Vakapondwa Mukirasi Kunyaradza Kwakazoitwa Vanhu
PEJI rokutanga repepanhau raive dema-dema. Nechepakati paro paive pakanyorwa shoko rimwe chete rokuti: “Nei?” Uyu ndiwo mubvunzo wakabvunzwa kakawanda nevanhu pashure pokunge mumwe mukomana aive nemakore 17 apfura vanhu 15 uye paakazoguma nokuzvipfura kuWinnenden iri kumaodzanyemba kweGermany. Mireza yose yokuGermany yakadzikiswa, uye nhau dzaitaura nezvechiitiko chinosuwisa ichi dzakakurumidza kupararira munyika yose.
Winnenden iguta rakabudirira uye rine runyararo neminda yemizambiringa nemapindu. Mangwanani omusi waMarch 11, 2009 akatanga achingoita semamwe ose paChikoro cheSekondari cheAlbertville. Nenguva isipi, na9:30 mangwanani, pakava nechisimba nemhirizhonga.
Rimwe jaya rakangoti pfacha pachikoro paraimbodzidza rakafufutirwa nehasha riine pfuti yarakanga ratora muimba inorara vabereki varo. Risingadyi manonoko, rakauraya vadzidzi vapfumbamwe nevadzidzisi vatatu vaiva mumakirasi matatu nomukoridho, ndokukuvadza vamwe vakawanda. Pasina nguva, mapurisa akasvika. Mhondi yacho yakatizira kuchivanze chechipatara chevarwere vepfungwa chaiva pedyo. Ikoko yakauraya mumwe mushandi wepachipatara chacho. Yadaro yakapamba motokari, ndokuita kuti ityairwe yakanongedza mutyairi wacho pfuti. Makiromita anenge 40, mutyairi wacho akazokwanisa kutiza. Pane imwe nzvimbo inotengeswa motokari, mhondi yacho yakauraya mumwe mutengesi nomutengi ndokukuvadza zvakaipisisa mapurisa maviri ainge akati name name naye. Mapurisa paakanga ava kuda kumubata, akabva azvipfura mumusoro.
Maererano nevaya vaiziva mhondi iyi, yaingova mukomana akafanana nevamwe vose aida kudiwawo nevamwe uye kuva neshamwari. Chii chakanga chakanganisika? Angangove akanga akaora mwoyo, uye aitambisa pfuti dzematoyi nemimwe mitambo yechisimba yakakurumbira inotambwa pakombiyuta. Vamwe vangati asi inga wani ndizvo zvinongoitwawo nezvimwe zviuru zvevechiduku. Uye ndivanaani vaakauraya? Akaita zvokusarudza here vaakapfura kana kuti aingopfura chero munhu? Paingova nemibvunzo yokufungidzira yokuti nei akauraya vasikana vasere nomukomana mumwe chete bedzi. Hapana akakwanisa kupindura mibvunzo iyi zvainzwisisika.
Vanhu Vakazvitambira Sei Zvichangobva Kuitika?
“Mwanakomana wedu paakafona achindiudza nezvokupfurwa kwainge kwaitwa vanhu kuchikoro, handina kumbozvibvuma,” anoyeuka kudaro Heike. “Asi pandakanzwa ruzha rwemotokari dzakawanda dzemapurisa uye maamburenzi aimhanyirako, ndakatanga kutya.” Kumhanya-mhanya kwakaita mapurisa kungangove kwakatadzisa mhondi iyi kuuraya vanhu vakawanda pachikoro chacho. Pashure pokunge vanhu vose vabudiswa pachikoro chacho, vanamukoti, vanazvipangamazano, nevafundisi vanoshandira hurumende vakasvika pachikoro ichi ndokushanda kusvika pakurukutika vachitarisira vadzidzi.
Pasina nguva, vatori venhau vakanga vati unga unga pachikoro chacho, vachiedza kubvunzurudza vadzidzi, vakawanda vavo vakanga vachiri kutya zvainge zvaitika. Mumwe mudzidzi akaverenga motokari akawana kuti paiva ne28 dzemasiteshi 26 akasiyana-siyana eterevhizheni dzainge dzakapakwa pamberi pechikoro. Vatori venhau vaikwikwidzana zvaityisa, zvichiita kuti pave nemamwe mashoko aisava echokwadi. Mumwe mutori wenhau akafonera mhuri yomumwe musikana akanga apondwa musi chaiwo wazvakaitika achikumbira kutora mapikicha, uye vamwe vakabhadhara vadzidzi kuti vavatore mapikicha. Vachitadza kuzvibata nezvainge zvaitika, zvaiita sokuti vamwe vatori venhau vaitadza kusiyanisa nyaya dzakakodzera kubudisa nedzisina uye kuva nehanya nokuremekedza vainge vapfurwa kana mhuri dzavo.
Sezvinowanzoitika pakadaro, vanhu vanoenda kuzvitendero kuti vanyaradzwe uye kuti vatsanangurirwe. Musi wakapondwa vanhu, zvitendero zvakawanda zvakabatana zvikanamata. Vakawanda vakatenda rubatsiro rwavakawana. Asi vaya vaitsvaka kunyaradzwa neShoko raMwari kana kupindurwa mibvunzo yavo yakaoma vakaodzwa mwoyo chaizvo. Imwe mhuri yakaenda kumariro emwana aidzidza nemwanakomana wavo. Amai vake vakati: “Mumwe mufundisi akataura nezvokutambura kwaJobho. Ndakamirira kuti atsanangure chidzidzo chaizodzidzwa kana kukurudzira asi hapana chandakawana. Hapana kana zvakataurwa kuti nei Jobho akatambura kana zvakazoguma zvaitika.”
Mumwe murume akagumbuka chaizvo nemashoko aakanzwa akanga asinganyaradzi. Murume wacho akanga adzidza Bhaibheri neZvapupu zvaJehovha makore 30 akanga apfuura asi apa akanga arega kudzidza. Kubvira pakaitika izvi akatangazve kupinda misangano.
Mumwe musikana ane makore 14 anodzidza Bhaibheri neZvapupu anonzi Valisa, aiva mukirasi pedyo nepakaurayirwa vanhu. Paakanzwa kurira kwepfuti, akatanga kunyengetera kuna Jehovha. Pava paya, paakabvunzwa kuti ainzwa sei, akati zvainge zvaitika zvakaratidza chokwadi chezvaakanga adzidza muBhaibheri nezvemazuva okupedzisira anonetsa kubata nawo. (2 Timoti 3:1-5) Dzimwe hanzvadzi mbiri padzaiva mubishi rokuparidza dzichinyaradza vavakidzani vadzo, mumwe mukadzi ainge akura akasvika pavari ndokuti, “Vanhu vakawanda vanofanira kuitawo zvamuri kuita.” Kusuruvarisa uye kutyisa kwaiita kuponda kwacho kwakaita kuti vamwe vade kuteerera mashoko etariro uye anonyaradza anobva muShoko raMwari.
Kuvhiringidzwa Nokugarofunga Zvainge Zvaitika
Kutaura zvazviri, hapana mashoko okunyaradza anogona kuita kuti vaya vakafirwa kana kukuvadzwa vasanzwa kutya kana kuora mwoyo zvachose. Hapana mashoko anogona kuderedza marwadzo omubereki akafirwa nemwana kana kushungurudzika kwemupurisa akaita bararamhanya kuenda kuchikoro ichi, kunongoona mudzimai wake aripowo pane vakapondwa.
Vadzidzi vakapona patsekwende iyi nemhuri dzavo, vakavhiringidzika chaizvo, vachirwadziwa zvakasiyana-siyana. Vassilios akasvetuka nepahwindo mhondi yacho ichangotanga kuridza pfuti. Anoti, “Pandakasvetuka nepahwindo ndakanyengetera kuna Jehovha. Ndakafunga kuti ndakanga ndava kuzoenda kwamupfiga nebwe. Ndakafunga kuti uyu ndiwo waiva munyengetero wangu wokupedzisira.” Mumavhiki akatevera akanga ava kungogara achirota zvinotyisa, uye asingadi kutaura nevanhu. Akanyanya kushungurudzwa nokuona vatori venhau vachikwikwidzana chaizvo pavaitaura nezvenyaya yokuponda uku uye kusava netsiye nyoro kwevaitsvaka mamwe mashoko. Nokufamba kwenguva akazotanga kuona zvinhu sezvazviri.
Jonas naVassilios vaiva mukirasi imwe chete uye vakaona vadzidzi vavaidzidza navo vashanu vachiurayiwa. Jonas anoti: “Zvichangobva kuitika, hazvina kumbondiomera kuzvitsanangura; zvaiita sefirimu rinotyisa. Asi iye zvino zvakandiomera kuti nditaure manzwiro andiri kuita. Ndine zvinyamusi. Dzimwe nguva handidi kutaura nezvenyaya yacho; asi dzimwe nguva ndinoda kutaura nezvayo chaizvo.” Anonetsekawo nokurota zvinotyisa uye kushaya hope.
Papera zvizuva, vadzidzi vacho vakazopiwa zvinhu zvavo zvaive mumakirasi. Vanamazvikokota vakanyevera kuti vasaona zvinhu izvozvo nokuti zvaizovayeuchidza tsekwende iyi. Pakutanga, Jonas akanga asingadi kubata bhachi rake, sechero yake, neheti yake yomudhudhudhu. Pose paaiona munhu airatidzika semhondi yacho kana aive akabereka bhegi rakafanana neremhondi yacho, aitya. Vabereki vake pavaiona firimu pobva parira pfuti, aibva abvunda sorutsanga. Vanamukoti vakaedza kubatsira vakabatanidzwa mutsekwende iyi kuti vasaramba vachifunga nezvechiitiko ichi chaityisa.
Jürgen, baba vaJonas, vanoshanda pachipatara chakaurayirwa mumwe mushandi. Akataura kuti vabereki vakawanda neshamwari vaizvinetsa nemibvunzo yokuti nei? uye ko dai? Somuenzaniso, ari pavheranda mumwe mushandi wechikadzi akaona mhondi yacho ichipfuura, akanetseka chaizvo nokufunga kuti angadai akapfurwa zvokuti naiyewo aitoda kurapwawo pfungwa.
Kubatsirwa Kwakaitwa Vamwe
Chii chakabatsira vamwe kuti vatsungirire chiitiko chinotyisa chakadaro? Jürgen anoti: “Kunyange zvazvo pane dzimwe nguva zvakaoma, kana uine vamwe unonzwa zvakanaka. Zvinobatsira kana ukaziva kuti vamwe vane hanya newe, kuti hausi woga.
Jonas anotendawo kuti vamwe vane hanya: “Vakawanda vanotumira makadhi nemashoko anonyaradza. Vamwewo vanondipa ndima dzeBhaibheri dzandinozoverenga. Izvi zvakanaka chaizvo.” Chii chimwe chinomubatsirawo? “Pandinopepuka usiku uye ndava kunetsekana zvikuru, ndinonyengetera. Dzimwe nguva ndinoteerera mimhanzi kana kuti mashoko akarekodhwa eAwake!”a Anotizve Bhaibheri rinotiudza kuti nei izvi zvose zvakaitika: Satani ndiye ari kutonga nyika uye tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Baba vake vanoti kunzwisisa kwakadaro kunovabatsira kutsungirira.
Kutambura Kuchaguma Nokukurumidza
Mumazuva mashoma, pamberi pechikoro, pakanga pazara nemakenduru, maruwa netsamba. Kerstin akaona kuti vanhu vakawanda vakanyora vachibvunza kuti nei izvi zvakanga zvaitika uye kuti nei Mwari akazvibvumira. Iye nedzimwe hanzvadzi mbiri vakanyorawo tsamba vakaiisa paive nezvimwe zvinhu pashure pokunge vaona kuti mibvunzo yacho yaida mhinduro.
Pazuva rakayeukwa chiitiko ichi, chimwe chiteshi cheterevhizheni chakaratidza mashoko okutanga etsamba yake: “Nei? Mumazuva okupedzisira, mubvunzo uyu wave uchibvunzwa chaizvo, asi kunyanya yekuti: Mwari aive kupi? Uye nei akazvibvumira?” Zvinorwadza kuti mashoko acho akangozogumira ipapo.
Nei zvairwadza? Nokuti tsamba yacho yakaenderera mberi ichitsanangura kuti kutambura kwakatanga sei uye yakati Mwari “achagumisa zvose zviri kukonzera kutambura kwevanhu.” Uye inotizve: “Mubhuku rokupedzisira reBhaibheri, Mwari anoti achapukuta misodzi yose pamaziso evanhu, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.” Jehovha Mwari achatomutsa vakafa. MuUmambo hwake hwava pedyo kusvika, pachange pasisina matambudziko, kupondwa kwevanhu, kana kutambura. Mwari akavimbisa kuti: “Tarirai! Ndiri kuita kuti zvinhu zvose zvive zvitsva.”—Zvakazarurwa 21:4, 5.
[Mashoko Omuzasi]
a Magazini yeAwake! inodhindwa uye kurekodhwa neZvapupu zvaJehovha.
[Mufananidzo uri papeji 12]
Jonas akatambira kadhi raiti, “Tiri kukufunga”
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
Focus Agency/WPN
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
© imagebroker/Alamy
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 10]
Foto: picture alliance
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 11]
Foto: picture alliance