RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/94 p. 3
  • Misangano Ine Revo Yebasa Romumunda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Ine Revo Yebasa Romumunda
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Nemisangano Yebasa Romumunda Inobatsira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2015
  • Batsirwa Zvizere Nemisangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Bhokisi Remibvunzo
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2001
  • Misangano Yebasa Romumunda
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2009
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 6/94 p. 3

Misangano Ine Revo Yebasa Romumunda

1 Pana Ruka 10:1-11, tine chinyorwa chomusangano uyo Jesu akaita navadzidzi 70 vakanga vachangobva kugoverwa kuvabetsera kugadzirira nokuda kwebasa romumunda. Akagovera nhungamiro chaidzo kuvabetsera kuva vakarongeka, kugadzirira izvo vaizotaura, uye kubata nemigariro yakaoma. Tinogona kudzidza kupfurikidza nokunzvera iyi nhauro.

2 Sezviri pachena vadzidzi vose 70 vakanga varipo nokuda kwomusangano naJesu. Nguva yakawanda inopambadzwa pamisangano yebasa kana vamwe vanhu vachinonoka kuuya nguva dzose. Kunonoka kusvika kwavo nguva dzose kunoita kuti kuve kuri madikanwa kurongazve mapoka pamwe chete nemigove yendima. Ikoku kazhinji kazhinji kunoparira boka rose kunonotswa. Tose zvedu tinogona kuita rutivi rwedu kupfurikidza nokusvika panguva uye kuva vakagadzirira kupfuurira nokukurumidza kundima.

3 Jesu akapa boka musoro chaiwo wekurukurirano wokuti vashandise, ndiko kuti, “umambo hwaMwari.” (Ruka 10:9, NW) Tinogoverwa kuparidzira shoko rimwe chetero, uye tinoonga nguva dzose zvikarakadzo zvinobetsera paizvo tinofanira kutaura. Muitisi anganongedzera kubhuku raKurangarira, iro rinogovera sumo dzakasiyana-siyana dzinopfuura 40 uye Magwaro akafanira ayo anogona kushandiswa mumhatsa huru yemigariro. Hwirudzurwo pfupi yemharidzo imwe kana kuti mbiri inogona kutibetsera kuva nechimwe chinhu mundangariro chokuti titaure, kuchitigonesa kutaura nechivimbo chikuru pamasuo.

4 Jesu haana kuudza bedzi vadzidzi vake chokutaura asi akavaudza nzira yokuchitaura nayo. (Ruka 10:5, 6) Mienzaniso inoratidzirwa papurogiramu yoMusangano weBasa inotiratidza nzira yatinogona kutaura nayo isu timene nomutoo unobudirira. Muitisi angahwirudzura izvo zvakapiwa pamusangano wokupedzisira ndokupa zvikarakadzo panzira yazvinogona kushandiswa nayo mubasa zuva iroro. Muenzaniso mupfupi wakagadzirirwa wemharidzo yakapfava yapaMagwaro unogona kutibetsera kuunganidza mifungo yedu ndokuiisa mumashoko.

5 Jesu akarairidzawo vadzidzi vake pamusoro pomufambiro wavo womunhu oga. (Ruka 10:7, 8) Muitisi nomutoo wakafanana angatipa nhungamiro yakananga kutibetsera kudzivisa chinhu chipi nechipi icho chingatsausa pabasa redu. Angatinyevera pamusoro pokuungana pamakona emigwagwa kana kuti kupambadza nguva tichipokanidzana navashori. Angatiyeuchidza nezvekudikanwa kwokuchengeta chinyorwa chakarurama chapaimba neimba. Vabereki vangada chiyeuchidzo pamusoro pokusanotarisisa vana vavo.

6 Vadzidzi vane 70 vakabatira pamwe nemirairidzo yaJesu uye pashure “vakadzoka nomufaro.” (Ruka 10:17) Kana tikaita chimwe chinhu pamusoro penhungamiro iyo tinogamuchira pamisangano yebasa, isuwo tinogona kukarira mufaro wakawedzerwa mukuparidzira shoko roUmambo.—Mabasa 13:48, 49, 52.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe