RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/94 p. 2
  • Misangano Yebasa yaAugust

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaAugust
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naAugust 1
  • Vhiki Inotanga naAugust 8
  • Vhiki Inotanga naAugust 15
  • Vhiki Inotanga naAugust 22
  • Vhiki Inotanga naAugust 29
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 8/94 p. 2

Misangano Yebasa yaAugust

CHEREKEDZAI: Ushumiri Hwedu hwoUmambo hucharonga Musangano Webasa wevhiki imwe neimwe muna August. Ungano dzingaita gadziridzo sezvinodikanwa kubvumira kupinda “Rutyo Rwoumwari” Kokorodzano Yoruwa uye kuhwirudzurwa kwamaminiti 30 kwamapfundo makuru epurogiramu vhiki inotevera yacho. Hwirudzuro yezuva nezuva yepurogiramu yekokorodzano yoruwa inofanira kugoverwa pachine nguva mberi kuhama mbiri kana kuti nhatu dzakakwaniriswa dzichakwanisa kunangidzira ngwariro pamapfundo akatanhamara. Hwirudzuro iyoyi yakasanogadzirirwa ichabetsera ungano kuyeuka mapfundo makuru okushandisa somunhu oga mumunda. Tsinhiro dzinobva muvateereri nezvakaitika zvinorondedzerwa zvinofanira kuva zvipfupi uye zvakananga.

Vhiki Inotanga naAugust 1

Rwiyo 159

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo neZviziviso zvakakodzera zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo. Enzanisirai mapfundo okutaura ari mumagazini azvino uno anogona kusimbiswa mubasa romumunda kupera kwevhiki ino.

15 min: “Chengeta Chimiro Chendangariro Chakanaka.” Mibvunzo nemhinduro. Bvunzurudzai nokupfupikisa piyona kana kuti muparidzi wenguva refu uyo acharondedzera kuti kwave kuchibvira sei kuchengeta chimiro chendangariro chakanaka pasinei zvapo nokusakendenga kana kuti kudzivisa zviri mundima.

15 min: “Mabhurocha—Maturusi Anokosha nokuda Kwoushumiri.” Kurukurai navateereri. Gadzirirai mienzaniso miviri yakasanogadzirirwa yemharidzo dzakakarakadzwa. Bhurocha rimwe nerimwe rinogoverwa nokuda kwe$2,30. Ratidzirai mamwe amabhurocha achagoverwa mukati maAugust. Yeuchidzai vateereri kuwana makopi okushandisa mubasa vhiki ino.

Rwiyo 142 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 8

Rwiyo 216

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo nenyaya inoti “Makaita Zvakanaka!”

15 min: “Sanoziva Hama Dzako.” Mibvunzo nemhinduro. Kumbirai vateereri kurondedzera zvakaitika zvipfupi zvinoratidza nzira yavakakwanisa nayo kurovedzana zviri nani navamwe kupfurikidza nokushandisa zvikarakadzo zviri mundima 6.

20 min: “Wakagadzirira Here Kutarisana Nomugariro Wokurapwa Unodenha Kutenda?” Kurangarira nemibvunzo nemhinduro kunoitwa nomukuru anokwanisa, achifukidza ndima 1-22. Simbisai kusamira kusvikira chimwe chinhu chaitika musati mafunga nezvechokuita. Rongai zvino pachine nguva mberi semhuri. Ivai vakagadzirira!

Rwiyo 182 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 15

Rwiyo 166

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo, kubatanidza mushumo weakaunzi nokubvumwa kwokugamuchirwa kwemipiro.

15 min: “Kusakurira Fariro Pashanyo Dzedzokerero.” Kurukurai navateereri. Batanidzai mienzaniso miviri yemaminiti 3 inoratidza nzira iyo mharidzo dzinogona kushandiswa nayo kuita shanyo dzedzokerero. Kurudzirai nhamburiko dzokutanga fundo dzeBhaibheri.

20 min: “Wakagadzirira Here Kutarisana Nomugariro Wokurapwa Unodenha Kutenda?” Mukurukuri ane ruzivo rwokuzviwanira anopa hurukuro yakajeka pamashoko anobva mundima 23 kusvikira kumugumo wewedzero yacho, achisimbisa betsero dzokushanda navakuru naMatare Okubatana Nechipatara pakutarisira migariro ine ngozi yokurapwa.

Rwiyo 96 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 22

Rwiyo 218

5 min: Zviziviso zvomunzvimbomo.

15 min: Ndinogona Sei Kuswedera Pedyo naMwari? Muenzaniso wefundo yemhuri. Vabereki vanokurukura mashoko ari muganhuro 39 yebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku navana vechiduku. Fukidzai musoro muduku unoti “Kuzivisa Pamhene Ushamwari Hwako naMwari,” pamapeji 315-18. Vana vacho vanonyunyuta pamusoro pokunzwa vachikwenudzwa pakuenda pasuo nesuo uye vanorondedzera misangano seinodzokorora zvinhu zvimwe chetezvo uye yakanyanyisa. Vabereki vanorangarira navo nenzira yomutsa, vachionesa nheyo dzapaMagwaro idzo dzinoratidza kuti iyi mibato inokosha kana vachizochengeta ukama hwakanaka naJehovha.

25 min: “Ramba Uchifamba Nenzira Inofambira Mberi Mumuitiro Une Nhevedzano.” Mibvunzo nemhinduro.

Rwiyo 184 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naAugust 29

Rwiyo 199

13 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ratidzai gadziriro dzebasa romumunda dzokupera kwevhiki. Bvunzurudzai muparidzi mumwe kana kuti vaviri vakakwanisa kuita upiyona hwebetsero kana kuti vakakudza neimwe nzira mubato wavo mukati memwedzi yakapfuura. Vanorondedzera mimwe yemifarwa yakawanwa.

15 min: “Unogona Kukumbanira Zvakare Mapoka Here?” Kurukurai navateereri. Batanidzai zvakaitika zvipi nezvipi zvomunzvimbomo zvinoratidza nzira iyo mumwe munhu akakwanisa nayo kupinda zvakare mubasa roupiyona kana kuti nzira iyo mhuri yakabatira pamwe nayo kubetsera mutezo wemhuri kushandisa ropafadzo iyoyi.

17 min: Govera Bhuku raKurarama Nokusingaperi Mukati maSeptember. Kurudzirai nhamburiko dzembavarira dzokugovera bhuku irori ndokutanga fundo dzeBhaibheri mukati maSeptember. Rakabudiswa muna 1982 uye chifo chenguva iyeyo rave richishandiswa seturusi guru rokuitisa fundo dzeBhaibheri. Makopi akabudiswa pakokorodzano aiva neshoko iri: “Bhuku iri idzva refundo rine chinodikanwa chaizvo kubetsera vamwe vazhinji kugoverana tariro imwe cheteyo yatinayo. . . . Rine zvokwadi dzose dzinokosha dzeBhaibheri idzo vatsva vanofanira kunzwisisa kuti vatsaurire upenyu hwavo kuna Jehovha nokumubatira nenzira inogamuchirika.” Miuyo inoratidzwa muwedzero muvaparidzi kubva kuvane 2 652 323 muna 1983 kusvika kuvane 4 709 889 muna 1993. Kumbirai vanhu vamwe navamwe kurondedzera nzira yavakadzidza nayo zvokwadi kupfurikidza nokufunda bhuku irori kana kuti nzira yavakabetsera nayo vamwe kupfurikidza nokurifunda navo. Kana nguva ichibvumidza, onesai mamwe mativi ebhuku racho anogona kusimbiswa pakurigovera, uye yeuchidzai kuti iro rinowanika zvino nokuda kwomupiro we$23,00.

Rwiyo 161 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe