RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 1/99 p. 5
  • Kuchinjwa Kwemaawa Anodiwa Kumapiyona

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuchinjwa Kwemaawa Anodiwa Kumapiyona
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Chiyeuchidzo choMunyori noMutariri Webasa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Ari Kudikanwa—Mapiyona Ebetsero 4 000
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mikana Yakawedzerwa Yokurumbidza Jehovha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
  • Kupayona—Kushandiswa Kwenguva Yedu Nokuchenjera!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1999
km 1/99 p. 5

Kuchinjwa Kwemaawa Anodiwa Kumapiyona

1 Tose zvedu tinoonga kuva nemapiyona enguva dzose neebetsero anoshanda nesimba muungano. Kunyange kune ndima duku uye inonyatsoshandwa nguva dzose, mapiyona akapa muenzaniso wakanaka nebasa rawo roUmambo rokushingaira. Vakakurudzira vaparidzi vose kuramba vakabatikana mukutsvaka ‘vanoda.’—Mabasa 13:48, NW.

2 Sosaiti yakaona zvinetso zviri kuwedzera zvinosangana nemapiyona, kunyanya panhau yokuwana basa renguva isina kuzara richavabvumidza kutarisira zvakakwana zvinhu zvavo zvavanoda kuti varambe vari mubasa renguva yakazara. Mamirire ezvinhu emari panguva ino munyika dzakawanda akaitawo kuti zvirambe zvichiomera vamwe kupinda mubasa reupiyona, kunyange zvazvo chiri chishuvo chavo chemwoyo wose. Mumwedzi mishomanene yapfuura, izvi pamwe nezvimwewo zvinhu zvakanyatsofungwa nezvazvo.

3 Nokudaro, zviri pamusoro apa zvichirangarirwa, Sosaiti yaderedza maawa anodiwa kumapiyona enguva dzose nemapiyona ebetsero. Kutanga negore ra1999, maawa anodiwa kuna piyona wenguva dzose achava 70 pamwedzi, kana kuti pamwe chete 840 pagore. Maawa anodiwa pamwedzi kumapiyona ebetsero achava 50. Maawa anodiwa kumapiyona chaiwo nevafundisi haana kuchinja, sezvo vachibatsirwa neSosaiti kutarisira zvinhu zvinokosha zvekunyama zvavanoda. Nokudaro, vanogona kuisa pfungwa dzavo dzose zviri nani pabasa ravo rokuparidza nokuita vadzidzi.

4 Zvinotarisirwa kuti kuchinjwa uku kwemaawa anodiwa kuchabatsira mapiyona akawanda kuramba akabatisisa ropafadzo iyi inokosha yebasa. Kunofanirawo kuita kuti vamwe vaparidzi vakawanda vaite upiyona hwenguva dzose nehwebetsero. Chinofanira kuva chikomborero chakadini kumunhu wose ari muungano!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe