RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/99 p. 4
  • Takapfuura Pa27 000!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Takapfuura Pa27 000!
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Muzivisi woUmambo Wenguva Dzose Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2000
  • Mashoko Oushe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Mwedzi waAugust Uchava Mwedzi Wakanakisisa Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko oUshe
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 1/99 p. 4

Takapfuura Pa27 000!

Gore Rebasa Rinoguma Nenhamba Itsva Yepamusoro Yevaparidzi 28 063 Vanoshuma

“27 000!” kwaiva kukumbira kwaiva muUshumiri Hwedu hwoUmambo muna July. Vaparidzi vane 28 063 vanoshuma vakapindura kukumbira ikoko. Uku kuwedzera ne1 023 kupfuura nhamba yepamusoro yakapedzisira muna May 1998. Tinonyengeterera kuti Jehovha arambe achikomborera kuedza kwedu kuzivisa Umambo hwake.

Vakuru, vabatiri vanoshumira, uye vaparidzi vose vanokurudzirwa zvakafanana kufunga nezvekuedza kwakabatanidzwa pakusvika nharidzano iyi. Vaparidzi vanopfuura 28 000 tinotova navo kare muungano. Uye kune vamwe vachauya mwedzi woga woga sezvatinopfuurira kuita ushumiri hunobudirira. Zvisinei, kurongwa kwakanaka kweushumiri hwomumunda, pamwe chete nekubatsira nomutsa somunhu oga oga pazvinenge zvichidiwa, zvinokosha kuti pave nokumwe kuenderera mberi. Tinotarisira kuti Jehovha achatipa chikomborero chake chinokosha zvikurusa kuti kukura kurambe kuchiitika.—1 VaK. 3:7.

Kana vakuru nevabatiri vanoshumira—kunyanya avo vari vaitisi veFundo Dzebhuku Dzeungano—pamwe nevamwe vaparidzi vakuru mumudzimu nemapiyona vakaramba vachiedza kupfuura zvavanochiita sezvavakaita muna August, chikomborero chakapfuma chaJehovha chokwadi chichaonekwa mukuwedzera kwevaparidzi kucharamba kuchiitika. Dzimwe nguva chinenge chichingodiwa chete kuyeuchidzwa nomutsa kuti tibatanidzwe mubasa rokuparidza uye zvichida kwava kuyeuchidzwazve kuisa mushumo wacho. Zvikarakadzo zvakarongwa munyaya yewedzero yaNovember 1998, “Budirira Muushumiri Hwako,” zvinofanira kutibatsira kuvandudza mubasa redu nokuwedzera mufaro wedu sezvatinoona migumisiro yakanaka yekuedza kwedu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe