RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 10/97 p. 3
  • Uri Chapupu Chenguva Yakazara Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uri Chapupu Chenguva Yakazara Here?
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Mashoko Akafanana
  • Fungai Vaya Vari Mubasa Renguva Yakazara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Unoyera sei Kubudirira?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Mufaro Webasa Renguva Yakazara
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • ‘Ngaaite Kuti Urongwa Hwako Hwose Hubudirire’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
km 10/97 p. 3

Uri Chapupu Chenguva Yakazara Here?

1 Ungapindura kuti hungu kumubvunzo uyu here? Kunyange zvazvo vasiri vabatiri vose vaJehovha vakazvitsaurira vanogona kupinda muushumiri hwenguva yakazara, hazvina mufungo here kukarira kuti tose zvedu tinofanira kuzvirangarira seZvapupu zvake zvenguva yakazara? Zvirokwazvo tinofanira kudaro.

2 Hakuna chinhu chakadai sekuva muKristu wenguva isina kuzara. Jesu akati nezvaBaba vake: “Ndinoita nguva dzose zvinomufadza.” (Joh. 8:29) Pauro, uyo akanzwa nenzira yakafanana, akatikurudzira ku“[ita] zvose kuti Mwari akudzwe.” (1 VaK. 10:31) Nemitoo yose ipapoka, tose zvedu tinofanira kuzvirangarira seZvapupu zvenguva yakazara zvaJehovha. Kufunga kwedu nenzira iyi kuchatipesvedzera kuita zvakanaka mumibato yose yatinoronda.

3 Rangarira Ufakazi: Chitarisiko chedu, kutaura, nomufambiro zvinogona kuratidzira kuvamwe vanhu kuti zvirokwazvo tiri Zvapupu zvaJehovha. Tinoziva kudikanwa kwechitarisiko chine mwero, kutaura kwakachena, uye mufambiro wakafanira pose patinenge tichigoverana mubasa remumunda kana kuti tichipinda misangano yechiKristu. Zvisinei, tingava tichienda kuchikoro, tichishanda basa rekunyika, kana kuti kufarikanya nhandaro, zvinhu zvose pamusoro pedu zvinofanira kupa ufakazi hwokuti tinorarama nemipimo yakarurama yaJehovha.

4 Jesu akati: “Guta rakavakwa pagomo haringavanziki. . . . Chiedza chenyu ngachivhenekere pamberi pavanhu, kuti vaone mabasa enyu akanaka, vakudze baba venyu vari kudenga.” (Mat. 5:14-16) Izvi zvinofanira kuva zvechokwadi muzvinhu zvose zvatinoita uye panguva dzose. Kana tikawana kuti hatidi kupa uchapupu nemhaka yekwatiri kana kuti zvatiri kuita, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiri kubatira Jehovha nguva isina kuzara here kana kuti yakazara?’ Ngatiregei kusiya mukana wekutaura kuvamwe pamusoro pemashoko akanaka oUmambo hwaMwari.

5 Yeuka, tinokudza uye tinofadza Jehovha patinogona kupindura mubvunzo wokuti, “Uri Chapupu chenguva yakazara here?” na“Hungu!” akasimba.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe