RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 12/98 p. 1
  • Tinofanira Kuramba Tichishanya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tinofanira Kuramba Tichishanya
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Rambai Muchiparidzira Umambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Tashanda Ndima Yedu Kakawanda!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Nei Tichiramba Tichidzokera?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Usaneta Mukuita Zvakaisvonaka
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 12/98 p. 1

Tinofanira Kuramba Tichishanya

1 Wakabvuma panguva yokutanga apo mumwe munhu akataura newe pamusoro pemashoko akanaka here? Kana usina, unofanira kuonga kuti Zvapupu zvaJehovha zvakaramba zvichishanya kusvikira wazobvuma fundo yeBhaibheri. Zvakanaka kufunga izvozvo paunoshanda washandazve ndima yako yawakapiwa.

2 Upenyu hwevanhu huri kuramba huchichinja. Vanowana zvinetso zvitsva kana kuti mamiriro ezvinhu, vanonzwa zviitiko zvinokangaidza munharaunda kana kuti munyika, nhau dzemari dzinovadzorera shure, kana kuti vanorwarirwa kana kufirwa mumhuri. Zvinhu zvakadaro zvingavaita kuti vade kuziva chinosakisa nhamo idzi. Tinofanira kunzwisisa zvinhu zvinoodza mwoyo yevanhu uye tovapa shoko rinonyaradza.

3 Iri Ibasa Rokununura: Funga nezvevashandi vokununura vari paitikira njodzi. Kunyange zvazvo vamwe vangave vachitsvaga munzvimbo iri kuwanika vashoma vapukunyuka, havanonozeke ndokurega nemhaka yokuti vamwe vavari kushanda navo vari kuwana vapukunyuka vakawanda kumwe. Basa redu rokununura harisati ramiswa. Gore roga roga, mazana ezviuru anoda kupukunyuka “dambudziko guru” ari kuwanika.—Zvak. 7:9, 14, NW.

4 “Nokuti ani nani unodana kuzita raShe, uchaponeswa.” (VaR. 10:13-15) Mashoko aya anofanira kuita kuti mumwe nemumwe wedu aone kuti kuramba uchiparidza kunodiwa. Kubvira panguva yakatanga kushandwa ndima yedu ichipera, vana vakura uye vakura zvakakwana zvokukwanisa kunyatsozvifungirawo vega nezvenguva yavo yemberi nechinangwa choupenyu. Hatina mazivire atingaita kuti ndiani achapedzisira ateerera. (Mup. 11:6) Vakawanda vaimbova vashori vakagamuchira chokwadi. Basa redu harisi rokutonga vanhu, asi kuramba tichivapa mukana wokunzwa nowokuponeswa munyika ino yekare. Sezvakaita vadzidzi vokutanga vaJesu, tinofanira “kuramba [ti]chienda” kuvanhu uye tichiedza kunyandura kufarira kwavo shoko roUmambo.—Mat. 10:6, 7, NW.

5 Chokwadi chokuti mukana uchiripo wokuti tiparidze kuratidzwa kwengoni dzaJehovha. (2 Pet. 3:9) Sezvatinoita kuti vamwe varambe vachinzwa shoko racho, tinoratidza rudo rwaMwari, uye munzira iyi tinomurumbidza.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe