RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/94 p. 1
  • Sanoziva Hama Dzako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sanoziva Hama Dzako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • “Dananai Norudo Rukuru”
    Vakabatana Mukunamatwa kwaMwari Wechokwadi Bedzi
  • “Dananai Zvikuru”
    Namata Mwari Wechokwadi Bedzi
  • Rudo Rwenyu Sehama Ngarwurambe Rwuchiwedzera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Ziva Hama Dzako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 8/94 p. 1

Sanoziva Hama Dzako

1 Ukama hwedu navanamati biyedu hunobatanidza zvinopfuura kungopinda chete misangano navo paHoro yoUmambo. Tiri vaiti vokuda kwaMwari, uye ikoko kunotipinza muukama hwomudzimu naJesu. (Mark. 3:34, 35) Ikokowo, kunotipinza muukama hwemhuri hwomudzimu navamwe muungano yechiKristu, hama nehanzvadzi dzedu dzomudzimu, avo tinorayirwa kuda. (Joh. 13:35) Nokudaro, avo vanosonganirana ne“mitezo yeimba yaMwari” vanofanira kuvavarira kusanozivana.—VaEf. 2:19, NW.

2 Ziva Hama Dzako Nezita: Unoziva here mazita ehama dzose nehanzvadzi vari muFundo yenyu yeBhuku yeUngano? Boka racho rinowanzova duku, kuchikuita kuve nyore kuziva mazita avazhinjisa, kana vasiri vose, vanopinda. Kana usingambozivi mazita avo, unogona kutaura here kuti unosanovaziva?

3 Zvakadiniko nokuziva vamwe, kubatanidza vana, vanopinda misangano paHoro yoUmambo? Tingada kusonganirana neboka duku chete reshamwari. Nepo kusina kuipa kufarikanya ruwadzano rwenguva dzose navakati, hatingadi kuganhurira kwaziso dzoushamwari nekurukurirano inovaka kuvashomanene chete. Tinofanira “kukura,” tichiita nhamburiko dzokusvika pakusanoziva hama dzedu dzose nehanzvadzi. (2 VaK. 6:11-13, NW) Ikoko sezvinooneka kwaizobatanidza kusvika pakuvaziva nezita.

4 Hama dzinoitisa misangano yeungano dzinofanira kuedza kusvika pakuziva mazita avose vanopinda. Kudana mumwe nomumwe nezita uri pachikuva kunovaita vanzwe kuti tsinhiro dzavo dzinoongwa, uye panguva imwe cheteyo, kunobetsera vamwe kuziva mazita avo. Chokwadika, nguva dzose kuchava navamwe vatsva kana kuti vashanyi muvateereri, kuchikuita kuve kwakaomera munhu ari wose kuziva zita riri rose. Kunyanguvezvo, nhamburiko yechokwadi inopfuurira inokurudzira kuvamwe uye inoratidzira fariro yechokwadi yomunhu oga.—VaR. 1:11, 12.

5 Tanga Kuti Usvike Pakusanorovedzana: Vatariri vanofambira vanowanzokwanisa kusvika pakusanorovedzana nechiverengero chikuru chehama nehanzvadzi. Vanokuita sei? Munzira huru nhatu: (1) Vanogaroshanda navo mubasa romumunda; (2) sezvo migariro yavo inobvumidza, vanogamuchira kukoka kwokuvashanyira mumisha yavo; uye (3) vanotanga kukwazisa vose vari vaviri vakura nevana pamisangano.

6 Unogona kuona here nzira dzokukudza nadzo musonganiro dzako ndokusvika pakuziva hama dzako zviri nani? Tinogona zvamazvirokwazvo kukoka vamwe kuti vatiperekedze mubasa romumunda. Kuenda paimba neimba, kuita shanyo dzedzokerero, kuenda pafundo dzeBhaibheri, kana kuti kupupurira mumugwagwa nemagazini dzose inzira dzakaisvonaka dzokusvika pakusanorovedzana. Kwakanakawo kukoka vamwe kuti vashanyire musha wako, zvichida kugoverana zvokudya kana kuti donhodzo panhambo nenhambo. Kutanga kusvika vatsva kana kuti avo vanonyara hakusati bedzi kuchiita zvakawanda kukuvavaka nenzira yomudzimu asiwo kunounza tuso huru.—Mabasa 20:35; 1 VaT. 5:11.

7 Pauro aisanoziva hama dzake. Kududza kwake somunhu oga vazhinji vadzo nezita mutsamba dzake kwakanga kuri ufakazi hwefariro yake isina udyire mavari nokudzida kwake kwechokwadi. (1 VaT. 2:17; 2 Tim. 4:19, 20) Nhamburiko dzedu dzokusanoziva hama dzedu dzichareva zvikomborero nokuda kwedu tose.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe