Zviziviso
◼ Mabhuku achagoverwa muna April naMay: Kuzvinyoresa kugamuchira Nharireyomurindi ($120 gore rimwe; $60 mwedzi mitanhatu), neMukai! ($60 gore rimwe). Garai mune bhurocha rinonzi Anodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha. June: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ne$20 (rine butiro repepa: $15). July naAugust: Chero bhurocha ripi zvaro rine mapeji 32 pane anotevera ringagoverwa ne$6: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chinoitika Kwatiri Patinofa?, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here?
◼ Pakushanda ndima isina kugoverwa, vaparidzi vangagovera bhuku rinonzi Zivo kana bhurocha rinonzi Anodei. Mamwe mabhuku angagoverwa kana saimba achitova nemabhuku maviri aya. Vose vanofanira kutakura maturakiti nokuda kwevanenge vasiri pamusha kana vanhu vasingagamuchiri mabhuku. Tinofanira kuita zvatinogona kuti titevere vanenge vafarira, kunyanya kune ndima dzisina kugoverwa dzingashandwa nemapiyona chaiwo kana kuti dzinogona kusvikwa neungano dziri pedyo.
◼ Kutanga muna April, ungano dzinofanira kutanga kuodha mabheji ekokorodzano dzoruwa a1999. Zvibatiso zvemabheji zvepurasitiki zvinofanira kuodherwa chero munhu ari muungano anozvida.
◼ Sosaiti inofanira kuchengeta kero nenhamba dzefoni dzinowirirana nomusi dzevatariri vanotungamirira vose nevanyori. Kana dzikachinja chero nguva ipi zvayo, munyori anofanira kunyora ndokukurumidza kutumira fomu reChinjo Yekero Yomutariri Anotungamirira/Yomunyori (S-29) kuSosaiti.
◼ Vanyori veungano vanofanira kuchengeta mafomu oupiyona anotevera akakwana: Kumbiriso Yebasa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-205), Kumbiriso Yebasa Roupiyona Hwebetsero (S-205b), Chiziviso Chokurega Basa Roupiyona Hwenguva Dzose (S-206). Iwaya angaodwa paFomu Reodha Yamabhuku (S-14). Chengetai anenge egore rimwe. Hwirudzurai fomu rokukumbira upiyona hwenguva dzose kuti muve nechokwadi chokuti rakanyorwa zvakakwana. Kana vanokumbira vasingayeuki musi chaiwo wavakabhabhatidzwa, vanofanira kufungidzira musi wacho vounyora pasi.