Kutsaurirwa kweBazu
Pamisi ya12 na13 December pakava nechiitiko chakanga chisati chamboitika kuvanhu vaJehovha vari muZimbabwe. Zvivako zvebazu idzva zviri kunze kweHarare, zvakatsaurirwa kuna Jehovha. Pakanga pane vanhu 2 139 vakapinda purogiramu yokutsaurira musi weMugovera, 12 December. Hama dzinobva kune anenge matunhu ose omuZimbabwe dzaivapo. Uyezve, pakanga pane vaenzi 150 vokudzimwe nyika, kubatanidza Britain, Germany, Korea, Malawi, South Africa, United States, uye Zambia. Musi weSvondo, 13 December, vanhu 13 838 vakapinda purogiramu yakasiyana nedzimwe yakaitirwa kuRufaro Stadium. Hama Gerrit Lösch veDare Rinodzora vakapa hurukuro yokutsaurira.
Kutsaurirwa kwezvivako izvi zvakaisvonaka ngakushande sechimwe chinotikurudzira ku‘va nezvakawanda zvokuita mubasa raShe’ zvatinorumbidza Jehovha nokuda kwezvikomborero zvaakapa vanhu vake.—1 VaK. 15:58; Pis. 145:3.