Misangano Yebasa yaApril
Vhiki Inotanga naApril 6
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zviziviso zvakasarudzwa muUshumiri Hwedu hwoUmambo. Yeuchidzai munhu wose nezvenzvimbo nenguva zvokuchengetwa kweChirangaridzo musi weMugovera, April 11. Mashoko Oushe.
15 min: “Ushumiri Hwedu—Kuratidzirwa Kworudo Rwechokwadi.” Mibvunzo nemhinduro. Batanidzai tsinhiro pfupi paNharireyomurindi, yaFebruary 1, 1987, mapeji 16-17, ndima 3-7.
20 min: “Magazini Anozivisa Umambo.” Mukuru anorangarira nyaya neboka ravaparidzi vatatu kana kuti vana vanobudirira mukuwana kuzvinyoresa. Kurukurai mativi anofadza amagazini azvino, muchikarakadza nzira idzo mifungo iyi inogona kuiswa nayo mumharidzo dzedu. Itai kuti mharidzo pfupi mbiri kana nhatu dzienzanisirwe.
Rwiyo 205 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 13
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.
15 min: Kufanorongera Vadiwa Vedu. Hurukuro inopiwa nomukuru, yakavakirwa paNharireyomurindi yaJanuary 15, 1998, mapeji 19-22. Ishandisei munzvimbomo. Dudzai zvinetso zvingangomuka apo rufu runoitika uye pasina chido chenhaka chinoratidzira gadziriro dzemariro nokugovewa kwezvinhu.
20 min: “Pinda misangano ‘Zvikuru.’” Mibvunzo nemhinduro. Kana nguva ichibvumira, hwirudzurai zano rinowanika mubhuku raHushumiri Hwedu, mapeji 64-5. Ipai rumbidzo youshamwari kune vose vanopinda misangano nguva dzose.
Rwiyo 119 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 20
10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Tsanangurai kuti hakusati kwave kunyanyononoka kupinza kumbiriso yokuita upiyona hwebetsero muna May.
10 min: Bhokisi Remibvunzo. Hurukuro inopiwa nomukuru uyo anoratidzira nomutsa nzira chaidzo idzo vandudziko dzinogona kuitwa nadzo munzvimbomo.
25 min: “Dziri Kudikanwa—Fundo dzeBhaibheri Dzakawanda.” Hurukuro nekurukurirano navateereri inoitiswa nomutariri webasa. Hwirudzurai mubato wefundo dzeBhaibheri womunzvimbomo. Ipai rumbidzo uko ungano yakaita zvakanaka. Ratidzirai kuti chiizve chinogona kuitwa mukutanga nokuitisa fundo dzeBhaibheri, kubatanidza fundo dzemhuri. Enzanisirai ndima 5 kupfurikidza nokubvunzurudza mubereki anoita zvakanaka mukuitisa fundo yemhuri. Ravai ndima 8, uye simbisai mapfundo masere akarongwa. Tsanangurai ndima 13 kupfurikidza nokukumbira muparidzi anobudirira mukuitisa fundo kuti arondedzere kuti kunobvira sei kufukidza mashoko pasina kunonoka kusiri madikanwa. Batanidzai chinoitika chakanyatsosarudzwa chinoratidzira kuti migumisiro yakanaka yakawanikwa sei munzvimbomo.
Rwiyo 109 nomunyengetero wokugumisa.
Vhiki Inotanga naApril 27
12 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Zivisai mazita aavo vachaita upiyona hwebetsero muna May. Rondedzerai zvikarakadzo zvinobetsera zvokugadzirira mharidzo dzinosimbisa kuzvinyoresa.—Onai Ushumiri Hwedu hwoUmambo hwaOctober 1996, peji 8.
15 min: Kukubatira Kunoita Vafudzi vechiKristu. Hurukuro inopiwa nomukuru, yakavakirwa paNharireyomurindi yaMarch 15, 1996, mapeji 24-7.
18 min: Chengeta Murangariro Wakanaka Pakuparidza Mundima Inowanzoshandwa. Mukuru anokurukura chinodikanwa ichi navaparidzi vaviri kana vatatu avo vakaodzwa mwoyo nemhaka yedavidzo duku mundima inoshandwa yashandwazve. Anohwirudzura navo Nharireyomurindi yaJuly 15, 1988, mapeji 16-19, ndima 4-14. Vanotaura nomudzimu wetariro pamusoro penzira dzokushandisa nadzo izvi zvikarakadzo munzvimbomo.
Rwiyo 191 nomunyengetero wokugumisa.