Kupayona—Kushandiswa Kwenguva Yedu Nokuchenjera!
1 ‘Ndiri kutoremerwa! Kungava kuchenjerawo here chaizvo kuti nditange kupayona panguva ino?’ Yakafunga kudaro imwe hanzvadzi zvayaiteerera mumwe mukuru aiva piyona achipa hurukuro yepagungano redunhu yaiva nomusoro unoti “Kupfuurira Nokushingaira Muushumiri Hwoupiyona.” Imwe hama duku yaiva yakateererawo yakafunga kuti, ‘Anowana sei mukana wokuti apayone? Ini handisi mukuru, asi upenyu hwangu hwatozadzwa nemabasa!’
2 Mukuru wacho zvaakapfuurira kukurukura zvikomborero zvokupayona, akabvunza mapiyona anoverengeka omudunhu racho ayo akataura nezvekugadziridza kwaakanga aita kuitira kuti apayone uye kuti Jehovha akakomborera sei kuita kwawo zvaaigona. Mumwe akanga akaremara, mumwe akanga akaroorana neasingatendi, uye mumwe akanga arega basa rokunyika asi akanga achikwanisa kurarama nemari yaaiwana. Vachinzwa kuti mapiyona aya akanga achibudirira sei achibatsirwa naJehovha, hama yacho nehanzvadzi yacho vaiva vakateerera vakatanga kuongororazve mafungire avo nemamiriro ezvinhu. Tinokukumbira kuti uitewo kudaro, kunyanya maawa emapiyona akaderedzwa zvaava kugona kusvitswa nevaparidzi vakawanda vemashoko akanaka.
3 Tinoziva kuti Jehovha ndiye Musiki uye Changamire weChisiko Chose uye kuti ndiye anotipa upenyu hwedu. (Dhan. 4:17; Mabasa 17:28) Zviri pachena kwatiri kuti Jehovha ari kushandisa sangano rimwe chete. Takaropafadzwa kushanda naro, tichitsigira “muranda wakatendeka, wakangwara” pakupa uchapupu hwoUmambo mugumo usati wasvika. (Mat. 24:45; 25:40; 1 Pet. 2:9) Zvatava kurarama mukati-kati me“mazuva okupedzisira,” tinoona kuti nguva yatinofanira kuparidza yava kupera. (2 Tim. 3:1) Panguva ino, tinofanira kutsigira mhuri dzedu nezvinhu zvokunyama. (1 Tim. 5:8) Mari inowanikwa nomunhu hairatidziki seicharingana sezvayaiita kare. Zvimwe utano hwedu hausisina kuita sezvahwakanga hwakaita. Uye kutaura chokwadi chaicho, tinoda kuva nenguva shoma nezvinhu zvokuti tishandise isu. (Mup. 3:12, 13) Saka tinganetseka kana kubvuma chikumbiro chokupayona kuri kuchenjera chaizvoizvo.
4 Zviri kwatiri somunhu oga kuti tiongorore mamiriro ezvinhu edu pachedu nokuchenjera uye kusarudza kana tichigona kupayona. (VaR. 14:12; VaG. 6:5) Zvinokurudzira kuti ticherekedze nhamba dzevanhu vari kubvuma chikumbiro chokupayona dziri kuwedzera. Pasinei zvapo nokudzvinyirira nematambudziko zvemazuva aya okupedzisira, mushumo webasa wakabudiswa mu1999 Yearbook yeZvapupu zvaJehovha unoratidza kuti vanhu vaJehovha vanoda kusvika 700 000 munyika yose vari kupfuurira nokushingaira muushumiri hwokupayona. Nyange dzichishanda munguva yakaoma mune zvemari, dzisina zvokufambisa, dzichitambudzika noutano, kana kuti dzichiva nezvimwe zvinetso nematambudziko, hama nehanzvadzi idzi hadzisi kuneta kuita zvakanaka, uye izvi zvinorumbidzwa. (VaG. 6:9) Vakagamuchira chikumbiro chaJehovha chokuti vamuedze.—Mar. 3:10.
5 Mapiyona Ari Kukomborerwa: Imwe hanzvadzi iri muCameroon ine mwanasikana muduku chaizvo inotsanangura kuti: “Kubva paakaberekwa mwanasikana wangu aindiperekedza muushumiri nguva dzose. Nyange paakanga asati adzidza kufamba, ndaimubereka kumusana kwangu, akasungwa zvakasimba nembereko. Mamwe mangwanani ndiri muushumiri, ndakamira pakamusika kaiva parutivi pomugwagwa. Mwana wangu akabva parutivi pangu, akaenda nemagazini anoverengeka aakatora mubhegi mangu. Akadhanaira achienda pane kamusika kaiva pamberi pacho. Nyange zvazvo aisagona kutaura zvakawanda, akaita kuti mumwe mukadzi amuone ndokumupa magazini. Mukadzi wacho akangoshamiswa kuona mwana muduku akadaro achiitawo basa iri. Akagamuchira magazini yacho nokudisa pamwewo nefundo yeBhaibheri yapamusha!”
6 Achiita maererano nechikumbiro chokuti pawanikwe mapiyona ebetsero akawanda, mumwe mukuru uye musoro wemba muZambia anoshanda basa rokunyika renguva yakazara akafunga kuti aite upiyona hwebetsero pasinei zvapo nepurogiramu yake yakabatikana. Aida kuratidza ungano uye mhuri yake muenzaniso. Dzimwe nguva, aimisa motokari yake parutivi pomugwagwa oridza kaseti inonzi Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri okoka vanhu vaipfuura kuti vauye ndokuteerera zvakanga zvichiraviwa zvinonzwika. Nenzira iyoyo, akakwanisa kugovera mabhuku anonzi Mufarwa Wemhuri 16 nemabhuku anonzi Zivo 13, uye akatanga fundo dzeBhaibheri mbiri.
7 Chido chakaisvonaka chokupayona chakacherekedzwawo munyika ino yeZimbabwe. Muna April 1998, imwe ungano yaiva nevaparidzi 117 yakashuma mapiyona ebetsero 70 ne9 enguva dzose. Imwe ungano yaiva nevaparidzi 94 yakanga ine mapiyona ebetsero 58 akashuma. Imwezve, yaiva nevaparidzi 126, yakashuma kuti 58 vakafunga kuti vaite upiyona hwebetsero pamwe nemapiyona enguva dzose 4. Gore rebasa rapera rakava rakasiyana namamwe ose muZimbabwe. Nyange zvazvo hama muno dzakanga dzakabatikana zvikuru nenhau dzemhuri, mabasa eungano, uye kuvakwa kwebazu, dzakanyanyofunga nezvekushandisa nguva yadzo nokuchenjera muushumiri.
8 Mapiyona anoziva kuti kutanga basa rokupayona nokuramba ari mariri hakutsamiri pasimba rawo pachawo. Ndiwo anotanga kubvuma kuti chero chaanoita chinoita nemhaka yokuti ano“vimba nesimba rinogoverwa naMwari.” (1 Pet. 4:11, NW) Kutenda kwawo kunoaita kuti akwanise kuita ushumiri hwawo zuva nezuva. Panzvimbo pokutsvaka zvakaanakira iwo, mapiyona anobudirira anoziva kuti kuti apfuurire nokushingaira, “kutamburira kwazvo” kungadiwa, asi anozoguma nokuwana zvikomborero zvakawanda.—1 VaT. 2:2, NW.
9 Muenzaniso waPauro Unoda Kutevedzerwa: Bhaibheri rine zvakapedzwa naPauro muushumiri uye kubetsera kwakanaka kwaakaita vanhu vakawanda zvikuru. Asi, kana pane munhu airemerwa, ndiPauro. Akatsungirira kutambudzwa uye matambudziko enyama kuti aparidze mashoko akanaka nokusimbisa ungano. Aifanirawo kutsungirira dambudziko guru routano. (2 VaK. 11:21-29; 12:7-10) Akanga akatsunga kuti ashandise nguva yake nokuchenjera. Akabvuma kuti akaita basa rake rose achibatsirwa naJehovha. (VaF. 4:13) Hapana nomumwe wevakabatsirwa naPauro aizova nechikonzero chokutaura kuti nguva yake nezvaakaita mubasa raJehovha zvakapambadzwa kana kuti zvingadai zvakashandiswa zviri nani. Chokwadi, tichiri kungobatsirwa nokushandisa nguva nokuchenjera kwaPauro!
10 Zvino kupfuura nakare kose, ‘nguva yasara yokuti tiparidze mashoko akanaka ipfupi.’ (1 VaK. 7:29; Mat. 24:14) Saka, zvakafanira kuti tizvibvunze kuti, ‘Kudai upenyu hwangu hwaizoerekana hwaguma mangwana, ndingagona kuudza Jehovha nhasi kuti ndakashandisa nguva yangu nokuchenjera here?’ (Jak. 4:14) Wadii kunyengetera kuna Jehovha zvino, uchimuvimbisa kuti une chishuvo chokushandisa nguva yako nokuchenjera sechimwe Chapupu chake? (Pis. 90:12) Nyengetera kuti Jehovha akubatsire kupfavisa upenyu hwako. Nyange zvazvo wakanga wafunga kuti hauzvigoni, ungadaro wava kuona kuti kupayona kungapinzwa muupenyu hwako here?
11 Shandisa Zvakanakisisa Mamiriro Ako Ezvinhu: Zvinonzwisisika kuti, nemhaka yemamiriro ezvinhu havasi vose vanoshuva kuti vadaro vanogona kuronga maawa 70 pamwedzi kuti vashande semapiyona enguva dzose. Zvisinei, vaparidzi vakawanda vanoronga kuti vashandise maawa 50 pamwedzi muushumiri semapiyona ebetsero kakawanda sekanobvira kana kuti kuramba vachidaro. Kana mamiriro ako ezvinhu ari aya okuti pari zvino haugoni kuita upiyona hwebetsero kana hwenguva dzose, usaore mwoyo. Ramba uchinyengetera kuti mamiriro ezvinhu ako achinje. Panguva ino, kana zvisiri kuita kuti ugadziridze zvinhu, nyaradzwa nokuziva kuti Jehovha anofadzwa zvikuru nezvose zvaunokwanisa kuita nomwoyo wose mubasa rake. (Mat. 13:23) Anocherekedza kuti wakamira zvakasimba parutivi rwake uye kuti uri kurwa zvakasimba kuti uve muparidzi akatendeka asingambobvumiri mwedzi kupfuura asina kumbowana mikana yokupa uchapupu. Zvimwe ungaenderera mberi nokuvandudza unyanzvi hwako hwokuparidza, kushanda kuti uwedzere somuparidzi nomudzidzisi wemashoko akanaka.—1 Tim. 4:16.
12 “Zuva guru raJehovha rinotyisa” zvarava pedyo kudai, tinofanira kushandisa nguva yasara nokuchenjera kana tichizopedza basa ratakanzi tiite. (Joe. 2:31) Satani anoziva kuti nguva yake ipfupi, uye ari kuedza kupfuura zvaati amboita kuti aomese upenyu hwedu ndokuita kuti zvitiomere kuti tifungisise nezvezvinhu zvinokosha zvechokwadi. (VaF. 1:10; Zvak. 12:12) Usamborerutse kukufarira kunoita Mwari. Jehovha anogona kukubatsira kuita kuti upenyu hwako huve nyore ndokuita zvaunogona muushumiri. (Pis. 145:16) Zvinofadza kuti, pakuongororazve mamiriro avo ezvinhu, vakawanda vari kuona kuti vanogona kubatanawo nemapiyona ebetsero kana enguva dzose. Chokwadi, mapiyona anogutsikana zvikuru nokushandisa nguva yawo nokuchenjera. Uchava mumwe wawo here?