadziriro itsva yokutumira.
Vhiki Inotanga na6 December
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa zviri muUshumiri Hwedu hwoUmambo.
15 min: “Tevedzera Kusasarura kwaJehovha.” Itai kuti mashoko okusuma asapfuura miniti imwe, mobva makurukura nemibvunzo nemhinduro. Tsanangurai zvinoreva kusasarura, maratidzirwe akunoitwa naJehovha, uye maratidzire atingakuita muushumiri hwedu.—Onai Insight, Vhoriyamu 1, peji 1192, ndima 4-7.
20 min: “Hatina Kumbozvinzwa Here?” Hurukuro nokukurukurirana nevateereri. Kumbirai vateereri kuti vatsinhire kuti kudzokorora kwakavabetsera sei kunzwisisa nokukoshesa chokwadi zvizere.—Onai Nharireyomurindi yaJuly 15, 1995, mapeji 21-2, uye yaAugust 15, 1993, mapeji 13-14, ndima 10-12.
Rwiyo 218 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na13 December
10 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Ipai mazano emapindurire atingaita nokungwarira kwaziso dzemazororo. Kana ungano ine mabhuku anonzi Munhu Mukurusa kana kuti Mudzidzisi Mukuru, ratidzai mashandisirwe aangaitwa zvakanaka muushumiri nguva yemazororo eKrisimasi.
15 min: “Chikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari Cha2000.” Hurukuro inopiwa nomutariri weChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari. Dzokororai zvinhu zvinotevera zvakachinja mupurogiramu yegore idzva. Hurukuro Nhamba 3 ichabva mu“Misoro yeBhaibheri Yekukurukurirana” inowanikwa muShanduro Yenyika Itsva. Hurukuro Nhamba 4 ichabva mubhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku kunze kwevhiki yokupedzisira yaDecember Kudzokorora Tichinyora kusati kwaitwa pakuchabva mu“Misoro yeBhaibheri Yekukurukurirana.” Kurudzirai vose kupfuurira nokurava kwavo Bhaibheri kwevhiki nevhiki uye kuva vanoshingaira mukuita migove muchikoro.
20 min: “Uchati Kudii Kune Asingatendi Kuti Kuna Mwari?” Mibvunzo nemhinduro. Dzokororai zvikonzero zvakasiyana-siyana nei vakawanda vakarasa kutenda muna Mwari. Taurai dzimwe nzira dzatingakurukura navo, tichivabetsera kuona pfungwa yokuziva kuvapo kwaMwari. Ivai nemienzaniso mipfupi mumwe kana kuti miviri. Nokuda kwemashoko akawanda, onai bhuku rinonzi Kurangarira, mapeji 259-66, uye Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, chitsauko 14.
Rwiyo 220 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na20 December
10 min: Zviziviso zveungano. Itai kuti vaparidzi varondedzere zviitiko zvipfupi zvinokosha zvakavafadza mubasa romumunda nguva pfupi yapfuura.
15 min: Kupindura Vadzivisi Vangatarisirwa Vokukurukurirana. Kukurukurirana nevateereri nemienzaniso. Ravai “Tsinhiro” dziri pamapeji 15-16 ebhuku rinonzi Kurangarira. Dudzai “vadzivisi vokukurukurirana” vaviri kana kuti vatatu kubva papeji 16-20, kana kuti shandisai zvimwe zvamunowanzosangana nazvo mundima yenyu. Dzokororai dzimwe dzemhinduro dzakapiwa, uye ongororai kuti nei dzingashanda zvakanaka imomo. Enzanisirai nokupfupikisa shoma dzadzo. Kumbirai vateereri kurondedzera mhinduro dzavakashandisa nemigumisiro yakanaka.
20 min: Ndinofanira Kugamuchira Basa Rinobatanidza Sangano Rechitendero Here? Hurukuro inopiwa nomukuru, iri muNharireyomurindi yaApril 15, 1999, mapeji 28-30. Vamwe vanhu vakagamuchira basa rakadaro uye gare gare vakawana kuti zvavaiita zvakanga zvisingawirirani nenheyo dzeBhaibheri. Dzokororai mibvunzo yatinoda kukurukura patinosarudza zvokuita pamusoro pokuita basa rokunyika rine chokuita nezvechitendero. Kurudzirai vose kutevera upenyu huchavimbisa kumira kwakanaka pamberi paJehovha.—2 VaK. 6:3, 4, 14-18.
Rwiyo 109 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na27 December
10 min: Zviziviso zveungano. Kana ungano yenyu ichachinja nguva yemisangano yegore idzva, kurudzirai nomutsa muchikumbira vose kuramba vachipinda misangano nguva dzose panguva itsva. Taurirai vadzidzi veBhaibheri nevamwe vanofarira nezvokuchinja kupi nokupi, uye tangai kushandisa mahendibhiri anoratidza purogiramu itsva. Yeuchidzai vose kuisa mishumo yavo yebasa romumunda yaDecember.
15 min: Zvinodiwa zveungano.
20 min: Kugovera Mabhuku Ekare Muna January. Hurukuro nemienzaniso. Ratidzai mabhuku ekare emapeji 192 maviri kana kuti matatu, akabudiswa 1986 asati asvika, ari muungano, uye kurudzirai vaparidzi kuzviwanira mamwe nokuda kwoushumiri hwomumunda. (Kana pasina aripo, kurukurai chimwe chingagoverwa muna January.) Tsanangurai nei mabhuku ekare iwayo achiri kubudirira kusakurira kufarira muBhaibheri. Mubhuku rimwe nerimwe simbisai zvinhu zvokutaura nemienzaniso ingashandiswa zvakanaka kutanga kukurukurirana. Enzanisirai mharidzo imwe kana kuti mbiri. Kunenge kwawanikwa anofarira, bhurocha rinonzi Anodei ringashandiswa kutanga fundo.
Rwiyo 224 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na3 January
8 min: Zviziviso zveungano.
17 min: Ziva Mapire Aungaita Mhinduro. (VaK. 4:6) Hurukuro nokukurukurirana nevateereri. Bhuku rinonzi Kurangarira rinobetsera zvinoshamisa kukura nzira yokugovana chokwadi cheBhaibheri nevamwe. Saimba paanoramba chimwe chezvatinodavira, zvichida tingashandisa chikamu chinoti “Kana Mumwe Munhu Akati—” kunoperera chikamu chinotaura nezvechitendero ichocho. Kurukurai tsinhiro dzeBhaibheri dziri papeji 45-8, uye fungai kuti nei mhinduro dzakafungwa dzingave dzinobudirira.
20 min: “Bhaibheri Mumutauro Woupenyu Hwezuva Nezuva.” Hurukuro iri muwedzero. Simbisai zvinobetsera Shanduro Yenyika Itsva. Kurudzirai vaparidzi kushandisa Bhaibheri iri nepazvinobvira napo pose mumunda uye pafundo yomunhu oga neyemhuri.
Rwiyo 56 nomunyengetero wokugumisa.