Vatariri Vanopa Nhungamiro—Mutariri weChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
1 Mutariri weChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari munhu mukuru mumudzimu anoshanda zvakaoma mukutaura nokudzidzisa uye akakodzera kuremekedzwa nesu nekubatira pamwe. (1 Tim. 5:17) Mabasa ake ndeapi?
2 Raibhurari yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari iri paHoro yoUmambo inotarisirwa naye. Anodisisa kwazvo kukurudzira vose vanogona kunyoresa muchikoro chacho. Anova nechokwadi chokuchengeta mashoko akarurama kuitira kuti hurukuro dzigoverwe nenzira yakarongeka anenge mavhiki matatu chikamu choga choga chechikoro chisati chaitwa. Anofanira kunyatsoziva ungano, achiziva mudzidzi oga oga nemano ake. Kunyange zvazvo angabatsirwa neimwe hama kugadzirira purogiramu yechikoro, kupa vanhu hurukuro kuchaitwa nemutariri pachake.
3 Kuti adzidzise chikoro nokubudirira, mutariri anofanira kugadzirira nemazvo vhiki roga roga, achinyatsofunda hurukuro dzichaitwa. Izvi zvichamubatsira kuita kuti ungano irambe ichinakidzwa nechirongwa chacho, kuona kana hurukuro dziri kutaurwa zvakarurama, uye kusimbisa mifungo inokosha ichabatanidzwa muhwirudzuro dzokunyora.
4 Achifamba nehurukuro yemudzidzi oga oga, muitisi acharumbidza mudzidzi ndokutsanangura kuti nei mamwe mataurire ake anga akanaka kana kuti nei achida kuvandudzwa. Kana mumwe munhuwo zvake achida kubatsirwa kugadzirira hurukuro dzake dzechikoro, mutariri kana kuti mumwe munhu waanotuma anogona kubatsira.
5 Kuti tibatsirwe zvakakwana nebasa rakaoma remutariri weChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari uye nevamwewo vanopa zano vanoshanda naye, tinofanira kupinda chikoro chacho nguva dzose. Tinofanirawo kutaura hurukuro dzedu dzose nokushandisa zano ratinopiwa pamwe chete nerinopiwa vamwe vadzidzi. Kana tikadaro, zvishoma nezvishoma tichavandudza mano edu okutaura shoko roUmambo pachena nepadzimba dzose.— Mabasa 20:20; 1 Tim. 4:13, 15.