RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/98 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 6/98 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna June: Munhu Mukurusa Ati Amborarama ($25,00), Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu ($12,50), kana kuti bhuku ripi neripi rine mapeji 192 nokuda kwe$9,00. July naAugust: Ripi neripi ramabhurocha anotevera ane mapeji 32 ringagoverwa nokuda kwe$2,50: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Midzimu Yavakafa—Inogona Kukubetsera Here Kana Kuti Kukukuvadza?, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here? September: Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi nokuda kwe$9,00.

◼ Mutariri anotungamira kana kuti mumwe munhu akasarudzwa naye anofanira kunzvera akaunzi dzeungano pana 1 June kana kuti nokukurumidza sezvinobvira pashure pacho. Zivisai ungano apo izvozvi zvinenge zvaitwa.

◼ Nokukurumidza muchave muchigamuchira chinyorwa chaJuly 15, 1998 cheNharireyomurindi. Tinokurudzira vabereki vose kurava ndokushandisa nyaya dzinoti, “Unogona Sei Kudzivirira Vana Vako” uye “Inguvai Yemberi Yaunoda Nokuda Kwavana Vako?” Mukuwedzera, vaparidzi vose vangaita zvakanaka kurava nyaya inoti, “Murangariro wechiKristu Wetsika Dzamariro.” Tine chokwadi kuti muchawana nyaya iyi kuva inobetsera zvikuru.

◼ Sosaiti ingada kusimbisa zvakare kudikanwa kwokuti Zvapupu zvose zvakazvitsaurira, zvakabhabhatidzwa zviite chido chenhaka. Zvinetso zvakawanda nokudaro zvichadziviswa muchiitiko chorufu rwomunhu.

◼ Mishumo inobva kuvatariri vamatunhu inoratidza kuti vaparidzi vakawanda vanogoverana mubasa romumunda asi havashumi basa ravo. Tinokurudzira vaparidzi vose kupinza mishumo yebasa ravo romumunda nokukurumidza mwedzi mumwe nomumwe. Vatariri vanotungamira vanofanira kuva nechokwadi chokuti chiziviso chinoitwa pakupera kwomwedzi chinoyeuchidza vaparidzi kupinza mishumo yavo.

◼ Nokuda kwemitengo chaiyo inoshanda kuzvinyorwa zveShona, tapota nongedzerai kutsamba yeSosaiti yokuungano dzose yomusi wa15 December 1998.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe