RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/98 p. 1
  • Kunoda Tose Zvedu Kuti Basa Riitwe

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunoda Tose Zvedu Kuti Basa Riitwe
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Uri Kuita Ushumiri Hwako Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • “Endai Munoita Kuti Vanhu Vemarudzi Ose Vave Vadzidzi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • ‘Rambai Muchibereka Zvibereko Zvakawanda’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Kuzvipa Timene Nokudisa Nokuda Kwebasa Riri Rose Rakanaka
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 6/98 p. 1

Kunoda Tose Zvedu Kuti Basa Riitwe

1 Mudzidzi wose waJesu Kristu anofanira kunzwisisa kuti vavariro dzake dzokutsigira nokutora rutivi mubasa rokuparidza Umambo dzinokosha zvikuru. Jesu akaziva kuti vadzidzi vake vaizobereka zvibereko zvoUmambo muuwandu hwakasiyana-siyana. (Mat. 13:23) Kunyange zvazvo chikamu chakakura chomubato wokuparidza chiri kuitwa namapiyona akawanda anoshanda zvakaoma, vose vanopfuurira nokudisa kurumbidza Mwari kupfurikidza nokubereka zvibereko zvakawanda sezvinobvira vanofanira kurumbidzwa.—Joh. 15:8.

2 Nhamburiko Dzakabatanidzwa Dzinoita Zvakawanda: Jesu akafanotaura kuti nhamburiko dzakabatanidzwa dzavadzidzi vake vose dzaizoita mabasa makuru kune ake. (Joh. 14:12) Kana mamiriro edu ezvinhu omunhu oga achiganhurira zvatinogona kuita kana kuti achibvumira kupa nguva yakawanda yokuparidza Umambo, tose zvedu tinodikanwa kuti basa riitwe. Kwakaita seizvo Pauro akataura kuti: “Muviri wose wakasonganiswa zvakanaka maari nokubatanidzwa nenhengo dzose dzinosimbisa, mutezo mumwe nomumwe uchibata nechiyero chawo, kuti muviri ukuriswe pakuvakwa kwawo murudo.”—VaEf. 4:16.

3 Vamwe vanganzwa kuti nhamburiko dzavo hadzina kuita zvakawanda. Zvisinei, mumaziso aJehovha chinhu chinokosha ndechokuti basa redu rive romwoyo wose. Chinhu chose chatinomuitira chinokosha uye chinoongwa.—Enzanisa naRuka 21:1-4.

4 Pfuurira Kutsigira Basa: Tose zvedu tine ropafadzo yokubetsera mune zvokunyama basa romunyika yose. Vamwe vanogona kubetserawo nebasa romuviri rinobatanidzwa mukutsigira basa roUmambo. Mumwe nomumwe anogona kuvavarira kupa tsinhiro dzakasanogadzirirwa pamisangano nokutora rutivi muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari. Kupfurikidza nokushandisa zvakanaka mikana yokukurudzira vamwe, tinoita mupiro unokosha kuumudzimu hweungano, uye izvi zvinotsigira kukwanisa kwayo kuita basa rayakapiwa.

5 Hungu, kunoda tose zvedu kuti basa riitwe. Hapana anofanira kunzwa kuti haadikanwi. Nhamburiko dzedu dzakabatanidzwa, dzose dziri mbiri dzakakura neduku, mukubatira Jehovha dzinotitsauranisa savanamati vechokwadi bedzi vaMwari. (Mar. 3:18) Mumwe nomumwe wedu anogona kuva norutivi rune revo mukukudza Jehovha uye mukubetsera vamwe kumuziva nokumubatira.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe