Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa muna January: Chero ripi remabhuku akadudzwa mutsamba yeSosaiti yemusi wa19 October 1998 achagoverwa pamutengo wakaderedzwa. Tapota tarisai mabhuku acho nemitengo yawo mutsamba iyi. February: Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri ne$13,00 (rine butiro repepa: $10,00). March: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi ne$13,00 (rine butiro repepa: $10,00). Nhamburiko inopfuura inowanzoitwa ichaitwa kuti titange fundo dzeBhaibheri dzepamusha. April: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi neMukai! Garai mune bhurocha raAnodei kuitira vanhu vanofarira, uye edzai kutanga fundo dzeBhaibheri dzepamusha.
◼ Vaparidzi vose vakabhabhatidzwa vanenge varipo paMusangano Webasa vhiki ya4 January vachapiwa kadhi reAdvance Medical Directive/Release neIdentity Card revana vavo.
◼ Kutanga muna February, uye pasiri pashure pa1 March, musoro mutsva wehurukuro yavose yemutariri wedunhu uchava “Mwari Munhu Chaiyeiye Zvakadini Kwauri?”
◼ Ungano dzinofanira kugadzirira kuchengeta Chirangaridzo gore rino musi weChina, 1 April, kana zuva ranyura. Kunyange zvazvo hurukuro yacho ingakurumidza kutanga, kupfuudzwa kwezviratidzo zveChirangaridzo hakufaniri kutanga kusvikira zuva ranyura. Bvunzai vomunzvimbomo kuti zuva rinonyura nguvai munharaunda yenyu. Kunyange zvazvo zvingadiwa kuti ungano yoga yoga ive nokuchengeta Chirangaridzo kwayo yoga, izvi zvingasaita nguva dzose. Apo ungano dzakawanda dzinowanzoshandisa Horo yoUmambo imwe chete, zvichida ungano imwe kana dzinopfuura dzinogona kushandisa imwe nzvimbo manheru iwayo. Pazvinenge zvichiita, tingapa zano rokuti musiyanise mapurogiramu nemaminiti asiri pasi pe40 kuti pave nenguva yokukwazisa vashanyi, kukurudzira vachangobva kufarira, uye kubatsirwa zvakazara nenguva yacho. Panofanira kufungwawo nezvemotokari nezvinetso zvepekudzimisa, kubatanidza kuburutswa nokutakurwa kwevanhu. Dare revakuru rinofanira kuronga kuti ndezvipi zvingava zvakanakisisa munzvimbomo.
◼ Hurukuro chaiyo yemwaka weChirangaridzo cha1999 ichapiwa musi weSvondo 18 April. Musoro wehurukuro yacho uchava wokuti “Ushamwari Hwechokwadi naMwari Nomuvakidzani.” Muchapiwa ndaza. Ungano dzichange dzichishanyirwa nemutaririri wedunhu, dzichave negungano redunhu, kana kuti gungano rezuva chairo kupera kwevhiki iyoyo dzichava nehurukuro chaiyo vhiki inotevera yacho. Hapana ungano dzinofanira kuva nehurukuro chaiyo 18 April 1999 asati asvika.
◼ Ungano dzinofanira kutanga kuodha mabhaundi vhoriyamu eNharireyomurindi neMukai! a1998 neodha dzadzo dzemabhuku dzaJanuary. Mabhaundi vhoriyamu acho achawanika muchiNgezi. Kutozosvikira mabhaundi vhoriyamu acho avapo uye atumirwa, achaoneka se“Akamirirwa” pamainivhoisi eungano. Mabhaundi vhoriyamu zvinhu zveodha chaiyo.
◼ Munyori: Tinokukurudzirai kuodha mafomu eKumbiriso Yebasa Roupiyona Hwebetsero (S-205b) zvino nokuda kwenguva yeChirangaridzo. Munguva yakapfuura, ungano dzakawanda dzakanga dzisina mafomu akakwana okupa vaida kunyoresa semapiyona ebetsero munguva iyi.
◼ Kururamisa: PaPurogiramu yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ya1999, tapota gadzirisai sezvinotevera nokuda kwa12 April: Chinjai hurukuro yokutanga kuti ive: Nha. 1: Mhuri—Inodikanwa Navanhu! (w98-CA 4/1 mapeji 6-8.)