RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/02 p. 4
  • Mufaro Webasa Renguva Yakazara

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mufaro Webasa Renguva Yakazara
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Basa Rokupayona—Unogona Kuriita Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Inharidzanoi Dzamakagadzira Vana Venyu?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Hama Dzakawanda Dziri Kudikanwa Mubasa Roupiyona
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • “Unogona Kuva Piyona Akanaka!”
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2010
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2002
km 4/02 p. 4

Mufaro Webasa Renguva Yakazara

1 Sezvo uri wechiduku, hapana mubvunzo kuti wakafunga nezveremangwana rako. Zvirevo 21:5 inotiudza kuti “ndangariro dzavashingairi dzinouyisa zvizhinji.” Kufungisisa zvaunovavarira kuita muupenyu kuchakubatsira. Sezvaunoita zvirongwa zvako zveremangwana, funga nezvokuita basa renguva yakazara. Nemhaka yei?

2 Bvunza vanhu vakuru vakapayona mumakore avo ouduku manzwiro avanoita uye vanogona kuramba vachitaura zvakada kufanana kuti: “Iwayo aiva makore akanakisisa oupenyu hwangu!” Imwe hama yakanakidzwa nebasa renguva yakazara kubvira payaiva jaya yakazoti: “Zvinogutsa zvikuru kutarira shure panguva youpwere ndokukwanisa kutaura kuti ndakateerera zano rokuchenjera rinoti: ‘Rangarirawo Musiki wako pamazuva oujaya hwako.’” (Mup. 12:1) Zvinoda kuti iwe nevabereki vako muronge zvakanaka iye zvino nzira yokuti iwe uve nomufaro wakadaro paujaya kana umhandara hwako.

3 Vabereki, Kurudzirai Basa Renguva Yakazara: Jehovha, saBaba vane hanya, anokuratidzai chaizvoizvo nzira yamunofanira kufamba nayo. (Isa. 30:21) Mukupa nhungamiro yorudo yakadaro, anokupai muenzaniso wakaisvonaka sevabereki vechiKristu. Pane kusiyira vana venyu kuti vasarudze nzira yakavanakira zvikuru, varovedzei nokuchenjera munzira yavanofanira kufamba nayo kuitira kuti vawane chikomborero chaJehovha. Ipapo kana vakura, kurovedza kwenyu kuchavabatsira “kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaH. 5:14) Vakuru vanoziva kubva pane zvakaitika kwavari kuti havagoni kuvimba nezvisarudzo zvavo pachavo; vanofanira kuvimba naJehovha kuti aruramise nzira dzavo. (Zvir. 3:5, 6) Izvi zvinotonyanya kudiwa kupwere, idzo dzisinganyanyi kuziva nezvoupenyu.

4 Vabereki, vana venyu pavanosvika makore gumi nematatu, kana kuti kunyange vasati vasvika, chaizvoizvo taurai navo nezvebasa ravanovavarira. Vapi vemazano vokuchikoro, vadzidzisi, uye vavanodzidza navo mukirasi vachaedza kuvaita kuti vade kutsvaka zvinhu zvenyika. Batsirai vana venyu kusarudza kosi dzechikoro dzinopa rovedzo inobatsira, dzinovashongedzera kutarisira zvavanoda zvokunyama vasingaregi zvinhu zvoUmambo. (1 Tim. 6:6-11) Kazhinji kacho, kuenda kusekondari pamwe chete nokurovedzwa uri pabasa ndizvo chete zvingadiwa kuti utarisire zvakakwana zvaunoda paunenge uchitanga ushumiri hwoupiyona hwenguva dzose.

5 Kurudzirai pwere kutevera chipo chokusaroora. Asi kana vakazosarudza kuroora, vanenge vava kukwanisa zviri nani kutakura mitoro yemhuri inorema. (Ona ndima 19 muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaJune 2001 inoti, “Ungada Kubatsira Here?”) Zvishoma nezvishoma, itai kuti vechiduku kunyange vachiri pazera duku zvikuru, vave nechido chokushandisa upenyu hwavo munzira inofadza Jehovha, inobatsira vamwe, uye inovaunzira mufaro, kuburikidza nokutaura zvakanaka nezvokupayona, kushanda kunodiwa vaparidzi zvikuru, basa repaBheteri, Kuvakwa kweDzimba dzoUmambo, uye basa roumishinari.

6 Pwere, Isai Basa Renguva Yakazara Panzvimbo Yokutanga: Vechiduku, hamufaniri kunetseka kuti basa roupiyona rakadini. Munogona kuriedza nokuita upiyona hwebetsero pose pamunogona mugore rechikoro rose uye panguva yezororo. Ipapo muchaona kuti basa roupiyona rinogutsa chaizvoizvo! Ungafanoronga kuita upiyona hwebetsero mumwedzi inouya here?

7 Kana uri hama yechiduku iri musangano raMwari, fungawo zvakakomba nezvokusvasvavirira kuti ukwanise kuva mushumiri anoshumira. (1 Tim. 3:8-10, 12) Uyezve, kana wangosvika zera rakakodzera, sarudza kana uchida kunyorera kushanda paBheteri kana kuti kupinda Chikoro Chokurovedza Vashumiri. Zvauchasangana nazvo muushumiri hwokupayona zvichakudzidzisa zvidzidzo zvinokosha, zvakadai sokurarama kwaungaita zvinoenderana nepurogiramu, kuvandudza kwaungaita zvirongwa zvako, kupindirana kwaungaita nevamwe, uye kuti ungava sei munhu anoziva zvaanoita. Zvose izvi zvichakugadzirira kuva neropafadzo huru dzebasa nokufamba kwenguva.

8 Chinhu chinokosha kuti ubudirire mubasa renguva yakazara ndechokushingaira mubasa raMwari. Muapostora Pauro akakurudzira maitiro akadaro, uye akataura zvikomborero zvinozovapo achiti: “Zvose zvamunoita, zvishandei nemweya wose sokuna Jehovha, . . . nokuti munoziva kuti muchawana mubayiro wakafanira . . . kubva kuna Jehovha.” (VaK. 3:23, 24) Jehovha ngaakukomborerei nomufaro mukuru mubasa renguva yakazara!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe