Misangano Yebasa yaJanuary
Vhiki Inotanga na4 January
10 min: Zviziviso zveungano. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Kana nguva dzemisangano dzakachinja musi wa1 January, yeuchidzai vose kushandisa mahendibhiri anoratidza purogiramu itsva.
15 min: “Shandisai Mabhuku Ekare Zvakanaka.” Mibvunzo nemhinduro. Dudzai mabhuku ekare ari mudura reungano yenyu. Dudzai zvimwe zvinhu zvaanazvo zvinofadza, uye tsanangurai kuti angaratidzwa vamwe sei. Kurudzirai vose kugovera mabhuku aya mubasa romumunda uye pakupupura zvisina kurongwa muna January. Batanidzai muenzaniso wemharidzo pfupi, yakapfava.
20 min: Kusarudza Zviri Pamutemo Kurapwa Pasina Ropa (Mabasa 15:28, 29). Hurukuro inotaurwa nemukuru anokwanisa, inobva mutsamba dzeSosaiti dzemusi wa1 January 1991 uye 15 November 1998. Kadhi reAdvance Medical Directive/Release: Pashure pemusangano uyu, Zvapupu zvakabhabhatidzwa zvichapiwa kadhi idzva, uye avo vane vana vasina kubhabhatidzwa vachawana Identity Card remwana oga oga. Makadhi haazadziswi manheru ano. Anofanirwa kuzadziswa zvakanaka kumba asi KWETE kusaina. Kusaina, kupupurira, uye kuisa musi pamakadhi ose zvichaitwa pashure peFundo Yebhuku Yeungano inotevera, muitisi wefundo yebhuku achitarisira. Musati masaina, ivai nechokwadi chokuti makadhi azadziswa mose zvamo munofanira kunyorwa. Avo vari kusaina seZvapupu vanofanira kuona muridzi wekadhi achisaina gwaro racho. Vachiita kuti mutauro uri pakadhi iri uwirirane nemamiriro avo ezvinhu nezvavanodavira, vaparidzi vasina kubhabhatidzwa vanganyora gwaro ravo rokushandisa ivo nevana vavo. Vaitisi vefundo dzebhuku vanofanira kugadzira pepa rokunzveresa kuti vave nechokwadi chokuti vose vari muboka ravo vabatsirwa pavasingazivi kuti vazadzise kadhi reAdvance Medical Directive/Release. Kuti rinyatsodzivirira zvakanakisisa zviri pamutemo, gwaro iri rinofanira kuzadziswa nokugarwa naro nguva dzose.
Rwiyo 61 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na11 January
15 min: Zviziviso zveungano. Mushumo weakaunzi. Uyewo, “Takapfuura Pa27 000!”
15 min: “Chisarudzo Chedu—Kutevera Nzira yaMwari Youpenyu.” Hurukuro. Batanidzai kukurudzira vose kupinda misangano mishanu yevhiki yeungano nguva dzose.
15 min: “Shivirirai.” Kukurukurirana kwemitezo yemhuri. Vanohwirudzura nzira dzavanogona kuratidza nadzo kushivirira kwazvo muushumiri hwavo. Batanidzai tsinhiro dzakakodzera dziri muNharireyomurindi yaJune 15, 1995, peji 12.
Rwiyo 135 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na18 January
5 min: Zviziviso zveungano.
10 min: Zvinodiwa zvemuungano.
15 min: “Vatariri Vanopa Nhungamiro—Vaitisi veFundo Yebhuku Yeungano.” Hurukuro inopiwa nemuitisi wefundo yebhuku ane muenzaniso wakanaka, uyo anohwirudzura mabasa ake. Anoratidza kuti basa rakadaro rinobatsira sei kufambira mberi neumudzimu hwakanaka hweungano. Batanidzai tsinhiro dzinokosha dzinobva muna Takarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu, mapeji 43-5, 74-6.
15 min: “Kutanga Fundo Mubhurocha raAnodei.” Kukurukura nemibvunzo nemhinduro.
Rwiyo 197 nemunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga na25 January
10 min: Zviziviso zveungano.
15 min: “Kuchinjwa Kwemaawa Anodiwa Kumapiyona.” Hurukuro inoitwa nomukuru. Rumbidzai mapiyona ari muungano, uye kurudzirai vaparidzi vakawanda kutanga basa roupiyona hwebetsero nehwenguva dzose, pachifungwa nezvebasa rokuwedzera muna March, April, naMay. Batanidzai mashoko emuwedzero dzaFebruary 1997 naAugust 1998 dzeUshumiri Hwedu hwoUmambo.
20 min: Uri Kunzvera Magwaro Zuva Nezuva Here? Hurukuro uye kukurukura nevateereri. Gore roga roga Sosaiti inopa kabhuku kanonzi Kunzvera Magwaro. Iwe pachako kana kuti seboka remhuri munoshandisa zvakanaka bhuku iri here? Tsanangurai zvikonzero zvinobatsira nei tichifanira kunzvera rugwaro rwezuva roga roga. Kurukurai tsinhiro dzinobva pasumo yaKunzvera Magwaro Zuva Nezuva—1999, mapeji 3-4. Kumbirai vaparidzi kutsanangura nhamburiko dzavo dzinopfuura dzavanochiita dzokurangarira rugwaro rwezuva nezuva netsinhiro nokutendeka ivo pachavo uye semhuri.
Rwiyo 225 nemunyengetero wokugumisa.