RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 9/98 p. 1
  • Ziva Hama Dzako

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ziva Hama Dzako
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
  • Mashoko Akafanana
  • Sanoziva Hama Dzako
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Hama Nehanzvadzi Dzedu Ndivanaani?
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Kurukurirano Inovaka
    Bhuku rinoTungamirira reChikoro choUshumiri choUbati-ushe hwoUmwari
  • ‘Rambai Muchikurudzirana Zuva Rimwe Nerimwe’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1998
km 9/98 p. 1

Ziva Hama Dzako

1 Bhaibheri rinorondedzera shamwari yechokwadi somunhu anonamatira zvikuru kupfuura hama, ane rudo nokuvimbika zvisingachinji chinji, uye anobetsera shamwari yake mumatambudziko. (Zvir. 17:17; 18:24) Hatingashayiwi shamwari dzakadaro muungano kana tikaita nhamburiko yokuzivana nokudanana.—Joh. 13:35.

2 Mikana yakaisvonaka yokuzivana nehama dzedu inowanika tisati tatanga misangano kana kuti tapedza. Kuregererei kusvika nokukurumidza ndokunonoka kubva pashure pacho kuitira kuti ugone kuwana kusonganirana kwoushamwari nokunofadza? Tsvaka hama dzakasiyana-siyana dzokukurukura nadzo, kubatanidza dzakakura dzine ruzivo rwakawanda neduku kana kuti dzinotya.

3 Tanga Kurukurirano: Usagumire pakungokwazisa hama dzako chete. Unogona kutanga kurukurirano kupfurikidza nokutaura zvakaitika muushumiri hwomumunda, mufungo unofadza uri mumagazini yazvino uno, kana kuti kutaura nezvomusangano uchangobva kupera. Unogona kudzidza zvakawanda pamusoro pehama dzako kupfurikidza nokuva muteereri akanaka, uchivakurudzira kutaura pamusoro pezvakaitika kwavari uye zvinhu zvavari kudzidza. Kungobvunza kuti vakasvika sei pakuziva Jehovha kungaburitsa zvakawanda. Vamwe vakapfuura nomuzvakaitika zvinosimbisa kutenda muupenyu hwavo, nepo vamwe iko zvino chaiye vari kutsungirira zvinetso zvingava zvakaomera vakawanda kufungidzira. Seshamwari dzechokwadi, kuziva izvi, kuchatibetsera kuva vanoitira hanya zvikuru nevanoita chimwe chinhu kuzvinodikanwa zvavamwe.

4 Shamwaridzanai: Pashure pokufa kwemwana wayo, imwe hanzvadzi yakazviwana zvakaoma kuimba nziyo dzoUmambo dzinodudza rumuko. Inoyeuka kuti: “Pane imwe nguva, imwe hanzvadzi yakanga yakagara rumwe rutivi rwomunofambwa namo yakandiona ndichichema. Yakauya, ndokundigumbatira, ndokuimba neni rwiyo rwacho rwose rwakanga rwasara. Ndakanzwa ndazara kwazvo norudo nokuda kwehama nehanzvadzi uye ndichifara kuti takanga taenda kumisangano, tichiziva kuti ndiko kwatinobetserwa, ikoko kuHoro yoUmambo.” Tinofanira kushamwaridzana nehama dzedu kupfurikidza nokudzinyaradza pazvinenge zvakafanira nokudzikurudzira nguva dzose.—VaH. 10:24, 25.

5 Sezvo nyika ino inova inodzvinyirira zvikuru, ngatitsungei kuzivana nehama dzedu zviri nane. Uku kukurudzirana kwechokwadi kuchaita kuti vose vakomborerwe.—VaR. 1:11, 12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe