Kupupura Zvakasimba Mugumo Zvaunoswedera Pedyo
1 Nguva yokukohwa inguva yokufara. Inguvawo yokushanda zvakaoma. Panongova nenguva shomanene yokuunganidza zvirimwa. Vashandi havafaniri kuita basa ravo vachinonozeka.
2 Achitaura nenzira yokufananidzira, Jesu akaenzanisa “kuguma kwenyika” nenguva yokukohwa. (Mat. 13:39) Tiri kurarama pamugumo wegadziriro ino yezvinhu, nenguva shoma yasara yokupa uchapupu “munyika dzose.” (Mat. 24:14) Mugumo zvaunoswedera pedyo pedyo, tinofanira kuitawo ushumiri hwacho zvakasimba. Nei? Jesu akatsanangura kuti: “Kucheka kukuru, asi vabati vashoma.”—Mat. 9:37, 38; VaR. 12:11.
3 Riite Nokukurumidza: Jesu paakatanga basa rake rinokosha rokuparidza, akanga achingova nemakore matatu nehafu chete okuti apedze zvaakanga anzi aite. Akaparidza nepfungwa yokukurumidza, achiti: “Ndinofanira kuparidzira mamwe magutawo Evhangeri youshe hwaMwari; nokuti ndizvo zvandakatumirwa.”—Ruka 4:43.
4 Jesu akaisa pfungwa iyoyo yokukurumidza muvadzidzi vake. (Marko 13:32-37) Ndokusaka vasina “kurega kudzidzisa, nokuparidza mazuva ose zvaKristu Jesu, mutemberi kana kudzimba dzavo.” (Mabasa 5:42) Mabasa akanga asinganyanyi kukosha haana kutora nzvimbo yokutanga muupenyu hwavo. Vari vashoma kudaro, vakabudirira kuparidza mashoko akanaka ku“zvisikwa zvose pasi pokudenga.”—VaK. 1:23.
5 Tinotova nechikonzero chikuru chokuti tide kuva nepfungwa iyoyo yokukurumidza zvino, sezvo “kuguma kwezvinhu zvose kwava pedyo.” (1 Pet. 4:7) Jehovha akaronga zuva nenguva yokuguma kwegadziriro yezvinhu iyi. (Mat. 24:36) Basa rokuparidza richapedzwa munguva yasara. Ndokusaka tichiramba tichiwedzera kuita zvatinogona kuti titaurire vanhu vakawanda mashoko akanaka.
6 Kana tikaitawo basa rokupupura zvakasimba mugumo zvawava kuswedera pedyo, tichagutsikana kuti titi kuna Jehovha, sezvakaita Jesu: ‘Tapedza basa ramakatipa kuti tiite.’—Joh. 17:4.