RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w15 2/15 pp. 3-4
  • Chipo Chakapiwa Vanhu vokuJapan

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chipo Chakapiwa Vanhu vokuJapan
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ZVII ZVIRI MUKABHUKU KACHO?
  • KAKANYORERWA VANHU VOMUNDIMA YEJAPAN
  • VANHU VARI KUTI CHII NEZVEKABHUKU AKA?
  • Kupupurira Mubhizimisi Mutoo weJapan
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
w15 2/15 pp. 3-4
Bhaibheri—Evhangeri yaMateu

Chipo Chakapiwa Vanhu vokuJapan

PAMUSANGANO unokosha wakaitwa kuNagoya, Japan, musi wa28 April 2013, Hama Anthony Morris, avo vari muDare Rinodzora, vakapa chiziviso chakafadza vanhu vakawanda. Vakazivisa nezvokubudiswa kwekabhuku katsva mumutauro wechiJapanese kane musoro unoti Bhaibheri—Evhangeri yaMateu. Vanhu vose vaivapo pamusangano uyu kusanganisira vaiona purogiramu iyi pamasikirini vari kune dzimwe nzvimbo vaiva 210 000, uye vakaombera vaomberazve.

Kabhuku aka keEvhangeri yaMateu kane mapeji 128. Kakadhindwa kubva muShanduro yeNyika Itsva yemutauro wechiJapanese uye kakasiyana nemamwe mabhuku. Hama Morris vakataura kuti kakabudiswa kuti kabatsire vanhu vechiJapanese. Zvii zviri mukabhuku aka? Nei kakanyorwa? Uye vanhu vari kuti chii nezvako?

Vaparidzi vachifara nokuti vagamuchira kabhuku katsva pamusangano unokosha

ZVII ZVIRI MUKABHUKU KACHO?

Vateereri vakashamiswa nemanyorerwo akaitwa kabhuku aka kaMateu. Mavara echiJapanese anogona kunyorwa achibva kumusoro achidzika pasi kana kuti achibva kuruboshwe achienda kurudyi, uye mabhuku akawanda emunyika iyoyo, kusanganisira mabhuku edu atichangobudisa, akanyorwa achibva kuruboshwe achienda kurudyi. Asi mashoko ari mukabhuku aka akanyorwa achibva kumusoro achidzika pasi uye manyorero aya ndiwo anowanzoshandiswa mumapepanhau nemamwewo mabhuku omuJapan. Vanhu vakawanda vokuJapan vanoti mabhuku anonyorwa seizvi ari nyore kuverenga. Uyewo, misoro inowanzonyorwa kumusoro kwepeji yakabviswa ndokuiswa mukati mepeji kuita kuti vaverengi vakurumidze kuona pfungwa dzinokosha.

Mukadzi ari kuverenga kabhuku katsva

Hama nehanzvadzi dzokuJapan dzakabva dzangotanga kuverenga kabhuku aka kaMateu. Imwe hanzvadzi ine makore okuma80 yakati: “Ndakaverenga bhuku raMateu kakawanda, asi manyorerwo akaitwa iri uye misoro miduku irimo, zvakandibatsira kunyatsonzwisisa Mharidzo yepaGomo.” Imwewo hanzvadzi yakati: “Pandakatanga kuverenga kabhuku kaMateu, ndakabva ndangokapedza kose. Ndajaira kuverenga mashoko akanyorwa achibva kuruboshwe achienda kurudyi, asi vanhu vakawanda vekuJapan vanoda kuverenga zvinhu zvakanyorwa zvichidzika pasi.”

KAKANYORERWA VANHU VOMUNDIMA YEJAPAN

Nei bhuku rimwe chete iri reBhaibheri richibatsira chaizvo mundima yokuJapan? Kunyange zvazvo vanhu vakawanda vokuJapan vasingazivi zvakawanda nezveBhaibheri, vanoda kuriverenga. Kabhuku aka keEvhangeri yaMateu kachaita kuti vanhu vasati vamboona Bhaibheri vavewo nechikamu charo uye vochiverenga.

Murume nomudzimai vakabata tumabhuku tunonzi Bhaibheri—Evhangeri yaMateu

Pamabhuku ose eBhaibheri, nei bhuku raMateu riri iro rakasarudzwa? Vanhu vakawanda vokuJapan pavanonzwa shoko rokuti “Bhaibheri,” vanobva vafunga nezvaJesu Kristu. Saka bhuku raMateu ndiro rakasarudzwa nokuti rine nhoroondo yedzinza raJesu uye yokuzvarwa kwake. Rinewo Mharidzo yepaGomo yakakurumbira yaakapa, uye uprofita hwaakataura hwemazuva okupedzisira. Nyaya idzi ndidzo dzinofarirwa nevanhu vechiJapanese vakawanda.

Vaparidzi voUmambo vokuJapan vakatanga kuparadzira kabhuku aka katsva paimba neimba uye pavaidzokera kunoona vanenge vafarira. Imwe hanzvadzi yakanyora kuti: “Iye zvino ndava nemikana yakawanda yokugovera Shoko raMwari kuvanhu vomundima yedu. Ndakatokwanisa kugovera kabhuku kaMateu masikati chaiwo atakaita musangano uyu unokosha!”

VANHU VARI KUTI CHII NEZVEKABHUKU AKA?

Vaparidzi vanotanga sei kukurukura nevanhu pakugovera kabhuku kaMateu? Vanasaimba vakawanda vokuJapan vanoziva mashoko akadai seokuti, “gedhi rakamanikana,” ‘kukanda maparera pamberi penguruve,’ uye okuti “musambozvidya mwoyo pamusoro pezuva rinotevera.” (Mat. 6:34; 7:6, 13) Vanoshamiswa pavanoziva kuti mashoko aya akataurwa naJesu Kristu. Pavanoona mashoko iwayo muEvhangeri yaMateu, vakawanda vanoti: “Ndagara ndichida kumboverengawo Bhaibheri kunyange kamwe chete zvako.”

Vaparidzi pavanodzokera kunoona vanasaimba vavanenge vagovera kabhuku kaMateu aka, vanasaimba vacho vanowanzotaura kuti vakabva vangotanga kukaverenga uye vamwe vanoti vakatokapedza kese. Mumwe murume ane makore okuma60 akaudza mumwe muparidzi kuti: “Ndakakaverenga kakawanda uye kakandinyaradza. Ndinokumbirawo kuti mundidzidzise zvakawanda nezveBhaibheri.”

Kabhuku kaMateu kari kugoverwawo munzvimbo dzinowanikwa vanhu vakawanda. Mumwe muparidzi paaiita ushumiri uhwu, akapa mumwe musikana ainge atora kabhuku kacho kero yake yee-mail. Papera awa, musikana wacho akanyorera muparidzi uya tsamba achitaura kuti ainge averenga chikamu chebhuku iri reBhaibheri uye aida kuziva zvakawanda. Papera vhiki, akatanga kudzidza Bhaibheri uye akatanga kupinda misangano.

Vaparidzi vari kuparidza munzvimbo inowanikwa vanhu vakawanda vachishandisa kabhuku kanonzi Bhaibheri—Evhangeri yaMateu

Makopi anopfuura 1 600 000 ekabhuku kanonzi Bhaibheri—Evhangeri yaMateu akatumirwa kuungano dzomuJapan, uye mwedzi nomwedzi, Zvapupu zviri kugovera zviuru zvakawanda zvekabhuku aka. Mashoko okutanga ari mukabhuku aka anotaura manzwiro evabudisi vacho achiti: “Tinovimba kuti kuverenga kabhuku aka kuchaita kuti uwedzere kuda Bhaibheri.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe