RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/99 pp. 3-4
  • Bhaibheri Mumutauro Woupenyu Hwezuva Nezuva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Mumutauro Woupenyu Hwezuva Nezuva
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 12/99 pp. 3-4

Bhaibheri Mumutauro Woupenyu Hwezuva Nezuva

1 “Kana uchitenda kuti Bhaibheri ishoko raMwari rinoenda kuvanhu, izvozvo zvinoreva kuti Mwari ari kukurukura nesu. . . . Kana chitendero chako chine chokuita noupenyu hwako hwose, naizvozvo mutauro [weBhaibheri] unofanira kuva uya woupenyu hwezuva nezuva.” Yakanyora kudaro nyanzvi inonzi Alan Duthie mubhuku rayo rinonzi Bible Translations: And How to Choose Between Them.

2 Vanhu vanoda Shoko raMwari vanobvumirana naye nomwoyo wose. Vanonyatsotenda kuti “rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobetsera pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu, pakuranga nokururama.” (2 Timoti 3:16) Bhaibheri “ibenyu uye rine simba,” richipa mhinduro chaidzo dzezvinetso zvoupenyu hwezuva nezuva. (VaHebheru 4:12) Zvisinei, kuti bhuku iroro dzvene rinzwisiswe uye rishandiswe nevaravi varo, rinofanira kuva mumutauro woupenyu hwezuva nezuva. Hungu, Bhaibheri rakanyorwa kuti riraviwe ndokunzwisiswa nevanhu vose zvavo.

3 Nemhaka yeizvi, shanduro dzemazuva ano dzakawanda dzakabudiswa mumakore mashoma apfuura mumitauro yakasiyana-siyana. Mugumisiro wacho wave zvawo uchibetsera zvikuru. Magwaro akaitwa kuti awanike zvakanyanya kuvanhu vose zvavo. Kunyange zvakadaro, zvinonzwisa urombo kuti dzakawanda dzeidzi shanduro itsva dzinotadza kusvika panodiwa kana tichitaura nezvekururama kwakanaka uye kubvumirana. Somuenzaniso, dzimwe dzinowanzodzimaidza kudzidzisa kuri pachena kweBhaibheri nezvemugariro wevakafa, chiri mweya womunhu, uye zita raMwari wechokwadi.

4 Naizvozvo vanhu vanoda Shoko raMwari vanogamuchira nomufaro kubudiswa kweShanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki muchiShona. Zvapupu zvaJehovha zvakazivisa kubudiswa kweiyi shanduro yemazuva ano muna August 1999 muZimbabwe. Isingapesvedzerwi nezvitendero zvechechi, inopa kururama kusingaenzaniswi mukushandura kwayo, ichiita kuti kunzwisisa Bhaibheri zvikuru kugoneke uko kwainyimwa vakanga vasina kurovedzana nemitauro yekare. Zvisinei, ungashamisika kuti ndiani akaita kuti iyi shanduro inoshamisa ivepo?

5 Vashanduri Vaikudza Mwari: Nepo Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki ingava itsva kuvanhu vanotaura chiShona, yave iripo kubvira muna 1950. Panguva iyeyo yakabudiswa mumutauro wechiNgezi neWatch Tower Bible and Tract Society—Bible Society yomunyika yose yakabvira kare ichibudisa maBhaibheri. Musoro weiyi shanduro itsva—kuchinja kwokusatya kubva pane zvajairwa zvokuparadzanisa Bhaibheri kuva testamende ye“kare” nei“tsva”—waiva imwe bedzi yenzira yayaizoratidza nayo kuva yakasiyana. Nharireyomurindi yechiNgezi yaSeptember 15, 1950, yakati: “Varume vanoumba dare rokushandura vakaratidza chido chavo . . . chokuramba vasingazivikanwi, uye kunyanya havadi kuti mazita avo abudiswe vachiri vapenyu kana kuti vafa. Chinangwa cheshanduro yacho ndechokukudza zita raMwari mupenyu, wechokwadi.”

6 Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro Matsvene yechiNgezi, shanduro ine vhoriyamu imwe yeBhaibheri rose, yakabudiswa muna 1961. Uye kunyange zvazvo mazita evashanduri vacho akaramba asina kubudiswa kusvikira nhasi, hapana mubvunzo nezvevavariro dzavo kana kuti ukuru hwokuzvipira kwavo. Mashoko okutanga eBhaibheri ra1984 akati: “Kushandura Magwaro Matsvene kunoreva kushandurira mune mumwe mutauro pfungwa nemashoko zvaJehovha Mwari . . . Vashanduri veBhaibheri rino vanotya uye vanoda Mwari Akanyora Magwaro Matsvene, vanonzwa vane musengwa chaiwo kwaAri wokuti vapfuudze kufunga kwake nezvaanozivisa zvakarurama sezvinogoneka.”

7 Pasinei zvapo nevavariro dzakanaka, nhengo dzedare racho dzakanga dzichikwanisa kuita basa iri here? Dzimwe nyanzvi dzisingagutsikani dzakapikisa kuti pasina kubudisa mazita avo uye zvinopupurira zvokuti vashanduri vacho vakadzidza zvakadini, shanduro yacho inofanira kungoraswa nokukurumidza sebasa revanhu vasina unyanzvi. Asi hadzisi nyanzvi dzose dzakafunga zvisina musoro zvakadaro. Alan S. Duthie anonyora kuti: “Kana tikaziva kuti vashanduri kana kuti vabudisi veshanduro yeBhaibheri yakati ndivanaani, zvinotibetsera kusarudza kana shanduro yacho yakanaka kana kuti yakaipa here? Kwete zvakananga. Hapana chinotsiva kunzvera zvakaita shanduro imwe neimwe pachayo.”

8 Zviuru zvevaravi zvakaita izvozvo chaizvo. Kusvikira nhasi makopi anokwana 101 100 000 eShanduro yeNyika Itsva yakakwana kana kuti isina mumitauro 34 akadhindwa munyika yose. Varavi vayo vakawanda vakawanei?

9 Shanduro Inotsvenesa Zita raMwari: Pana Mateu 6:9, Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuti: “Baba vedu vari kumatenga, zita renyu ngaritsveneswe.” Nepo mushanduro dzakawanda kwazvo, Mwari munhu asina zita, anongozivikanwa chete nezita rokuremekedza rokuti “Mwari” kana kuti “Ishe.” Zvisinei, izvi hazvisizvo zvazvakanga zvakaita pakutanga. Mwari akaziviswa zviri pachena kanoda kusvika ka7 000 muMagwaro echiHebheru epakuvamba nezita rake pachake rokuti “Jehovha.” (Eksodho 3:15; Pisarema 83:18) Mumakore akatevera kutya mashura kwakaparira vanhu vechiJudha kuti varege kushandisa zita raMwari. Pashure pokufa kwevaapostora vaJesu, aya maonero okutya mashura akakanganisa ungano yechiKristu. (Enzanisa naMabasa 20:29, 30; 1 Timoti 4:1.) Vaikopa zvikamu zveMagwaro echiGiriki vakatanga kutsiva zita raMwari pachake, rokuti Jehovha, neshoko rechiGiriki rokuti Kyʹri·os rinoreva kuti “Ishe” uye The·osʹ rinoreva kuti “Mwari.”

10 Zvinofadza kuti, Shanduro yeNyika Itsva yakatora danho rokusatya rokudzorera zita rokuti Jehovha muMagwaro echiKristu echiGiriki (“Testamende Itsva”), zita iroro richioneka imomo ka237. Uku kudzorera kunoitwa, kwete nokungonzwa kuda kuriisa kwevashanduri vacho, asi nemhaka yoruzivo rwakanaka, rwokungwarira. Somuenzaniso, Ruka 4:18 inotaura mashoko aIsaya 61:1. Mumashoko echiHebheru epakutanga, zita rokuti Jehovha raioneka mundima iyoyo muna Isaya.a Saka, nenzira yakafanira, muShanduro yeNyika Itsva, Ruka 4:18 inoshandurwa kuti: “Mudzimu waJehovha uri pandiri, nokuti akandizodza kuti ndizivise mashoko akanaka kuvarombo.”

11 Shanduro dzakadaro dzinobetserawo varavi kusiyanisa Jehovha Mwari neMwanakomana wake akaberekwa ari mumwe bedzi, Jesu Kristu. Somuenzaniso, shanduro dzakawanda kwazvo dzinoshandura Mateu 22:44 seinoti: “Ishe akati kunaShe wangu.” Asi ndiani ari kutaura, achitaura naani? Chaizvoizvo, iyi ndima mashoko akatorwa paPisarema 110:1, iyo, mumashoko echiHebheru epakutanga, ine zita raMwari. Naizvozvo Shanduro yeNyika Itsva inoshandura iyi ndima kuti: “Jehovha akati kunaShe wangu: ‘Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.’” Kunzwisisa kusiyanisa kunoita Magwaro Jehovha Mwari neMwanakomana wake haisi nhau inoda dzidzo yakakwirira. (Mako 13:32; Johani 8:17, 18; 14:28) Kunokosha kuti munhu apone. Mabasa 2:21 inoti: “Munhu wose anodana pazita raJehovha achaponeswa.”

12 Kururama uye Kunzwisisika: Pane zvinhu zvikuru zvokuwedzera zviri muShanduro yeNyika Itsva. Mashoko akanatsiridzwa kwazvo echiGiriki anopiwa naWestcott naHort akasarudzwa sepokutora mashoko zvakanyanya peshanduro ino. Kuedza kukuru kwazvo kwakaitwa kushandura chiGiriki chepakutanga zvakarurama uye sezvazviri sezvinogoneka nomutauro uri nyore, wamazuva ano. Kuita kudaro hakuna kungochengetedza chete kunaka uye kujeka kwezvakanyorwa zveBhaibheri zvepakutanga asi kwakaitawo kuti pave nokunzwisisa kukuru.

13 Shanduro yeNyika Itsva inoedzawo kupa musiyano wemashoko echiGiriki anoratidza zviito. Mumitauro yakawanda yemazuva ano, mashoko anoratidza zviito anobatanidzwa nerimwe shoko kuti ape pfungwa yenguva yechiito cheshoko racho—kureva kuti, ndechenguva yakapfuura, yazvino, kana kuti yemberi. MuchiGiriki mashoko anoratidza zviito anotaurawo kuti rudzii rwechiito runobatanidzwa—kana chingava chenguva duku, chakapedzwa, kana kuti chinopfuurira. Funga nezvemashoko aJesu ari pana Mateu 6:33. Shoko rinoratidza chiito rechiGiriki rinoreva kuti “tsvaka” rinopa pfungwa yechiito chinopfuurira. Simba rizere remashoko aJesu rinobva rabudiswa mukushandura kwokuti: “Ipapo, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.” Nenzira yakafanana, Mateu 7:7 inoshandurwa kuti: “Rambai muchikumbira, uye muchapiwa; rambai muchitsvaka, uye muchawana; rambai muchigogodza, uye muchazarurirwa.”—Onawo VaRoma 1:32; 6:2; VaGaratiya 5:15.

14 Shanduro yeNyika Itsva inoedza zvikuru kwazvo kuva inobvumirana uye yakafanana mukushandura kwayo mashoko anokosha. Shoko rechiGiriki rokuti psy·kheʹ, somuenzaniso, rinoshandurwa kuti “mweya” pose parinooneka. Somugumisiro, varavi vanogona kukurumidza kuona kuti, kupesana nezvinodzidziswa nezvitendero, mweya hausi chinhu chisingafi. Unogona kuparara, kufa.—Mateu 2:20; Mako 3:4; Ruka 6:9; 17:33.

15 Kuita Kuti Shoko raMwari Riwanike Munyika Yose: Kubudiswa kweMagwaro echiKristu echiGiriki muchiShona anongova mavambo. Gadziriro dzokushandura Bhaibheri rose munguva yakafanira dzakaitwa. Zvisinei, varavi vanogona kuva nechokwadi here, chokuti shanduro yechiShona ichava nokururama uye kubvumirana zvakafanana nezveimwe yayo yechiNgezi?

16 Hungu, zvechokwadi. Izvozvi imhaka yokuti basa rokushandura rakanyatsotarisirwa neWatch Tower Society. Zvakasarudzwa nokuchenjera, kuti kushandura Bhaibheri kwokune imwe nyika kungaitwa zvakanaka kwazvo nokushanda kweboka. Naizvozvo mapoka okushandura Bhaibheri akaitwa munyika dzakati kuti munyika yose. Dhipatimendi Remabasa Okushandura rakaitwa padzimbahwe reWatch Tower Society, muBrooklyn, New York, kuti ritarisire zvinodiwa nemapoka iwayo, kuti ripindure mibvunzo, uye kuti rive nechokwadi chokuti pane kutsinhirana kwemaBhaibheri emitauro yakasiyana-siyana eShanduro yeNyika Itsva. Watch Tower Society yakaitawo chishandiso chinobetsera zvikuru, ichochi igadziriro yekombiyuta inobetsera vashanduri veBhaibheri.

17 Kubudirira kweidzi gadziriro kunogona kuoneka zviri nyore nokungotarira migumisiro yacho. Tinokukurudzira kunzvera Shanduro yeNyika Itsva yeMagwaro echiKristu echiGiriki. Uchafadzwawo nezvinhu chaizvo zvarinazvo: rine twumisoro twuri pamusoro pepeji imwe neimwe, twunokubetsera kuwana ndima dzinonyanyozivikanwa nokukurumidza; mepu dzine zvakawanda; uye mashoko okuwedzera. Chinotokosha kwazvo, unogona kurava Bhaibheri iri nechivimbo chokuti rinopa zvakarurama mashoko chaiwo aMwari nemutauro weupenyu hwezuva nezuva.

[Mashoko Omuzasi]

a Makopi ekare-kare aripo nhasi eSeptuagint ane zita raJehovha—rakaita sezvarakanga rakaita muchiHebheru pakutanga. Izvi zvinotsigira zvakasimba kudzorerwa kwezita rokuti Jehovha muMagwaro echiGiriki.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe