RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/98 p. 7
  • Zviziviso

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zviziviso
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 4/98 p. 7

Zviziviso

◼ Mabhuku anogoverwa muna April naMay: Kuzvinyoresa kweNharireyomurindi ($52,00: gore rimwe; $26,00: mwedzi mitanhatu). neMukai ($26,00: gore rimwe). June: Munhu Mukurusa Ati Amborarama ($25,00), Kutsvaka Mwari Kworudzi Rwomunhu ($12,50), kana kuti rimwe bhuku ripi neripi rine mapeji 192 nokuda kwe$9,00. July naAugust: Ripi neripi ramabhurocha anotevera ane mapeji 32 ringagoverwa nokuda kwe$2,50: Apo Mumwe Munhu Waunoda Anofa, Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?, Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi, Hurumende Ichaunza Paradhiso, Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?, uye Unofanira Kudavira Utatu Here?

◼ Pakushanda ndima isina kugoverwa, vaparidzi vangagovera bhuku raZivo kana kuti bhurocha raAnodei. Chimwe chinyorwa chipi nechipi chingagoverwa kana saimba achitova nezvinyorwa zviviri izvi. Vose vanofanira katakura mhatsa yamaturakiti nokuda kwavasiri pamusha kana kuti vanhu vasingagamuchiri mabhuku. Mashoko oUmambo Nha. 35 api naapi ayo vaparidzi kana kuti ungano ichinawo anofanira kusiyirwa vanasaimba. Nhamburiko dzinofanira kuitwa kutevera fariro, zvikurukuru uko ndima dzisina kugoverwa dzingava dziri kushandwa namapiyona chaiwo kana kuti dzinogona kusvikwa neungano dziri pedyo.

◼ Nokupera kwevhiki kwakazara kushanu, mwedzi waMay inguva yakafanira yokuti vakawanda vaite upiyona hwebetsero.

◼ Mabheji Ekokorodzano Nezvibatiso Zvepurasitiki: Ungano dzinofanira kutanga zvino kuodha iwaya nokuda kweKokorodzano Dzoruwa dza1998. Ungano dzinononoka kutumira odha dzadzo dzingasagamuchira mabheji adzo nenguva nokuda kwekokorodzano.

◼ Chinyorwa cha1997 cheWatchtower Library iri paCD-ROM chakagadzirirwa uye chichawanika nokukurumidza. Musi wokutanga wezvinyorwa ndi1970 (Watchtower 1950). Ungano dzichaziviswa kupfurikidza noUshumiri Hwedu hwoUmambo padzinofanira kutanga kutumira odha dzeWatchtower Library—1997.

◼ Avo vanosonganirana neungano vanofanira kutumira kuzvinyoresa kwose kutsva nokwokumutsidzira kweNharireyomurindi neMukai! kupfurikidza neungano.

◼ Munguva yakapfuura takava nezviverengero zvapamusoro muvaparidzi mukati maApril. Pachava nechiverengero chapamusoro here gore rino? Tinokurudzira, (1) vaparidzi vose kugoverana mubasa mwedzi uno uye, (2) kushuma panguva.

◼ MUNYORI: Tapota ivai nechokwadi chokuunganidza mushumo weungano May 6 asati asvika uye itai kuti mutariri anotungamirira wenyu aunzvere nokuda kwokururama. Utumirei pana May 6 kana kuti asati asvika.

◼ Vanofarira vazhinji vanokarirwa kutikumbanira mukuchengeta Chirangaridzo pashure pokunyura kwezuva pana April 11, 1998. Chii chinogona kuitwa kubetsera vatsva vakadaro kuita imwe fambiro mberi? Kuregererei kuvasvika ndokuvabvunza kana vari kufunda? Kana vasiri, zvichida ungagona kuronga kuita kudaro. Mutariri webasa anofanira kuratidza fariro chaiyo muna ivava, achiedza kuronga kuti mumwe afunde Bhaibheri navo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe