Zviziviso
◼ Mabhuku anogoverwa nokuda kwaJune: Bhaibheri—iShoko raMwari Here Kana Kuti Romunhu? kana kuti rimwe bhuku ripi neripi ramapeji 192 nokuda kwe$5,50. July: Mubatanidzwa wamabhukwana api naapi amapeji 32 pamwe chete nebhukwana raMidzimu Isingaoneki. August: Ripi neripi ramabhurocha anotevera amapeji 32 ringagoverwa: Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here? Farikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi!, “Tarirai! Ndiri Kuita Kuti Zvinhu Zvose Zvive Zvitsva,” Unofanira Kudavira Utatu Here?, Zita raMwari Richigara Nokusingaperi, Hurumende Ichaunza Paradhiso, uye Chii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana? September: Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. CHEREKEDZAI: Ungano dzichada zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuzviodha paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.
◼ Mutariri anotungamirira kana kuti mumwe munhu anosarudzwa naye anofanira kuongorora akaunzi dzeungano pana June 1 kana kuti nokukurumidza sezvingabvira pashure. Itai chiziviso kuungano apo ikoku kunenge kwaitwa.
◼ Tiri kukumbira vose avo vakava nezvinoitika zvinofadza kunyora izvozvi ndokuzvitumira kuhofisi yedu. Nokukurumidza pakugamuchira ichi chinyorwa choHushumiri Hwedu hwoUmambo, tapota titumirei izvi zvinoitika, kana muine chipi nechipi.
◼ SHANDISAI NGUVA DZOSE NHAMBA YEUNGANO YENYU: Tapota ivai nechokwadi chokuti munoratidza nhamba yeungano yenyu zvakarurama patsamba dzose dzinotumirwa kuSosaiti. Pasinei zvapo nokuti tsamba yacho ndeyeyi, munofanira kuva nechokwadi chokunyora nhamba yeungano yenyu pairi. Mungave muchikumbira mukurukuri wapaBheteri kana kuti kutumira S-20 kana kuti chinhu chipi nechipiwo zvacho. Nguva imwe neimwe tapota nyorai nhamba yeungano yenyu zvakatsvinda. Mazvita.
◼ Apo ungano inenge ine Zuva reGungano Chairo paChitanhatu, Svondo rinofanira kutsaurirwa kubasa romumunda pasina misangano sezvo fundo yeNharireyomurindi ichibatanidzwa mupurogiramu yeZuva reGungano Chairo paChitanhatu.
◼ Zviri mudura zvakare muZimbabwe: ChiNgezi: Emphatic Diaglott; The Kingdom Interlinear Translation of the Greek Scriptures; Watchtower Bound Volumes 1969-1974; 1980; 1986-1988.
◼ Zvinyorwa zvitsva zvinowanika: ChiNgezi: Watch Tower Publications Index 1991-92. Zulu: Jehovah’s Witnesses—Proclaimers of God’s Kingdom.
◼ Kaseti itsva yechinoitika inowanika: ChiNgezi: Doing What Is Right in Jehovah’s Eyes.