Chengeta Chimiro Chendangariro Chakanaka
1 Tinofadzwa sei kurava pamusoro pewedzero dzinoshamisa dziri kuitika munyika zhinji! Bva, tinoziva kuti mudzimwe nharaunda vaparidzi voUmambo vanowanzonangana nokusakendenga, kusakatara, kana kuti kunyange kudzivisa chose chose basa redu rokuparidza. Tinogona sei kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka kana ikoku kwakadaro mundima yedu? Tinogona sei kudzivisa chimiro chendangariro chakaipa chingatibira mufaro wedu kana kuti kuderedza kushingairira kwedu basa rokuita vadzidzi?
2 Chimiro chendangariro chakanaka chichatibetsera kuchengeta dzikamo yedu. Kunyange mumigariro yakaoma, hatifaniri kubvumira mirangariro yakaipa kudzora murangariro wedu. Jesu akatigadzira muenzaniso wakakwana. Vanhu vashomanene zvikuru vakagamuchira zvaakadzidzisa. Vazhinji vakagumburwa nedzidziso yake. Akatarisana nemigariro yakaedza zvikuru tsungiriro yake. Vatungamiriri vorudzidziso vakatsoropodza basa rake uye vakarangana kumuuraya. Akapfirwa mate, akambamurwa, akasekwa, akarohwa, uye pakupedzisira akaurawa. Bva, akawana mufaro mubasa raakanga achiita. Neiko? Akaziva kukosha kwokuita kuda kwaMwari, uye haana kurega.—Joh. 4:34; 13:17; VaH. 12:2.
3 Chengeta Murangariro Wakafanira Woushumiri Hwedu: Kuti tiite ikoku, tinofanira kurangarira zvinhu zvinoverengeka. Yeuka kuti tine shoko iro vanhu vazhinjisa vanofuratira kana kuti kushora. (Mat. 13:14, 15) Kunyange zvazvo vaapostora vakarayirwa nenzira yapamutemo kurega kudzidzisa pahwaro hwezita raJesu, vakaramba vakatendeka kubasa ravo rokuparidza, uye mukohwe wakaramba uchipinda. (Mabasa 5:28, 29; 6:7) Tinoziva pachine nguva mberi kuti mudzimwe ndima, vanhu vashomanene zvikuru vachateerera. (Mat. 7:14) Nokudaro, tine chikonzero chokufara kana munhu mumwe bedzi mundima yedu akateerera. Yeukawo, kuti kunyange vanoshora vanofanira kupiwa banza rokunzwa. (Ezek. 33:8) Vamwe vashori pakupedzisira vanochinja uye vanova vanamati vaJehovha. Apo hunorangarirwa nenzira yakafanira, ipapoka, ushumiri hwedu hunotiunzira kunzwa kwokubudirira, kunyange kana vashomanene vachiteerera. Kuvapo kwedu kumene pamasuo tine shoko roUmambo hwaMwari uchapupu.—Ezek. 2:4, 5.
4 Tine chikonzero chakanaka chokunzwa zvakanaka mumurangariro wedu. Kubudirira kwebasa romunyika yose noufakazi hunowedzera hwokuva pedyo kwedambudziko guru zvinofanira kusunda isu tose kuita unani hwedu mukubatira nokuzvipira kwoumwari. (2 Pet. 3:11, 14) Mubato wokushingaira mukati maAugust ungava nzira yakaisvonaka yokuratidza nayo kuonga kwedu zvatakadzidza. Tinodawo kuti vachangobva kusonganira varatidzire chimiro chendangariro chakanaka kukushandisa zvavari kudzidziswa. Kana vamwe vevadzidzi vedu veBhaibheri vafambira mberi kupfundo rokuva vakagadzirira kuva vaparidzi vasina kubhapatidzwa, mwedzi waAugust ungava nguva yakaisvonaka yokuvaita kuti vatange.
5 Tingave tichibatira savaparidzi kana kuti samapiyona, tose zvedu tinobetserwa kana tikarangarira kuti izvo Jehovha anotikumbira hazviremi. (1 Joh. 5:3) Anopikira kutitsigira. (VaH. 13:5b, 6) Pasinei zvapo nokusakendenga kwavanhu, kusakatara, kana kuti kudzivisa, tinofanira kuva vakanaka ndokuramba tichiparidza nemhaka yokuti kuda kwaMwari kuti tiite saizvozvo.—1 Tim. 2:3, 4.