RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/99 p. 1
  • “Shivirirai”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Shivirirai”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Tinofanira Kuita Ushumiri Hwedu—Tichishivirira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2011
  • Ramba Uine Mwoyo Murefu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Dzidza Pakushivirira kwaJehovha naJesu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Unogona Kushandisa Shiviriro Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1994
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 1/99 p. 1

“Shivirirai”

1 Sezvatinoona kuguma kwegadziriro yezvinhu yekare yaSatani kuchiramba kuchiswedera, zvinokosha kuti ti“shivirir[e]” patinenge tichimirira zuva raJehovha rokusunungura. Kunyanya paawa ino yokupedzisira, mauto akaipa omuvengi akatsunga kubvisa pfungwa dzedu panhau inokoshesesa youchangamire hwaJehovha nokutiedza kuti titsauswe nezvimwe zvinhu zvakawanda zvatinofarira. Munzira iyi, Satani angatinyengedza kurega kana kuti kunonozeka mubasa rokuparidza Umambo. (Jak. 5:7, 8, NW; Mat. 24:13, 14) Tinogona kuratidza kushivirira kwakadaro kunodiwa munzira dzipi?

2 Nokuzvidzora: Patinosangana nevanhu vasina basa nezvatinotaura kana kuti vanotishora muushumiri hwedu, kuzvidzora kuchatibatsira kutsungirira pakuparidza. Hatizotyisidzirwi kana kuti kugumburwa nyore kana vanhu vatinosangana navo vakanyanduka kana kusava nomutsa. (1 Pet. 2:23) Simba iri romukati rinogona kutidzivisa kutaura zvakaipa pamusoro pevanhu vari mundima yedu vanoratidza kusava nehanya nebasa redu kana kuti kurivenga, tichiziva kuti kutaura kwakadaro kwaizotiodza mwoyo neavo vanoshanda nesu muushumiri.

3 Nokuramba Uchishivirira: Zvinogona kunetesa kushivirira kwedu patinotadza kuonazve munhu anofarira ari pamba, tambokurukura zvakanaka naye mubasa romumunda. Zvakafananawo kana vatinofunda navo vachinonoka kufambira mberi kana kuti kuita chisarudzo nokuda kwechokwadi. Zvisinei, kuramba uchishivirira kazhinji kunowanzowana migumisiro yakanaka semubayiro. (VaG. 6:9) Imwe hanzvadzi yakaramba ichidzokerera imwe mhandara fundo yeBhaibheri chaiyo isati yatangwa. Pashanyo shanu dzokutanga, mhandara yacho yakanga yakabatikana nezvimwe zvinhu. Pakuedza kwechitanhatu, hanzvadzi yacho yakachakwatiswa nemvura yainaya, asi yakawana pamba pasina munhu. Zvisinei, yatsunga kupa mhandara yacho mumwe mukana wokupedzisira, hanzvadzi yacho yakashanyazve uye yakawana mhandara yava kuda kufunda. Pashure paizvozvo, mudzidzi akafambira mberi zvakanaka uye munguva pfupi akazvitsaurira kuna Jehovha.

4 Tinoziva kuti zuva raJehovha harizononoki. Naizvozvo tinomirira kugadzirisa kwake zvinhu, tichiziva kuti kushivirira kwokutya Mwari kuchabudisa zvibereko zvakanaka. (Hab. 2:3; 2 Pet. 3:9-15) Tinofanira kushivirira sezvinoita Jehovha uye torega kuneta muushumiri. “Nokutenda nokushivirira,” vimba naJehovha kuti akupe mubayiro wekushanda kwako nesimba.—VaH. 6:10-12, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe