RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/98 p. 1
  • Pinda Misangano “Zvikuru”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pinda Misangano “Zvikuru”
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichifanira Kuungana Kuti Tinamate Pamwe Chete?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
  • Chikonzero Nei Uchifanira Kupinda Misangano yechiKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Ungabatsirwa Sei Nemisangano yeZvapupu zvaJehovha?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Kutitungamirira Kuri Kuita Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 4/98 p. 1

Pinda Misangano “Zvikuru”

1 Kusangana pamwe chete kwave kuchikosha nguva dzose nokuda kwavanhu vaJehovha. VaIsraeri vaiva netemberi namasinagoge avo senzvimbo dzokunamata kwechokwadi, dzidzo youmwari, uye songaniro inofadza. Nenzira yakafanana, vaKristu vapakuvamba havana kurega kuungana pamwe chete. Sezvo dzvinyiriro nemiedzo zvinowedzera muano mazuva okupedzisira anotambudza, isuwo tinoda kusimbiswa mumudzimu uko misangano yedu yeungano inogovera—uye tinokuda “zvikuru.” (VaH. 10:25) Cherekedza zvikonzero zvitatu nei tichipinda misangano.

2 Nokuda Kwesonganiro: Magwaro anotirayira ku“nyaradzana [noku]simbisan[a].” (1 VaT. 5:11) Songaniro youmwari inogutsa ndangariro dzedu nemifungo yakanaka uye inotisunda kuita mabasa akanaka. Asi kana tikazviparadzanisa, tingachengeta mifungo youpenzi, youdyire, kana kuti kunyange younzenza.—Zvir. 18:1.

3 Nokuda Kwomurayiridzo: Misangano yechiKristu inogovera chirongwa chinopfuurira chomurayiridzo weBhaibheri wakarongedzerwa kuchengeta kuda Mwari kuri kupenyu mumwoyo yedu. Inopa nhungamiro inoshanda mukushandisa “zano rose raMwari.” (Mabasa 20:27, NW) Misangano inotirovedza muunyanzvi hwokuparidza nokudzidzisa mashoko akanaka, unyanzvi hunodikanwa zvikuru kwazvo zvino kuti tiwane mufaro usingatauriki wokuwana nokubetsera avo vachagamuchira chokwadi cheBhaibheri.

4 Nokuda Kwedziviriro: Munyika ino yakaipa, ungano hutiziro hwomudzimu chaihwoihwo—nzvimbo yorugare norudo. Patinenge tiri pamisangano yeungano, mudzimu mutsvene waMwari une pesvedzero ine simba patiri, uchibereka chibereko cho“rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, nounyoro, nokuzvidzora.” (VaG. 5:22, 23) Misangano inotisimbisa kuti timire takasimba uye takatsiga mukutenda. Inotishongedzera kuti tive vakagadzirira miedzo iri mberi.

5 Kupfurikidza nokupinda misangano nguva dzose, tinowana icho wezvamapisarema akarondedzera, sezvakanyorwa paPisarema 133:1, 3, kuti: “Tarirai, kunaka kwazvo nokufadza kwazvo kana hama dzichigara pamwe chete norugare.” Kupi nokupi uko vanhu vaMwari vanobatira ndokuungana nhasi, “ndipo Jehovha paakarayira kuropafadza kwake, ndihwo upenyu husingaperi.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe