RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • be pp. 282-285
  • Mirayiridzo Yevatariri Vechikoro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mirayiridzo Yevatariri Vechikoro
  • Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Mashoko Akafanana
  • Chikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari Chinounza Betsero
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • Chikoro chaMwari Choushumiri cha2015 Chinotibatsira Kuvandudza Madzidzisiro Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
  • Chikoro Chinotishongedzera Zvinhu Zvinokosha Zvikuru
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mirayiridzo Yemusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
    Mirayiridzo yeMusangano weUshumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu
Ona Zvimwe
Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
be pp. 282-285

Mirayiridzo Yevatariri Vechikoro

MUUNGANO imwe neimwe, mukuru anosarudzwa kuti ave mutariri weChikoro chaMwari Choushumiri. Kana wapiwa basa iri, kufarira kwako chikoro uye kufarira kwako kufambira mberi kwomudzidzi mumwe nomumwe zvinogona kuva zvinhu zvinokosha pane zvichaitwa nechikoro muungano yenyu.

Chikamu chinokosha chebasa rako kuitisa Chikoro chaMwari Choushumiri cheungano yenyu vhiki imwe neimwe. Ziva kuti kunze kwevadzidzi vane hurukuro chero panguva ipi zvayo, pane vamwe varipowo. Itisa chikoro zvokuti ungano yose inowana zviyeuchidzo zvinokurudzira uye zvinobatsira zvine chokuita nechimwe chezvinangwa zvechikoro zvinotaurwa pamapeji 5 kusvika ku8 ebhuku rino.

Farira vadzidzi vose, vangava vari papurogiramu yokuverenga, kuenzanisira mharidzo, kana kuti kukurukura hurukuro. Vabatsire kuona kuti zvavari kuita haisi hurukuro chete asi mukana wokufambira mberi mukushumira kwavo Jehovha. Shungu dzavanadzo ndicho chinhu chinokosha pakubudirira kwavachaita. Asi zvinokoshawo kuti uratidze kufarira nomutsa, vabatsire kunzwisisa kukosha kwounyanzvi hwokushandira pahuri, uye tsanangura kuti vangashandisa sei unyanzvi ihwohwo. Uchifunga izvozvo, nyatsoteerera hurukuro imwe neimwe kuitira kuti uone zvinhu zvokuzobatsira pazviri.

Chikoro ngachitange uye ngachipere nenguva. Iva nomuenzaniso wakanaka nokuita kuti mashoko ako iwe pachako asapfuure nguva yawo. Kana hurukuro yomudzidzi ikapfuura nguva, iwe kana kuti mubatsiri wako anofanira kupa chiratidzo. Mudzidzi anofanira kupedzisa mutsetse wake obva pachikuva. Kana chimwe chikamu papurogiramu chikapfuura nguva, pfupikisa tsinhiro dzako, wozokurukura nhau yacho nehama yacho musangano wapera.

Kana uripo, unofanira kuitisa chikoro. Kana pane imwe nguva usingakwanisi kuvapo, mumwe mukuru akatosarudzwa nedare revakuru kare anofanira kuitisa chikoro. Kana uchida kubatsirwa pakugadzira purogiramu, kunyora mapepa ehurukuro uye kuapa hama, kana kuti kuronga vokutsiva papurogiramu, mushumiri anoshumira akapiwa basa racho nedare revakuru angabatsira kuita zvinhu izvi.

Kunyora Vadzidzi. Kurudzira vaparidzi vose kunyoresa muchikoro. Vamwe vari kusonganira neungano nguva dzose vanganyoresa kana vachibvumirana nedzidziso dzeBhaibheri uye upenyu hwavo huchienderana nezvinodiwa kumuKristu. Kana mumwe munhu akati anoda kunyoresa, murumbidze noushamwari. Kana munhu wacho asati ava muparidzi, iwe somutariri wechikoro unofanira kukurukura naye zvinodiwa kuti munhu anyorese muchikoro, zvinganaka kana ukazviita aine munhu anodzidza Bhaibheri naye (kana kuti mubereki ari muKristu.) Izvi zvinodiwa zvakafanana nezvomunhu anoda kuva muparidzi asina kubhabhatidzwa. Zvinowanikwa pamapeji 97 kusvika ku99 ebhuku rinonzi Takarongwa Kupedza Ushumiri Hwedu. Gara uine mazita evose vakanyoresa kare uye vachangobva kunyoresa muchikoro.

Kushandisa Fomu Rounyanzvi Hwokutaura. Fomu rounyanzvi hwokutaura romudzidzi mumwe nomumwe riri mubhuku rake, papeji79 kusvika kupeji 81. Sezvinoratidzwa nemitsetse ine mavara iri ipapo, unyanzvi hwose kubvira pa1 kusvika pa17 hungashandiswa kana mudzidzi akapiwa hurukuro yokuverenga. Pahurukuro dzinoda kuenzanisira, unyanzvi hwose hungashandiswa kunze kwe7, 52, ne53. Hurukuro dzinoda unyanzvi hwose kunze kwe7, 18, ne30.

Kana munhu apiwa unyanzvi hwokudzidzira, mutariri wechikoro anofanira kunyora nepenzura paya pakanzi “Musi Wokupiwa” munzvimbo yakasiyiwa iri pedyo nemashoko ari pafomu rounyanzvi riri mubhuku romudzidzi. Kana mudzidzi aita hurukuro yake, mubvunze ari oga kana akaita basa/mabasa okuita akaratidzwa panogumira kukurukurwa kwounyazvi hwacho. Kana akaita, maki inofanira kuiswa mubhokisi riri pafomu. Kana uchirumbidza kuti adzokorore kushandira paunyanzvi ihwohwo, hapanazve chinofanira kunyorwa pafomu rounyanzvi; ingosiya pakadaro paya pakanzi “Musi Wokupedza.” Panongofanira kumakiwa kana ava kufanira kuenda pane humwe unyanzvi. Uyewo, pa peji 82 yebhuku romudzidzi, nechokuruboshwe kwemarongero ashandiswa, musi wacho unofanira kunyorwa mudzidzi achangopedza kupa hurukuro imwe neimwe. Pane nzvimbo pafomu rounyanzvi uye pandandanda yemarongero inobvumira kuti kuronga kumwe nokumwe kushandiswe kaviri. Vadzidzi vanofanira kuva nemabhuku avo papurogiramu.

Ipa mudzidzi unyanzvi hwokutaura humwe chete panguva. Kazhinji zvakanaka kushandira paunyanzvi hwokutaura nemarongerwo ahwakaitwa. Zvisinei, kana vamwe vadzidzi vakaratidza kuti vane njere zvikuru, ungavakurudzira kudzidza zvimwe zvidzidzo ndokuita zvirimo vari voga. Zvadaro ungavabatsira paunyanzvi hwaunofunga kuti huchanyanyobatsira kubudirira kwavo sevakurukuri nevadzidzisi.

Kunyange kana mudzidzi akanyoresa muchikoro kwemakore akawanda, anogona kubatsirwa nokudzidza achishandisa chidzidzo chimwe nechimwe. Kuti ubatsire vadzidzi nezvinodiwa zvakasiyana nezvimwe, ungasarudza humwe unyanzvi hwakati hwokutaura hwokuti vashandire pahuri pane kutevedzera zvakarongwa pafomu.

Kupa Zano. Pakupa zano shandisa mienzaniso nenhungamiro zviri muBhaibheri zvakanaka. Vadzidzi vanofanira kunzwa kuti zano rapiwa uye mataurirwo araitwa zvinodzorwa nenhungamiro yakanaka zvikuru yeShoko raMwari.

Ziva kuti uri ‘mushandi pamwe’ nehama nehanzvadzi dzako. (2 VaK. 1:24) Saidzo, newewo unofanira kuramba uchishingairira kuvandudza somukurukuri uye mudzidzisi. Iwewe pachako dzidza iri bhuku Batsirwa Nedzidzo yeChikoro chaMwari Choushumiri, shandira pamazano aro, uye iva muenzaniso wakanaka kuti vamwe vatevedzere.

Sezvaunodaro, vavarira kubatsira vadzidzi kuva vaverengi vakanaka, vakurukuri vane unyanzvi, uye vadzidzisi vanobudirira. Kuti zvidaro, edza kubatsira vadzidzi nezvose zvavangada kuti vanzwisise unyanzvi hwokutaura hwakasiyana-siyana, nei huchikosha, uye kuti vangava nahwo sei. Bhuku rino rakagadzirwa nenzira ichakubatsira kuita izvozvo. Zvisinei, zvakawanda zvinowanzodiwa kwauri kupfuura kungoverenga mashoko ari mubhuku. Kurukura pfungwa inotaurwa nemashoko acho uye mashandisirwo aingaitwa.

Kana mudzidzi aita zvakanaka pane unyanzvi hwakati, murumbidze. Taura nokupfupikisa chaita kuti zvibudirire, kana kuti nei zvaaita zvakakosha. Kana achigona kubatsirwa nepamwe paanofanira kuvandudza, iva nechokwadi chokuti anonzwisisa chikonzero chacho. Kurukurai maitirwo azvo. Iva akananga asi ivawo nomutsa.

Ziva kuti vakawanda zvakatovaomera kusimuka kuti vakurukure pamberi pevazhinji. Kana munhu achinzwa kuti haana kuita zvakanaka, anganetseka kana achifanira kuramba achiedza. Tevedzera Jesu, asina kupwanya “tsanga yakakuzvuka” kana kudzima “tambo inopfungaira yemufurakisi.” (Mat. 12:20) Funga nezvingava zviri kunetsa mudzidzi wacho. Pakupa zano, batsirwa nokuziva kuti mudzidzi wacho mutsva here kana kuti muparidzi ane ruzivo. Ushamwari nokurumbidzwa kwechokwadi zvinogona kusimbisa vanhu kuramba vachiita zvose zvavanogona.

Remekedza mudzidzi mumwe nomumwe. VaRoma 12:10 inotiudza kuti: “Pakukudzana tungamiriranai.” Chokwadi iri izano rakanaka zvikuru kumunhu anopa zano muChikoro chaMwari Choushumiri! Kana mudzidzi ari mukuru kwauri, shandisa nhungamiro iri pana 1 Timoti 5:1, 2 nokuchenjera. Munhu paanopiwa zano rokuti agadzirise maitiro ake zvinhu nomutsa, anowanzorigamuchira zvakanaka pasinei zvapo nezera rake.—Zvir. 25:11.

Pakupa zano, mudzidzi ngaarambe achiona chinangwa chokudzidziswa. Chinangwa chacho hachisi chokungoita zvakanaka zvokuti anorumbidzwa oudzwa kuti afambire mberi paunyanzvi hunotevera. Chinangwa chacho hachisi chokuzova mukurukuri nomudzidzisi achayemurwa nevamwe. (Zvir. 25:27) Chido chedu ndechokushandisa chipo chedu chokutaura kurumbidza Jehovha uye kubatsira vamwe kusvika pakumuziva uye kumuda. Kudzidziswa kwedu ndekwokutishongedzera kuita basa rakanyorwa pana Mateu 24:14 uye 28:19, 20 zvinobudirira. Nokufamba kwenguva, hama dzakabhabhatidzwa dzinokwanisa dzingazokumbirwa kuzotarisirawo “boka raMwari” dziri vakurukuri uye vadzidzisi.—1 Pet. 5:2, 3.

Kurudzira vadzidzi kuti vaverenge mashoko ounyanzvi hunotevera mubhuku ravo mazuva mashomanana vachangoudzwa. Vakurudzire kushandisa zvavanodzidza mukugadzirira zvikamu zvavo zvechikoro, mukutaura kwavo kwezuva nezuva, pakupindura pamisangano, uye muushumiri hwomumunda.

Kuronga Hurukuro. Izvi zvinofanira kuitwa pachine dzinenge vhiki nhatu. Hurukuro dzose dzakadaro dzinofanira kuita zvokunyorwa kana zvichiita.

Zvikamu zvine chokuita nokudzidzisa ungano zvinofanira kupiwa vakuru, kunyanya vaya vachaita zvikamu izvozvo zvinobudirira, uye kuvashumiri vanoshumira vanodzidzisa zvakanaka.

Pakusarudza kuti ihurukuro dzipi dzevadzidzi dzingapiwa hama uye hanzvadzi, tevedzera mirayiridzo inopiwa papurogiramu yechikoro. Kana pane hama shoma asi pane hanzvadzi dzakawanda dzinopa hurukuro dzevadzidzi, chenjerera kuti hama dzinopiwa mukana wakakwana wokupa hurukuro dzinosanganisira zvinopfuura kungoverenga.

Funga nezvemamiriro ezvinhu omunhu mumwe nomumwe pakugovera hurukuro. Mukuru kana kuti mushumiri anoshumira angafanira here kupiwa hurukuro pachikoro zuva raanenge ari paMusangano Webasa kana kuti vhiki yaanenge ane hurukuro yavose muungano? Zvakafanira here kupa imwe hanzvadzi hurukuro pazuva rimwe chete iro mumwe wevana vayo anenge ane hurukuro uye paingada kumubatsira? Musoro wacho wakakodzera mwana kana kuti munhu ari kudzidza Bhaibheri asati abhabhatidzwa here? Ongorora kuti uve nechokwadi kuti hurukuro yacho yakakodzera unyanzvi hwokutaura huri kushandirwa nomudzidzi.

Pahurukuro dzinopiwa hanzvadzi, kazhinji mudzidzi achasarudza marongero ake maererano nemirayiridzo iri pamapeji 78 ne82. Anofanira kupiwa mubatsiri mumwe chete, asi wokuwedzera angashandiswa. Kana mudzidzi akakumbira mubatsiri angava akakodzera marongero akati, ngatinzwisise chikumbiro chakadaro.

Makirasi Okuwedzera. Kana pane vadzidzi vanopfuura 50 vakanyoresa, mungada kufunga nezvenzvimbo yokuva neimwe kirasi yehurukuro dzevadzidzi. Maererano nezvinodiwa muungano yenyu, urongwa uhwu hungaitwa pahurukuro dzose dzevadzidzi kana kuti pane mbiri chete dzokupedzisira.

Makirasi ose okuwedzera anofanira kuva nomunhu anopa zano anokwanisa, kunyanya mukuru. Kana pasina, mushumiri anoshumira anonyatsokwanisa angashandiswa. Vanopa zano ava vanofanira kubvumirwa nedare revakuru. Nyatsoshandira pamwe navo kuitira kuti vadzidzi varambe vachifambira mberi zvisinei nokuti vari kuchikoro chipi pahurukuro inotevera.

Makirasi Okudzidzira Kuverenga. Kana dare revakuru rikasarudza kuti pane vanhu vanoverengeka vari muungano vanoda mirayiridzo yokudzidziswa kunyatsoverenga mutauro unoshandiswa muungano, mungaita urongwa uhwu hwakabatana neChikoro chaMwari Choushumiri. Mirayiridzo iyi ingasanganisira kudzidzisa kuverenga kana kuti chinangwa chacho chingava chokudzidzisa kunyatsogona kuverenga.

Makirasi akadaro haafaniri kuitwa panguva inenge ichiitwa hurukuro dzevadzidzi muChikoro chaMwari Choushumiri. Nguva yakawanda ingadiwa kupfuura ingashandiswa panenge pachiitwa chikoro, kuti rubatsiro rwakakwana rupiwe. Vakuru veungano vangasarudza zvinodiwa uye nguva ingapiwa mirayiridzo iyoyo. Maererano nezvinodiwa, urongwa hungaitwa hwokudzidzisa boka kana kuti hwokudzidzisa munhu mumwe nomumwe.

Mudzidzisi anokwanisa anodiwa. Zvinganaka kana basa iri rikapiwa hama inonyatsogona kuverenga uye inonyatsoziva mutauro wacho. Kana pasina hama, vakuru vangakumbira hanzvadzi inokwanisa, ine muenzaniso wakanaka kuti ibatsire. Inofanira kupfeka chinofukidza musoro pakudzidzisa kirasi iyoyo.—1 VaK. 11:3-10; 1 Tim. 2:11, 12.

Kabhuku kanonzi Apply Yourself to Reading and Writing kava kuwanikwa mumitauro mizhinji. Kakagadzirirwa kubatsira kudzidza kuverenga. Zvimwe zvinhu zvinobatsira kudzidzisa, zvingashandiswawo, maererano nokuti vadzidzi vakanyoresa vanogona kuverenga zvakadini. Kana vadzidzi vafambira mberi zvakakwana, vanofanira kukurudzirwa kuvawo mupurogiramu yeChikoro chaMwari Choushumiri.

Somutariri weChikoro chaMwari Choushumiri, unogona kuita zvakawanda kuti ubatsire ungano. Nyatsogadzirira, uye maererano nezano riri pana VaRoma 12:6-8, tarisira basa rako sechipo chinokosha chawakapiwa naMwari.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe