RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/98 p. 2
  • Misangano Yebasa yaJune

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaJune
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga na1 June
  • Vhiki Inotanga na8 June
  • Vhiki Inotanga na15 June
  • Vhiki Inotanga na22 June
  • Vhiki Inotanga na29 June
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 6/98 p. 2

Misangano Yebasa yaJune

Vhiki Inotanga na1 June

Rwiyo 223

8 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Mashoko oUshe.

15 min: “Akashongedzerwa Zvakakwana Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka.” Mibvunzo nemhinduro. Itai tsinhiro pfupi paNharireyomurindi, yaFebruary 15, 1989, mapeji 22-4.

22 min: “Kupupurira Ku‘vanhu Vose.’” Mukuru anotsanangura kuti kunyange zvazvo zvinogoverwa zvaJune zviri mabhuku aMunhu Mukurusa kana kuti Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu, mabhuku akasarudzwa ane mapeji 192 angagoverwawo. Mukuru nevaparidzi vakati kuti vane ruzivo rwokuzviwanira vanokurukura mharidzo dzakakarakadzwa. Hwirudzurai nokupfupikisa kuti marudzidziso api anosanganwa nawo munzvimbomo, uye tsanangurai chikonzero nei tichifanira kuva nechimwe chinhu mundangariro kuti titange kurukurirano muchiitiko chimwe nechimwe. Ivai nemienzaniso mipfupi mumwe kana kuti miviri.

Rwiyo 112 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na8 June

Rwiyo 209

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

15 min: “Kutarisira Zvinhu zvaTenzi.” Hurukuro inopiwa nomukuru, inofukidza mashoko ari muwedzero.

20 min: “Kunoda Tose Zvedu Kuti Basa Riitwe.” Mibvunzo nemhinduro. Tsanangurai chikonzero nei vakuru vachitsamira pavazvipiri vakawanda vanodisa kuita kuti zvinhu zviri madikanwa zviitwe. Hwirudzurai zvinodikanwa zvomunzvimbomo, zvakadai sokucheneswa nokutarisirwa kweHoro yoUmambo, kubetsera vanorwara navakwegura, uye kufukidza ndima. Kumbirai vakuru kutsinhira kuti vanoonga sei yamuro yokudisa iyo vakawanda vanopa.

Rwiyo 153 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na15 June

Rwiyo 7

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

20 min.: “Zvishandisei Mumene Nesimba.” Hurukuro yakavakirwa paNharireyomurindi, yaJuly 1, 1986, mapeji 10-14. Kurukurai kukosha kwebasa roupiyona hwenguva dzose, muchikurudzira kunyoresa panosvika 1 September.

15 min.: “Kupupura Nomufambiro Wakanaka.” Mibvunzo nemhinduro. Bvunzurudzai vanhu vaduku vomuenzaniso. Vanotaura kuti vamwe vakafadzwa zvakanaka sei nomufambiro wavo wechiKristu. Rondedzerai mienzaniso mumwe kana kuti miviri inobva muNharireyomurindi, yaJanuary 1, 1995, mapeji 24-5.

Rwiyo 170 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na22 June

Rwiyo 61

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Taurai pakapedzwa kunzverwa akaunzi dzeungano.

15 min: Nzira Yokutanga Nayo Kwakamirirwa Magazini. Ratidzai zvinodikanwa: nyorai zvakagoverwa zvose, dzokai mukati mamavhiki maviri, ipai mifungo mitsva inobva mumagazini azvino kuchengeta fariro iri mhenyu. Karakadzai kubatanidza vavakidzani, vanoshandwa navo, vanamabharani vomuzvitoro, vanoshanda panotengeserwa peturu, zvichingodaro. Goverai kuzvinyoresa kwemwedzi mitanhatu kuavo vanoratidza fariro inopfuurira. Batanidzai chakaitika chomunzvimbomo.

20 min: Mapiyona Anobetsera Vamwe. Hurukuro inopiwa nomutariri webasa, achihwirudzura gadziriro dzokuti mapiyona abetsere vamwe somunhu oga. Tsanangurai nzira iyo zvirongwa zvokuyamura zvakatangwa nayo munguva yakapfuura. (jv 100; km-CA 9/79) Vatsva vanopfuura miriyoni imwe vakabhabhatidzwa mumakore matatu apfuura vanoda rovedzo. Chirongwa che“Mapiyona Anobetsera Vamwe” chinoshandisa ruzivo rwokuzviwanira nerovedzo yamapiyona enguva dzose uye chaiwo vakapinda Chikoro Chebasa Chamapiyona. Vavariro ndeyokuti piyona mumwe nomumwe abetsere vaparidzi vaviri pagore kuva vane unyanzvi zvikuru muushumiri uye kuti vasvasvavirire goverano huru. Avo vari kuyamurwa havafaniri kutya; simbiso iri pakupa kurudziro yorudo, yomutsa.

Rwiyo 207 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga na29 June

Rwiyo 114

10 min: Zviziviso. Yeuchidzai vose kupinza mishumo yebasa romumunda yaJune. Kurukurai mabhuku anogoverwa aJuly.

15 min: Ndaderera Here? Hurukuro inopiwa nomukuru yakavakirwa paNharireyomurindi, yaDecember 15, 1987, mapeji 18-19, ndima 14-16. Kurudzirai avo vave vachishingaira kwamakore anoverengeka kuti varangarire kunaka nouwandu hwebasa ravo rinoyera.

20 min: Tose Zvedu Tinogona Kupupurira Nenzira Isina Kurongwa. Hurukuro nokutora rutivi kwavateereri yakavakirwa paNharireyomurindi, yaOctober 15, 1987, mapeji 22-7. Ratidzai nzira iyo avo vane nguva yakabatikana nemitoro yebasa, yemhuri, kana kuti yomunhu oga vanogona nayo kuwana mikana zuva rose yokugoverana mashoko akanaka navamwe. Batanidzai zviitiko zvomunzvimbomo.

Rwiyo 76 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe