RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 2/1 p. 31
  • Kupupurira Mubhizimisi Mutoo weJapan

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kupupurira Mubhizimisi Mutoo weJapan
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Paridza Mashoko Akanaka Kwose Kwose
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Kuparidza Kwatingaita Mundima Yebhizimisi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2004
  • Shandisa Zvakanakisisa Magazini Edu
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Chipo Chakapiwa Vanhu vokuJapan
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 2/1 p. 31

Kupupurira Mubhizimisi Mutoo weJapan

MURAIRO waJesu Kristu wokusaidzira basa rokupupurira ku“rutivi rwuri kure zvikurusa papasi” unofanira kubatanidza nharaunda dzebhizimisi. (Mabasa 1:8, NW) MuJapan, kupa uchapupu hwoUmambo kuvanhu vanoshanda mumasangano avose nehofisi dzamakambani makuru kunopa denho chose. Vaparidzi voUmambo vomuimwe ungano vakawana mvumo yokupupurira namagazini muchimwe chivako chamahofisi chomuguta mukati mokuzorora kwokudya kwamasikati. Vaparidzi havana kungonyengetera bedzi kuna Jehovha kuti avape ushingi asi vakapa ngwariro huru kumupfekero wavo nomufambiro uye vakatogadzirira makadhi anoratidza mazita avo nokuvazivisa seZvapupu zvaJehovha.

Chapupu chaisvika mushandi, chichiti: “Pamusoroi, ndakapiwa mvumo yokutaura kuvanhu muno. Mungada here kunditeerera muchidya zvenyu?” Zvapupu zvaifanira kuratidza chisarudzo chakanaka ndokushandisa mashoko aka“rungwa nomunyu.” (VaKkorose 4:6) Pashanyo yavo yokutanga, vakagovera magazini 39, asi kwakatora shanyo ina kufukidza chivako chose chine nhurikidzwa sere umo vanhu vane 1 500 vanoshanda. Ivo vakagovera hwerengedzo yamagazini anopfuura zana uye vakakwanisa kutanga kunomirirwa magazini ndokuita shanyo dzedzokerero.

Mumwe wavaparidzi akaita shanyo yedzokerero pana menija. Apo akanzwa rugwaro ruchiraviwa muNew World Translation, iye akati: “Iri Bhaibheri riri nyore kunzwisisa. Randakarava kare rakanga riri muchiJapan chakare uye rakanga rakaoma zvikuru kurava.” Kopi yeNew World Translation yakaendeswa kwaari muvhiki rakatevera racho.

Iwe unogona kuita zvakawanda here mundima yeungano yenyu kuparidzira mashoko akanaka ku“marudzi ose avanhu,” kubatanidza avo vari mumaruwa ebhizimisi?—Enzanisa na 1 Timotio 2:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe