RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/99 p. 1
  • Hatina Kumbozvinzwa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hatina Kumbozvinzwa Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Unoda Zviyeuchidzo zvaJehovha Kwazvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Zviyeuchidzo zvaJehovha Zviri Kutinyandura Mumudzimu Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Zviyeuchidzo zvaJehovha Zvakavimbika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2013
  • Shoko raMwari Ngarive Chiedza Panzira Yako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 12/99 p. 1

Hatina Kumbozvinzwa Here?

1 Chokwadi takazvinzwa! Jehovha anodzokorora zvinhu zvakawanda muShoko rake kuti vanhu vake vabetserwe. Jesu aiwanzodzokorora dzidziso dzake pamusoro pezvinhu zvakasiyana-siyana zvoUmambo. Vaapostora vake vairamba vachidzokorora nhau dzomudzimu nevaya vaiva vakanyatsosimba muchokwadi.—VaR. 15:15; 2 Pet. 1:12, 13; 3:1, 2.

2 Munguva yedu sangano raJehovha rakaronga kuti nhau dzinokosha dzidzokororwe dzadzokororwazve pamisangano yeungano. Mamwe mabhuku akadzidzwa adzidzwazve. Hungu, zvinokosha kunzwa zvinhu zvatakambonzwa!

3 Kudzokorora Kunoita Chinodikanwa Chinokosha: Zviyeuchidzo zvaJehovha zvinodzamisa kunzwisisa kwedu, zvinokudza mafungiro edu, uye zvinosimbisa kutsunga kwedu kurambira panzira mumudzimu. (Pis. 119:129) Kudzokorora zvinodiwa naMwari nenheyo kwakafanana nokutarira mugirazi. Kunotibetsera kuzviongorora uye kunorwisana nokuda kuva “munzwi anokanganwa.”—Jak. 1:22-25.

4 Kana tisingarambi tichizviyeuchidza nezvechokwadi, zvimwe zvinhu zvichapesvedzera mwoyo yedu. Zviyeuchidzo zvaMwari zvinotisimbisa kuti tidzivise kupesvedzera kunoshatisa kwenyika yaSatani. (Pis. 119:2, 3, 99, 133; VaF. 3:1) Zviyeuchidzo zvenguva dzose zvatinowana maererano nokuzadzika kwezvinangwa zvaMwari zvinotiita kuti ti“rambe [t]akarinda.” (Mako 13:32-37) Kudzokorora chokwadi cheMagwaro kunotibetsera kuramba tiri mumugwagwa unoenda kuupenyu husingaperi.—Pis. 119:144.

5 Nzira Yokubetserwa iwe Pachako: Tinofanira ku‘kwevera mwoyo yedu kuzviyeuchidzo zvaMwari.’ (Pis. 119:36) Chidzidzo chakajairwa pachinodzidzwa pamusangano weungano, tinofanira kugadzirira pachine nguva, kutarira magwaro arimo, uye kufungisisa mashandisire atingaita mashoko acho. Ngatisarega kugadzirira kudzokorora tichinyora kuri muChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari, tichifunga kuti hazvina basa. (Ruka 8:18) Hatimbodi kuva vasingateereri nemhaka yokuti chokwadi chinokosha chinowanzodzokororwa pamisangano yedu.—VaH. 5:11.

6 Ngativewo nemafungiro omunyori wepisarema okuti: “Ndakafara kwazvo munzira yezvipupuriro zvenyu, sezvandinofarira pfuma yose.” (Pis. 119:14) Hungu, takambonzwa zvinhu izvi zvinokosha, uye zvimwe tichazvinzwazve. Nemhaka yei? Nokuti Jehovha anoziva kuti tinofanira kuzvinzwa!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe