RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/99 p. 2
  • Misangano Yebasa yaApril

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaApril
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na5 April
  • Vhiki Inotanga na12 April
  • Vhiki Inotanga na19 April
  • Vhiki Inotanga na26 April
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 4/99 p. 2

Misangano Yebasa yaApril

Vhiki Inotanga na5 April

Rwiyo 55

10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Hwirudzurai “Tingagovera Bhuku Rinonzi Creator Here?” Kokai vose vanofarira kuti vapinde hurukuro chaiyo yavose musi wa18 April. Hurukuro yacho ine musoro unoti “Ushamwari Hwechokwadi naMwari Nemuvakidzani.”

15 min: “Paridza Mashoko Akanaka Nokudisa.” Sumai nyaya yacho neisingasviki miniti imwe, uye teverai nokukurukurirana kwemibvunzo nemhinduro. Gumisai nokukurudzira kunobva muBhuku rinoTungamirira reChikoro, mapeji 191-2, ndima 12-13.

20 min: “Kushandira Pamwe Kunoita Mitezo Yemhuri Kuti Igoverane Zvakakwana—Muushumiri.” Kukurukurirana kweboka remhuri. Taurai zvikonzero nei mhuri dzichifanira kuona basa romumunda somuitiro wenguva dzose wevhiki nevhiki wavanogoveranawo vose. Hwirudzurai kukurudzira kuri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1993, mapeji 17-19, ndima 9-12. Kumbirai vabereki vari muvateereri kuti varondedzere kuti vakabudirira sei kuronga basa revhiki nevhiki remhuri yavo.

Rwiyo 67 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na12 April

Rwiyo 112

10 min: Zviziviso zveungano uye “Kutsaurirwa kweBazu.” Mushumo weakaunzi.

15 min: Zvinodiwa zveungano.

20 min: “Kupupura Zvakasimba Mugumo Zvaunoswedera Pedyo.” Mibvunzo nemhinduro. Bvunzai muparidzi mumwe kana vaviri avo pane imwe nguva vakanga vasina kumbofungidzira kuti vaizova vachiitawo basa rokuparidza asi zvino vava kuita kudaro nguva dzose nemhaka yokuti vasvika pakuonga kuti kuparadzira shoko roUmambo kunofanira kuitwa nokukurumidza. Chero nguva ichibvumira, batanidzai zvakaitika zvishomanene zvinobva mu1997 Yearbook mapeji 42-8, muchiratidza kuti vaparidzi vakanyanya sei kuita zvavanogona kuti vapupurire nokuenda kune vanhu.

Rwiyo 93 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na19 April

Rwiyo 79

5 min: Zviziviso zveungano.

10 min: “Une Odha Yako Pachako Here?” Hurukuro, ingasarudzwa kuti iitwe nomukuru kana mubatiri anoshumira anotarisira magazini. Itai kuti ungano izive kuti magazini mangani anogamuchirwa mwedzi woga woga neavhareji yeanonzi anenge agoverwa. Hatifaniri kurega kushandisa magazini. Ipai mazano anoratidza kuti makopi ekare angaparadzirwa sei.—Onai Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaJuly 1993, peji 1.

30 min: “Kupayona—Kushandiswa Kwenguva Yedu Nokuchenjera!” Mibvunzo nemhinduro. Rongai kuti vanhu vatatu vakasiyana varondedzere zvakaitika zvinodudzwa mundima 5-7. Gumisai nokukumbira vose vanogona kuti vafunge nezvekukumbira kuita basa roupiyona hwebetsero kana hwenguva dzose. Mafomu anowanika kune mutezo chero upi zvawo weDare Rebasa Reungano. Dudzai kuti hakusi kunyanyononoka kuti vaunze fomu rokukumbira kuita upiyona hwebetsero muna May.

Rwiyo 165 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na26 April

Rwiyo 70

10 min: Zviziviso zveungano. Yeuchidzai vose kuti vaise mishumo yavo yebasa romumunda yaApril. Zivisai mazita evachaita upiyona hwebetsero muna May, uye kurudzirai vamwe kuti vakumbire. Ipai mazano anobatsira okugovera magazini azvino.—Onai Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996, peji 8.

17 min: “Ndinofanira Kuitei?” Mahwirudzura zvishoma nyaya yacho nevateereri, cherekedzai wechiduku ari kutaura nemubereki wake nezvezvaari kurongera ramangwana kana apedza chikoro. Vanohwirudzura vose Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaAugust 1998, peji 2. Mubereki anopa zano maererano nokukurudzira kunopiwa muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1996, peji 14, neyaDecember 1, 1996, mapeji 17-19. Zvino maawa emapiyona zvaakaderedzwa, wechiduku anofunga kana zvingaita kuti apayone paanenge achipedzisa dzidzo yokunyika.

18 min: Bvunzai Mapiyona Ebetsero. Mutariri webasa anobvunza vaparidzi vari kuita upiyona hwebetsero mwedzi uno nevamwewo vakaita kudaro munguva yakapfuura. Vakumbirei kuti varondedzere zvimwe zvikomborero zvavakava nazvo, zvavakapedza, uye kuti nei vachitarisira mberi kuti vazopayonazve unenge mwedzi mumwe kana kuti miviri gore roga roga.

Rwiyo 69 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe